< 創世記 23 >

1 サラ百二十七歳なりき是即ちサラの齡の年なり
Sara akararama akasvika makore zana namakumi maviri namanomwe okuberekwa.
2 サラ、キリアテアルバにて死り是はカナンの地のヘブロンなりアブラハム至りてサラのために哀み且哭り
Akafira paKiriati Abha (ndiro Hebhuroni) munyika yeKenani, uye Abhurahama akandochema Sara akaungudza pamusoro pake.
3 斯てアブラハム死人の前より起ち出てヘテの子孫に語りて言けるは
Ipapo Abhurahama akasimuka kubva parutivi pomukadzi wake akanga afa akandotaura navaHiti, akati,
4 我は汝等の中の賓旅なり寄居者なり請ふ汝等の中にて我は墓地を與へて吾が所有となし我をして吾が死人を出し葬ることを得せしめよ
“Ndiri mutorwa nomueni pakati penyu. Nditengesereiwo nzvimbo pano yokuviga kuti ndigogona kuviga vakafa vangu.”
5 ヘテの子孫アブラハムに應て之に言ふ
VaHiti vakapindura Abhurahama vakati,
6 我主よ我等に聽たまへ我等の中にありて汝は神の如き君なり我等の墓地の佳者を擇みて汝の死人を葬れ我等の中一人も其墓地を汝にをしみて汝をしてその死人を葬らしめざる者なかるべし
“Ishe, tinzwei. Imi muri muchinda mukuru pakati pedu. Vigai henyu akafa wenyu muguva rakaisvonaka pakati pamakuva edu. Hakuna munhu pakati pedu angakunyimai guva rake kuti muvige akafa wenyu.”
7 是に於てアブラハム起ち其地の民ヘテの子孫に對て躬を鞠む
Ipapo Abhurahama akasimuka akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika, ivo vaHiti.
8 而して彼等と語ひて言けるは若我をしてわが死人を出し葬るを得せしむる事汝等の意ならば請ふ我に聽て吾ためにゾハルの子エフロンに求め
Akati kwavari, “Kana muchida kuti ndivige akafa wangu, zvino chindinzwai uye mundikumbirire kuna Efuroni mwanakomana waZohari pachinzvimbo changu,
9 彼をして其野の極端に有るマクペラの洞穴を我に與へしめよ彼其十分の値を取て之を我に與へ汝等の中にてわが所有なる墓地となさば善し
kuti anditengesere bako raMakapera, raanaro uye riri kumucheto womunda wake. Mukumbirei kuti anditengesere nomutengo uzere ive nzvimbo yangu yokuviga vakafa pakati penyu.”
10 時にエフロン、ヘテの子孫の中に坐しゐたりヘテ人エフロン、ヘテの子孫即ち凡て其邑の門に入る者の聽る前にてアブラハムに應へて言けるは
Efuroni muHiti akanga agere pakati pavanhu vake akapindura Abhurahama, vaHiti vose vakanga vauya pasuo reguta vachizvinzwa,
11 吾主よ我に聽たまへ其野は我汝に與ふ又其中の洞穴も我之を汝に與ふ我吾民なる衆人の前にて之を汝にあたふ汝の死人を葬れ
akati, “Kwete, ishe wangu. Inzwai; ndinokupai munda, uye ndinokupai bako riri mauri. Ndinoupa kwamuri pamberi pavanhu vangu. Vigai henyu akafa wenyu.”
12 是に於てアブラハム其地の民の前に躬を鞠たり
Zvakare Abhurahama akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika
13 而して彼其地の民に聽る前にてエフロンに語りて言けるは汝若之を肯はば請ふ吾に聽け我其野の値を汝に償はん汝之を吾より取れ我わが死人を彼處に葬らん
akati kuna Efuroni vachizvinzwa, “Nditeerere, kana uchida. Ndicharipa mutengo womunda. Ugamuchire hako kubva kwandiri kuti ndigoviga vakafa vangu imomo.”
14 エフロン、アブラハムに答て曰けるは
Efuroni akapindura Abhurahama akati,
15 わが主よ我に聽たまへ彼地は銀四百シケルに當る是は我と汝の間に豈道に足んや然ば汝の死人を葬れ
“Nditeererei, ishe wangu, mutengo wenyika unoita mashekeri mazana mana esirivha, asi chingava chiiko pakati pangu nemi? Vigai henyu akafa venyu.”
16 アブラハム、エフロンの言に從ひエフロンがヘテの子孫の聽る前にて言たる所の銀を秤り商買の中の通用銀四百シケルを之に與へたり
Abhurahama akabvumirana nomutengo waEfuroni akamuyerera mutengo waakanga areva vaHiti vachizvinzwa; mazana mana amashekeri esirivha, maererano nomutengo waivapo pakati pavatengesi.
17 マムレの前なるマクペラに在るエフロンの野は野も其中の洞穴も野の中と其四周の堺にある樹も皆
Saka munda waEfuroni muMakapera pedyo neMamure, zvose munda nebako zvaive mauri, nemiti yose yaiva pakati pomuganhu womunda, zvakapiwa
18 ヘテの子孫の前即ち凡て其邑に入る者の前にてアブラハムの所有と定りぬ
kuna Abhurahama zvikava zvake pamberi pavaHiti vakanga vauya pasuo reguta.
19 厥後アブラハム其妻サラをマムレの前なるマクペラの野の洞穴に葬れり是即ちカナンの地のヘブロンなり
Shure kwaizvozvo Abhurahama akaviga mukadzi wake Sara mubako mumunda weMakapera pedyo neMamure (iro Hebhuroni) munyika yeKenani.
20 斯く其野と其中の洞穴はヘテの子孫之をアブラハムの所有なる墓地と定めたり
Saka munda nebako raiva mauri zvakapiwa kuna Abhurahama navaHiti senzvimbo yamakuva.

< 創世記 23 >