< 創世記 22 >
1 是等の事の後神アブラハムを試みんとて之をアブラハムよと呼たまふ彼言ふ我此にあり
Shure kwaizvozvo, Mwari akaedza Abhurahama. Akati kwaari, “Abhurahama!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
2 ヱホバ言給ひけるは爾の子爾の愛する獨子即ちイサクを携てモリアの地に到りわが爾に示さんとする彼所の山に於て彼を燔祭として獻ぐべし
Ipapo Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, Isaka, iye waunoda, uende kunyika yeMoria. Umubayire ikoko sechipiriso chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.”
3 アブラハム朝夙に起て其驢馬に鞍おき二人の少者と其子イサクを携へ且燔祭の柴薪を劈りて起て神の己に示したまへる處におもむきけるが
Mangwanani akatevera, Abhurahama akamuka akasunga mbongoro yake. Akatora varanda vake vaviri nomwanakomana wake Isaka. Akati atema huni dzechipiriso chinopiswa dzakakwana, akasimuka akaenda kunzvimbo yaakanga audzwa nezvayo naMwari.
4 三日におよびてアブラハム目を擧て遙に其處を見たり
Pazuva rechitatu, Abhurahama akasimudza meso ake akaona nzvimbo yacho ichiri kure.
5 是に於てアブラハム其少者に言けるは爾等は驢馬とともに此に止れ我と童子は彼處にゆきて崇拜を爲し復爾等に歸ん
Akati kuvaranda vake, “Sarai henyu pano nembongoro iyi, ini nomukomana timboyambukira uko. Tichandonamata tigodzoka hedu kwamuri.”
6 アブラハム乃ち燔祭の柴薪を取て其子イサクに負せ手に火と刀を執て二人ともに往り
Abhurahama akatora huni dzechipiriso chinopiswa akadziisa pana Isaka mwanakomana wake, uye iye pachake akatakura moto nebanga. Pavakanga vachifamba pamwe chete vari vaviri,
7 イサク父アブラハムに語て父よと曰ふ彼答て子よ我此にありといひければイサク即ち言ふ火と柴薪は有り然ど燔祭の羔は何處にあるや
Isaka akataura nababa vake Abhurahama akati, “Baba!” Abhurahama akati, “Chiiko mwanangu?” Isaka akati, “Moto nehuni zviri pano, asi gwayana rechipiriso chinopiswa riripiko?”
8 アブラハム言けるは子よ神自ら燔祭の羔を備へたまはんと二人偕に進みゆきて
Abhurahama akapindura akati, “Mwari pachake ndiye achapa gwayana rechipiriso chinopiswa, mwanakomana wangu.”
9 遂に神の彼に示したまへる處に到れり是においてアブラハム彼處に壇を築き柴薪を臚列べ其子イサクを縛りて之を壇の柴薪の上に置せたり
Vakati vasvika panzvimbo yaakanga ataurirwa nezvayo naMwari, Abhurahama akavaka aritari ipapo uye akaisa huni pamusoro payo. Akasunga mwanakomana wake Isaka akamuradzika paaritari, pamusoro pehuni.
10 斯してアブラハム手を舒べ刀を執りて其子を宰んとす
Ipapo akatambanudza ruoko rwake akatora banga kuti auraye mwanakomana wake.
11 時にヱホバの使者天より彼を呼てアブラハムよアブラハムよと言へり彼言ふ我此にあり
Asi mutumwa waJehovha akadanidzira kwaari kubva kudenga akati, “Abhurahama! Abhurahama!” Iye akapindura akati, “Ndiri pano hangu.”
12 使者言けるは汝の手を童子に按るなかれ亦何をも彼に爲べからず汝の子即ち汝の獨子をも我ために惜まざれば我今汝が神を畏るを知ると
Akati, “Usaisa ruoko rwako pamukomana. Usamboita chimwe chinhu kwaari. Zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari, nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe woga.”
13 茲にアブラハム目を擧て視れば後に牡綿羊ありて其角林叢に繋りたりアブラハム即ち往て其牡綿羊を執へ之を其子の代に燔祭として獻げたり
Abhurahama akasimudza meso ake uye ipapo padenhere akaona gondobwe rakabatwa nenyanga dzaro. Akaendapo akatora gondobwe akaribayira sechipiriso chinopiswa.
14 アブラハム其處をヱホバエレ(ヱホバ預備たまはん)と名く是に縁て今日もなほ人々山にヱホバ預備たまはんといふ
Saka Abhurahama akatumidza nzvimbo iyo kuti, “Jehovha Achapa.” Uye nanhasi zvinonzi, “Pagomo raJehovha ndipo pazvichapiwa.”
Mutumwa waJehovha akadana kuna Abhurahama kubva kudenga kechipiri
16 言けるはヱホバ諭したまふ我己を指て誓ふ汝是事を爲し汝の子即ち汝の獨子を惜まざりしに因て
akati, “Ndinopika neni pachangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti nokuda kwokuti waita izvi uye kuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga,
17 我大に汝を祝み又大に汝の子孫を増して天の星の如く濱の沙の如くならしむべし汝の子孫は其敵の門を獲ん
zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye sejecha riri pamahombekombe egungwa. Zvizvarwa zvako zvichatora maguta avavengi vavo,
18 又汝の子孫によりて天下の民皆福祉を得べし汝わが言に遵ひたるによりてなりと
uye kubudikidza navana vako ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa, nokuti wakanditeerera.”
19 斯てアブラハム其少者の所に歸り皆たちて偕にベエルシバにいたれりアブラハムはベエルシバに住り
Ipapo Abhurahama akadzokera kuvaranda vake, vakasimuka vose pamwe chete vakaenda kuBheerishebha.
20 是等の事の後アブラハムに告る者ありて言ふミルカ亦汝の兄弟ナホルにしたがひて子を生り
Shure kwaizvozvo, Abhurahama akaudzwa kuti, “Mirika ava maiwo; akaberekera mununʼuna wako Nahori vanakomana vanoti:
21 長子はウヅ其弟はブヅ其次はケムエル是はアラムの父なり
Uzi dangwe, Bhuzi mununʼuna wake, Kemueri (baba vaAramu),
22 其次はケセデ、ハゾ、ピルダシ、ヱデラフ、ベトエル
Kesedhi, Hazo, Piridhashi, Jidhirafi naBhetueri.”
23 ベトエルはリベカを生り是八人はミルカがアブラハムの兄弟ナホルに生たる者なり
Bhetueri akabereka Rabheka. Mirika akaberekera Nahori mununʼuna waAbhurahama vanakomana vasere ava.
24 ナホルの妾名はルマといふ者も亦テバ、ガハム、タハシおよびマアカを生り
Murongo wake ainzi Reuma, naiyewo akava navanakomana vaiti: Tebha, Gahamu, Tahashi naMaaka.