< エゼキエル書 23 >

1 ヱホバの言われに臨みて言ふ
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 人の子よ爰に二人の婦女あり一人の母の女子なり
“Mwanakomana womunhu, kwakanga kuna vakadzi vaviri, vanasikana vamai vamwe chete.
3 彼等エジプトにおいて淫を行ひその少き時に淫を行へり即ち彼處において人かれらの乳を拈り彼處においてその處女の乳房に觸る
Vakava zvifeve muIjipiti, vakaita ufeve vachiri vadiki. Munyika imomo, mazamu oumhandara hwavo akabatwa-batwa uye zvipfuva zvavo zvakabatwa-batwa.
4 その名は姊はアホラ妹はアホリバと云ふ彼ら我に歸して男子女子を生り彼らの本名はアホラはサマリヤと言ひアホリバはヱルサレムと云ふなり
Zita romukoma rainzi Ohora, uye mununʼuna wake ainzi Ohoribha. Ivo vakanga vari vangu uye vakabereka vanakomana navanasikana. Ohora ndiye Samaria uye Ohoribha ndiye Jerusarema.
5 アホラは我有たる間に淫を行ひてその戀人等に焦れたり是すなはちその隣なるアツスリヤ人にして
“Ohora akaita ufeve iye achiri wangu; akachiva zvikomba zvake, ivo vaAsiria, varwi
6 紫の衣を着る者牧伯たる者督宰たる者なり是等は皆美麗き秀でたる人馬に乗る者なり
vakanga vakapfeka nguo dzebhuruu, vabati navatungamiri vehondo, vakanga vari majaya akanaka chose, uye vari vatasvi vamabhiza.
7 彼凡てアツスリヤの秀でたる者と淫を行ひ且その焦れたる諸の者すなはちその諸の偶像をもてその身を汚せり
Akaita ufeve navapamusoro-soro vose veAsiria uye akazvisvibisa nezvifananidzo zvose zvavose vaaichiva.
8 彼またエジプトよりの淫行を捨ざりき即ち彼の少き時に彼ら彼と寢ねその處女の乳房にさはりその淫慾を彼の身の上に洩せり
Haana kurega ufeve hwaakatangira kuIjipiti, paakavata navarume achiri muduku, vakabata-bata chipfuva choumhandara hwake uye vakadurura ruchiva rwavo pamusoro pake.
9 是故に我彼をその戀人の手に付しその焦れたるアツスリヤの子孫の手に付せり
“Naizvozvo ndakamuisa kuzvikomba zvake, ivo vaAsiria, vaakanga achichiva.
10 是に於て彼等かれの陰所を露しその子女を奪ひ劍をもて彼を殺して婦人の中にその名を聞えしめその身の上に鞫を行へり
Vakamubvisa nguo akasara asina, ashama, vakatora vanakomana vake navanasikana ndokubva vamuuraya nomunondo. Akabva ava shumo pakati pavakadzi uye akarangwa.
11 彼の妹アホリバこれを見彼よりも甚だしくその慾を縱恣にしその姊の淫行よりもましたる淫行をなし
“Mununʼuna wake Ohoribha akazviona izvozvo, asi nokuda kworuchiva rwake noufeve hwake, akanyanya ufeve kupfuura mukoma wake.
12 その隣なるアツスリヤの人々に戀焦れたり彼らはすなはち牧伯たる者 督宰たる者 華美に粧ひたる者 馬に騎る者にして皆美しき秀でたる者なり
Akachivawo vaAsiria, vatongi navatungamiri vehondo, varwi vakapfeka zvakakwana, vatasvi vaifamba namabhiza, namajaya akanaka ose.
13 我かれがその身を汚せしを見たり彼らは共に一の途をあゆめり
Ndakaona kuti naiyewo akazvisvibisa; vose vari vaviri vakafamba nenzira imwe cheteyo.
