< ヘブル人への手紙 3 >
1 されば共に天の召を蒙れる聖なる兄弟よ、我らが言ひあらはす信仰の使徒たり大 祭司たるイエスを思ひ見よ。
Naizvozvo, hama tsvene, vagovani vekudanwa kwekudenga, rangarirai muapositori nemupristi mukuru wekupupura kwedu, iye Kristu Jesu,
2 彼の己を立て給ひし者に忠實なるは、モーセが神の全家に忠實なりしが如し。
wakatendeka kuna iye wakamugadza, saMozisiwo muimba yake yese.
3 家を造る者の家より勝りて尊ばるる如く、彼もモーセに勝りて大なる榮光を受くるに相應しき者とせられ給へり。
Nokuti uyu wakanzi wakafanira rukudzo kupfuura Mozisi, sezvo anovaka imba ane rukudzo kuipfuura.
4 家は凡て之を造る者あり、萬の物を造り給ひし者は神なり。
Nokuti imba imwe neimwe inovakwa neumwe; asi anovaka zvese ndiMwari.
5 モーセは後に語り傳へられんと爲ることの證をせんために、僕として神の全家に忠實なりしが、
Zvino Mozisi zvirokwazvo wakanga akatendeka muimba yake yese semuranda, kuti huve uchapupu hwezvinhu zvaizotaurwa;
6 キリストは子として神の家を忠實に掌どり給へり。我等もし確信と希望の誇とを終まで堅く保たば、神の家なり。
asi Kristu seMwanakomana pamusoro peimba yake; imba yake yatiri isu, kana chete tikabatisisa kushinga nekuzvirumbidza kwetariro kusvika pakuguma.
7 この故に聖 靈の言ひ給ふごとく『今日なんぢら神の聲を聞かば、
Naizvozvo sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,
8 その怒を惹きし時のごとく、荒野の嘗試の日のごとく、こころを頑固にするなかれ。
musaomesa moyo yenyu, sepakumukira, nezuva rekuedzwa murenje,
9 彼處にて汝らの先祖たちは我をこころみて驗し、かつ四十 年の間わが業を見たり。
madzibaba enyu paakandiedza, vachindinzvera, ndokuona mabasa angu makore makumi mana.
10 この故に我この代の人を憤ほりて云へり、「彼らは常に心まよい、わが途を知らざりき」と。
Naizvozvo ndakatsamwiswa nezera iro, ndokuti: Vanogara vachitsauka pamoyo; uye ava havana kuziva nzira dzangu;
11 われ怒をもて「彼らは、我が休に入るべからず」と誓へり』
naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangatongopindi pazororo rangu.
12 兄弟よ、心せよ、恐らくは汝 等のうち活ける神を離れんとする不 信仰の惡しき心を懷く者あらん。
Chenjererai, hama, kuti kusava nemoyo wakashata wekusatenda pakati peumwe neumwe wenyu, pakutsauka kubva kuna Mwari mupenyu;
13 汝 等のうち誰も罪の誘惑によりて頑固にならぬやう、今日と稱ふる間に日々 互に相 勸めよ。
asi kurudziranai pazuva nezuva, kuchanzi nhasi; kuti kurege kuva neumwe wenyu anoomeswa nekunyengera kwechivi;
14 もし始の確信を終まで堅く保たば、我らはキリストに與る者となるなり。
nokuti tava vagovani vaKristu, kana chete tichibatisisa kuvamba kwechivimbo kusvikira pakuguma;
15 それ『今日なんじら神の聲を聞かば、その怒を惹きし時のごとく、こころを頑固にするなかれ』と云へ。
kuchanzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa moyo yenyu, sepakumukira.
16 然れば聞きてなほ怒を惹きし者は誰なるか、モーセによりてエジプトを出でし凡ての人にあらずや。
Nokuti vamwe vakati vanzwa vakamukira, asi havasi vese vakabva Egipita kubudikidza naMozisi.
17 また四十 年のあひだ、神は誰に對して憤ほり給ひしか、罪を犯してその死屍を荒野に横たへし人々にあらずや。
Asi wakatsamwiswa nani makore makumi mana? Havasi ivo vakatadza here, vane mitumbi yakawira murenje?
18 又かれらは我が安息に入るべからずとは、誰に對して誓ひ給ひしか、不 從順なる者にあらずや。
Uye ndivana ani vaakapikira kuti havangapindi pazororo rake, kunze kweavo vasina kutenda?
19 之によりて見れば、彼らの入ること能はざりしは、不 信仰によりてなり。
Zvino tinoona kuti vakange vasingagoni kupinda nekuda kwekusatenda.