< 創世記 36 >
1 エサウの傳はかくのごとしエサウはすなはちエドムなり
Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau (ndiye Edhomu).
2 エサウ、カナンの女の中より妻をめとれり即ちヘテ人エロンの女アダおよびヒビ人ヂベオンの女なるアナの女アホリバマ是なり
Esau akatora mukadzi wake kubva kuvakadzi veKenani: Adha mwanasikana waEroni muHiti, naOhoribhama mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni muHivhi,
3 又イシマエルの女ネバヨテの妹バスマテをめとれり
uyewo Bhasemati mwanasikana waIshumaeri, hanzvadzi yaNebhayoti.
4 アダはエリパズをエサウに生みバスマテはリウエルを生み
Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasemati akabereka Reueri,
5 アホリバマはヱウシ、ヤラムおよびコラを生り是等はエサウの子にしてカナンの地に於て彼に生れたる者なり
uye Ohoribhama akabereka Jeushi, Jaramu naKora. Ndivo vana vaEsau vaakaberekerwa muKenani.
6 エサウその妻と子女およびその家の諸の人並に家畜と諸の畜類およびそのカナンの地にて獲たる諸の物を挈へて弟ヤコブをはなれて他の地にゆけり
Esau akatora vakadzi vake navanakomana vake uye vanasikana vake navamwe vose veimba yake, pamwe chete nemombe dzake nezvimwe zvipfuwo zvake nepfuma yake yose yaakanga awana muKenani, akaenda kunyika yakanga iri kure nomununʼuna wake Jakobho.
7 其は二人の富有多くして倶にをるあたはざればなり彼らが寄寓しところの地はかれらの家畜のためにかれらを容るをえざりき
Pfuma yakanga yawanda kwazvo kuti vagare pamwe chete; nyika yavaigara yakanga isisavaringani vose nokuda kwezvipfuwo zvavo.
8 是に於てエサウ、セイル山に住りエサウはすなはちエドムなり
Saka Esau (ndiye Edhomu) akandogara kunyika yezvikomo yeSeiri.
9 セイル山にをりしエドミ人の先祖エサウの傳はかくのごとし
Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau baba vavaEdhomu munyika yezvikomo yeSeiri.
10 エサウの子の名は左のごとしエサウの妻アダの子はエリパズ、エサウの妻バスマテの子はリウエル
Aya ndiwo mazita avanakomana vaEsau: Erifazi, mwanakomana womukadzi waEsau, Adha, Reueri, mwanakomana waBhasemati, mukadzi waEsau.
11 エリパズの子はテマン、オマル、ゼポ、ガタムおよびケナズなり
Vanakomana vaErifazi vaiva: Temani, Omari, Zefo, Gatami naKenazi.
12 テムナはエサウの子エリパズの妾にしてアマレクをエリパズに生り是等はエサウの妻アダの子なり
Mwanakomana waEsau, Erifazi naiyewo akanga ano murongo ainzi Timina, uyo akamuberekera Amareki. Ava ndivo vaiva vazukuru vaAdha, mukadzi waEsau.
13 リウエルの子は左の如しナハテ、ゼラ、シヤンマおよびミザ是等はエサウの妻バスマテの子なり
Vanakomana vaReueri vaiva: Nahati, Zera, Shama naMiza. Ava ndivo vaiva vazukuru vaBhasemati mukadzi waEsau.
14 ヂベオンの女なるアナの女にしてエサウの妻なるアホリバマの子は左のごとし彼ヱウシ、ヤラムおよびコラをエサウに生り
Vanakomana vaOhoribhama, mukadzi waEsau, mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni, vaakaberekera Esau, vaiva: Jeushi, Jaramu naKora.
15 エサウの子孫の侯たる者は左のごとしエサウの冢子エリパスの子にはテマン侯オマル侯ゼボ侯ケナズ侯
Aya ndiwo aiva madzishe pakati pezvizvarwa zvaEsau: Vanakomana vaErifazi, dangwe raEsau, vaiva: madzishe Temani, Omari, Sefo, Kenazi,
16 コラ侯ガタム侯アマレク侯是等はエリパズよりいでたる侯にしてエドムの地にありき是等はアダの子なり
Kora, Gatami naAmareki. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Erifazi muEdhomu; vaiva vazukuru vaAdha.
17 エサウの子リウエルの子は左のごとしナハテ侯ゼラ侯シヤンマ侯ミザ侯是等はリウエルよりいでたる侯にしてエドムの地にありき是等はエサウの妻バスマテの子なり
Vanakomana vaReueri, mwanakomana waEsau, vaiva madzishe Nahati, Zera, Shama naMiza. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Reueri muEdhomu; vakanga vari vazukuru vaBhasemati, mukadzi waEsau.