14 彼その淫行を増り彼壁に彫つけたる人々を見たり是すなはち朱をもて壁に彫つけたるカルデヤ人の像にして
“Asi akaenderera mberi noufeve hwake. Akaona mifananidzo yavarume pamadziro, mifananidzo yavaKaradhea mitsvuku,
15 腰には帶を結び首には垂さがれる帓巾を戴けり是等は皆君王たる者の形ありてその生れたる國なるカルデヤのバビロン人に似たり
vana mabhandi akamonera muzviuno zvavo nenguwani dzemicheka dzairembera pamisoro yavo; vakaita samachinda engoro dzeBhabhironi, vagari veKaradhea.
16 彼その目に是等を見てこれに戀焦れ使者をカルデヤにおくりて之にいたらしむ
Paakangovaona, akabva avachiva ndokutumira nhume kwavari muKaradhea.
17 是に於てバビロンの人々彼の許にきたりて戀の床に就きその淫行をもて彼を汚したりしが彼らにその身を汚さるるにおよびて彼その心にかれらを疎んず
Ipapo vaBhabhironi vakauya kwaari, kunhoo yorudo, mukuchiva kwavo, vakamusvibisa. Shure kwokusvibiswa kwake navo, akavafuratira kwazvo.
18 彼その淫行を露しその陰所を顯したれば我心彼を疎んず吾心かれの姊を疎んじたるがごとし
Paakaenderera mberi noufeve hwake pachena uye akaratidza kushama kwake, ndakamufuratira zvandisembura, sokufuratira kwandakanga ndaita mukoma wake.
19 彼その淫行を増しその少き日にエジプトに於て淫をおこなひし事を憶え
Asi akaramba achiwedzera unzenza hwake achirangarira mazuva ouduku hwake, paakanga ari chifeve muIjipiti.
20 彼らの戀人に焦るその人の肉は驢馬の肉のごとく其精は馬の精のごとし
Akachiva zvikomba zvake ikoko, vane mitezo yakaita sembongoro uye zvinobuda mavari zvakaita sezvamabhiza.
21 汝は己の少き時にエジプト人が汝の處女の乳房のために汝の乳にさはりたる時の淫行を顧みるなり
Saka wakapanga unzenza hwouduku hwako, pawaiva muIjipiti chipfuva chako chakabatwa-batwa uye mazamu ouduku hwako akabatwa-batwa.
22 この故に主ヱホバかく言ふアホリバよ我汝が心に疎んずるに至りしところの戀人等を激して汝を攻しめ彼らをして四方より汝に攻きたらしむべし
“Naizvozvo, Ohoribha, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakumutsira zvikomba zvako kuti zvikurwise, ivo vawakasemburwa navo ukavafuratira, ndichavauyisa kuzorwa newe vachibva kumativi ose,
23 即ちバビロンの人々およびカルデヤの諸の人々ペコデ、シヨワ、コア並にアツスリヤの諸の人々美しき秀でたる人々牧伯等および督宰等 大君および名高き人 凡て馬に騎る者
vaBhabhironi navaKaradhea vose, varume vePekodhi neveShowa neKowa, uye vaAsiria vose pamwe chete navo, majaya akanaka, vose vari vabati nevatungamiri vamauto, namachinda engoro navarume vezvigaro zvapamusoro, vose vakatasva mabhiza.
24 鋒車および輪を持ち衆多の民をひきゐて汝に攻め來り大楯小楯および兜をそなへて四方より汝に攻かからん我裁判をかれらに委ぬべし彼らすなはち其律法によりて汝を鞫かん
Vachauya kuzorwa newe vaine zvombo, nengoro uye neboka ravanhu vazhinji, vachagadzirira kuti varwe newe kumativi ose nenhoo huru neduku uye nenguwani dzokurwa nadzo. Ndichakudzorera kwavari kuti urangwe, uye vachakuranga sezvakafanira mitemo yavo.
25 我汝にむかひてわが嫉妬を發すれば彼ら怒をもて汝を待ひ汝の鼻と耳を切とるべし汝のうちの存れる者は劍に仆れん彼ら汝の子女を奪ふべし汝の中の殘れる者は火に燒ん
Ndichamutsa godo rangu kuti ndirwe newe, uye ivo vachakurwisa nehasha. Vachagura mhino yako nenzeve dzako, uye vakasara venyu vachaurayiwa nomunondo. Vachakutorerai vanakomana venyu navanasikana venyu, uye vachasara venyu vachaparadzwa nomoto.
26 彼ら汝の衣を剝脱り汝の美しき妝飾を取べし
Vachakubvisai nguo dzenyu uye vachakutorerai ukomba hwenyu hwakaisvonaka.
27 我汝の淫行を除き汝がエジプトの地より行ひ來れるところの邪淫を除き汝をして重て彼らに目をつけざらしめ再びエジプトの事を憶はざらしめん
Saka ndichagumisa unzenza hwenyu noufeve hwamakatangira muIjipiti. Hamuchazotariri zvinhu izvi muchizvishuva kana kuzorangarira Ijipiti zvakare.
28 主ヱホバかく言ふ視よ我汝が惡む者の手汝が心に疎ずる者の手に汝を付せば
“Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ndava kuzokuisa mumaoko avanhu vaunovenga, kuna avo vawakafuratira wasemburwa navo.
29 彼ら怨憎をもて汝を待ひ汝の得たる物を盡く取り汝を赤裸に成おくべし是をもて汝が淫をおこなヘる陰所露にならん汝の淫行と邪淫もしかり
Ivo vachakuitira ruvengo vagokutorera zvinhu zvose zvawakashandira. Vachakusiya usina kupfeka wakashama, uye kunyadzisa kwoufeve hwako kuchaiswa pachena. Unzenza hwako nokupata kwako
30 汝異邦人を慕ひて淫をおこなひ彼らの偶像をもて身を汚したるに由て是等の事汝におよぶなり
zvakaisa izvi pamusoro pako, nokuti iwe wakachiva ndudzi ndokuzvisvibisa nezvifananidzo zvadzo.
31 汝その姊の途に歩みたれば我かれの杯を汝の手に交す
Wakafamba nenzira yomununʼuna wako; saka ndichaisa mukombe wake muruoko rwako.
32 主ヱホバかく言ふ汝その姊の深き大なる杯を飮べし是は笑と嘲を充す者なり
“Zvanzi naIshe Jehovha: “Uchanwa mukombe womukoma wako, mukombe mukuru wakadzika; uchakuvigira kusekwa nokumhurwa, nokuti une zvakawanda.
33 醉と憂汝に滿ちん汝の姊サマリヤの杯は駭異と滅亡の杯なり
Uchazadzwa nokudhakwa nokusuwa, mukombe wokuparadza nokuputsa, mukombe womukoma wako Samaria.
34 汝これを飮み乾しこれを吸つくしその碎片を咬み汝の乳房を摘去ん我これを言ふと主ヱホバ言ふ
Uchanwa zvokupedza kuti tsvai; uchauputsa ukava zvaenga uye uchacheka mazamu ako. Ndini ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
35 然ば主ヱホバかく言ふ汝我を忘れ我を後に棄たれば汝またその淫行と邪淫の罪を負べし
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo wakandikanganwa ukandirasira shure kwako, unofanira kuzvitakurira matambudziko ounzenza hwako noufeve hwako.”
36 斯てヱホバ我にいひたまふ人の子よ汝アホラとアホリバを鞫かんとするや然らば彼らにその憎むべき事等を示せ
Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu unganditongerewo Ohora naOhoribha here? Ipapo uvazivise zvinonyangadza zvavanoita,
37 夫彼らは姦淫をおこなへり又血その手にあり彼らその偶像と姦淫をおこなひ又その我に生たる男子等に火の中をとほらしめてこれを燒り
nokuti vakaita ufeve uye ropa riri mumaoko avo. Vakaita ufeve nezvifananidzo zvavo; vakasvika pakubayira vana vavo, vavakandiberekera ini, kuti zvive zvokudya zvavo.