18 エサウの妻アホリバマの子は左のごとしヱウシ侯ヤラム侯コラ侯是等はアナの女にしてエサウの妻なるアホリバマよりいでたる侯なり
Vanakomana vaOhoribhama, mukadzi waEsau, vaiva: madzishe Jeushi, Jaramu naKora. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Ohoribhama mukadzi waEsau mwanasikana waAna.
19 是等はエサウすなはちエドムの子孫にしてその侯たる者なり
Ava ndivo vaiva vanakomana vaEsau (ndiye Edhomu) uye aya ndiwo madzishe avo.
20 素より此地に住しホリ人セイルの子は左のごとしロタン、シヨバル 、ヂベオン、アナ
Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaSeiri muHori, vakanga vachigara mudunhu iroro: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana,
21 デシヨン、エゼル、デシヤン是等はセイルの子ホリ人の中の侯にしてエドムの地にあり
Dhishoni, Ezeri naDhishani. Vanakomana ava vaSeiri muEdhomu vakanga vari madzishe avaHori.
22 ロタンの子はホリ、ヘマムなりロタンの妹はテムナ
Vanakomana vaRotani vaiva: Hori naHomami. Timina akanga ari hanzvadzi yaRotani.
23 シヨバルの子は左のごとしアルワン、マナハテ、エバル、シボ、オナム
Vanakomana vaShobhari vaiva: Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami.
24 ヂベオンの子は左のごとし即ちアヤとアナ此アナその父ヂベオンの驢馬を牧をりし時曠野にて温泉を發見り
Vanakomana vaZibheoni vaiva: Ayia naAna. Uyu ndiye uya Ana akawana matsime emvura inopisa mugwenga paakanga achifudza mbongoro dzababa vake Zibheoni.
25 アナの子は左のごとしデシヨンおよびアホリバマ、アホリバマはアナの女なり
Vanakomana vaAna vaiva: Dishoni naOhoribhama, mwanakomana waAna.
26 デシヨンの子は左のごとしヘムダン、エシバン、イテラン、ケラン
Vanakomana vaDhishoni vaiva: Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.
27 エゼルの子は左のごとしビルハン、ザワン、ヤカン
Vanakomana vaEzeri vaiva: Bhirihani, Zaavhani naAkani.
Vanakomana vaDhishani vaiva: Uzi naArani.
29 ホリ人の侯たる者は左のごとしロタン侯シヨバル侯ヂベオン侯アナ侯
Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana,
30 デシヨン侯エゼル侯デシヤン侯是等はホリ人の侯にしてその所領にしたがひてセイルの地にあり
Dhishoni, Ezeri naDhishani. Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori zvichienderana namarudzi avo, munyika yaSeiri.
31 イスラエルの子孫を治むる王いまだあらざる前にエドムの地を治めたる王は左のごとし
Aya ndiwo madzimambo akatonga muEdhomu pasati pambova namambo upi zvake akatonga muIsraeri:
32 ベオルの子ベラ、エドムに王たりその都の名はデナバといふ
Bhera, mwanakomana waBheori, akava mambo weEdhomu. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Dhinihabha.
33 ベラ薨てボヅラのゼラの子ヨバブ之にかはりて王となる
Bhera akati afa, Jobhabhi, mwanakomana waZera, aibva kuBhozira akamutevera paumambo.
34 ヨバブ薨てテマン人の地のホシヤムこれにかはりて王となる
Jobhabhi akati afa, Hushami aibva kunyika yavaTemani akamutevera paumambo.
35 ホシヤム薨てベダデの子ハダデの子ハダこれに代て王となる彼モアブの野にてミデアン人を撃しことあり其邑の名はアビテといふ
Hushani akati afa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, uya akakunda Midhiani munyika yeMoabhu, akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Avhiti.
36 ハダデ薨てマスレカのサムラこれにかはりて王となる
Hadhadhi akati afa, Samura aibva kuMasireka akamutevera paumambo.
37 サラム薨て河の旁なるレホボテのサウル之にかはりて王となる
Samura akati afa, Shauri aibva kuRehobhoti paRwizi akamutevera paumambo.
38 サウル薨てアクボルの子バアルハナンこれに代りて王となる
Shauri akati afa, Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo.
39 アクボルの子バアルハナン薨てハダル之にかはりて王となる其都の名はパウといふその妻の名はメヘタベルといひてマテレデの女なりマテレデはメザハブの女なり
Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akati afa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Pua, uye zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMe-Zahabhi.
40 エサウよりいでたる侯の名はその宗族と居處と名に循ひていへば左のごとしテムナ侯アルワ侯エテテ侯
Aya ndiwo madzishe akabva kuna Esau, namazita avo, maererano nedzimba dzavo namatunhu avo: Timina, Arivha, Jeteti,
43 マグデエル侯イラム侯是等はエドムの侯にして其領地の居處によりて言る者なりエドミ人の先祖はエサウ是なり
Magidhieri naIrami. Aya ndiwo akanga ari madzishe eEdhomu, maererano namagariro avo munyika yavakatora. Uyu ndiye Esau baba wevaEdhomu.