38 加之また是をなせり即ち彼ら同日にわが聖處を汚しわが安息日を犯せり
Vakaitawo izvi kwandiri: Panguva imwe cheteyo vakasvibisa nzvimbo yangu tsvene vakasvibisa maSabata angu.
39 彼らその偶像のために男子等を宰りしその日にわが聖處に來りてこれを汚し斯わが家の中に事をなせり
Pazuva ravakabayira vana vavo, kuzvifananidzo zvavo, vakapinda munzvimbo yangu tsvene vakaisvibisa. Ndizvo zvavakaita mumba mangu.
40 且又彼らは使者をやりて遠方より人を招きて至らしむ其人々のために汝身を洗ひ目を畵き妝飾を着け
“Vakatuma kunyange nenhume kundodana varume uye pavakasvika iwe wakazvishambidza nokuda kwavo, ukazodza meso ako ndokuzvishongedza noukomba.
41 華美なる床に坐し臺盤をその前に備へその上にわが香とわが膏を置り
Wakagara panhoo yakaisvonaka ine tafura yakagadzikwa pamberi payo pawakanga wakaisa zvinonhuhwira namafuta akanga ari angu.
42 斯て群衆の喧噪その中に靜りしがその多衆の人々の上にまた曠野よりサバ人を招き寄たり彼らは手に腕環をはめ首に美しき冠を戴けり
“Mheremhere yavanhu vakanga vasina hanya yakanga yakamukomberedza: VaSabhea vakaunzwa kubva kugwenga pamwe chete navarume vaibva pamhomho yavanhu vezhowezhowe, uye vakashongedza mabhenguro mumaoko omukadzi nomununʼuna wake nekorona dzakaisvonaka pamisoro yavo.
43 我かの姦淫のために衰弱たる女の事を云り今は早彼の姦淫その姦淫をなしをはらんかと
Ipapo ndakati pamusoro paiye akanga apera noufeve, ‘Zvino ngavamushandise sechifeve, nokuti ndizvo zvaari.’
44 彼らは遊女の所にいるごとくに彼の所に入たり斯かれらすなはち淫婦アホラとアホリバの所に入ぬ
Ipapo vakavata naye. Sokuvata kunoita varume nechifeve, saizvozvo vakavata navakadzi nzenza, ivo vanaOhora naOhoribha.
45 義人等姦婦の律法に照し故殺の律法に照して彼らを鞫かん彼らは姦婦にしてまたその手に血あればなり
Asi vanhu vakarurama vachavatonga nechirango chinopiwa vakadzi vanoita ufeve uye vanoteura ropa, nokuti ivo zvifeve uye ropa riri pamaoko avo.
46 主ヱホバかく言ふ我群衆を彼等に攻きたらしめ彼らを是に付して虐と掠にあはしめん
“Zvanzi naIshe Jehovha: Uyai neboka ravarwi vazovarwisa muvatyise uye muvapambe.
47 群衆かれらを石にて撃ち劍をもて斬りその子女を殺し火をもてその家を燒べし
Mhomho ichavatema namabwe uye igovabaya neminondo; vachauraya vanakomana vavo navanasikana vavo vagopisa dzimba dzavo.
48 斯我この地に邪淫を絕さん婦女みな自ら警めて汝らのごとくに邪淫をおこなはざるべし
“Saka ndichagumisa unzenza panyika, kuti vakadzi vose vayambirwe vagorega kutevedzera.
49 彼ら汝らの邪淫の罪を汝らに報いん汝らはその偶像の罪を負ひ而して我の主ヱホバなるを知にいたるべし
Ucharangwa nokuda kwounzenza hwako uye uchatakura mubayiro wezvivi zvokufeva kwako. Ipapo uchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.”

< エゼキエル書 23 >