< エゼキエル書 13 >

1 ヱホバの言われに臨みて言ふ
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 人の子よ預言を事とするイスラエルの預言者にむかひて預言せよ彼のおのれの心のままに預言する者等に言ふべし汝らヱホバの言を聽け
“Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavaprofita vaIsraeri vari kukuprofitirai zvino. Uti kuna avo vanoprofita zvinobva pamurangariro wavo, ‘Inzwai shoko raJehovha!
3 主ヱホバかくいひ給ふ彼の何をも見ずして己の心のままに行ふところの愚なる預言者は禍なるかな
Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vaprofita mapenzi vanotevera mweya yavo pachavo ivo vasina chavakaona!
4 イスラエルよ汝の預言者は荒墟にをる狐のごとくなり
Vaprofita venyu, imi vaIsraeri, vakafanana namakava ari pakati pamatongo.
5 汝等は破壞口を守らずまたイスラエルの家の四周に石垣を築きてヱホバの日に防ぎ戰はんともせざるなり
Hamuna kukwira pakakoromoka porusvingo kuti mupagadzirire imba yaIsraeri, kuti igomira yakasimba pahondo pazuva raJehovha.
6 彼らは虛浮者および虛妄の占卜を見る彼等はヱホバいひたまふと言ふといへどもヱホバはかれらを遣さざるなり然るに彼らその言の成らんことを望む
Zviratidzo zvavo ndezvenhema uye kuvuka kwavo inhema. Ivo vanoti, “Jehovha anoti,” asi Jehovha asina kuvatuma; asi vanotarisira kuti mashoko avo azadzisike.
7 汝らは空しき異象を見虛妄の占卜を宣べ吾が言ふことあらざるにヱホバいひ給ふと言ふにあらずや
Hauna kuona zviratidzo zvenhema here uye mukataura nhema pakuvuka pamainge muchiti, “Jehovha anoti,” kunyange zvangu ndisina kutaura?
8 是故に主ヱホバかくいひたまふ汝等空虛き事を言ひ虛僞の物を見るによりて我なんぢらを罰せん主ヱホバこれをいふ
“‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwamashoko enyu enhema nezviratidzo zvenhema ndinokupai mhosva, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9 我手はかの虛浮き事を見虛僞の事を卜ひいふところの預言者等に加はるべし彼等はわが民の會にをらずなりイスラエルの家の籍にしるされずイスラエルの地にいることをえざるべし汝等すなはち吾のヱホバなるをしるにいたらん
Ruoko rwangu rucharwa navaprofita vanoona zviratidzo zvenhema uye vanotaura kuvuka kwenhema. Havangavi pakati pamakurukota avanhu vangu kana kunyorwa muzvinyorwa zveimba yaIsraeri, uye havangapindi munyika yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
10 かれらは吾民を惑し平安あらざるに平安といふ又わが民の屏を築くにあたりて彼等灰砂をもて之を圬る
“‘Nokuda kwokuti vanotsausa vanhu vangu, vachiti, “Rugare,” ipo pasina rugare, uye nokuti pavanovaka rusvingo rwakatetepa vanorupenda nependi chena.
11 是故にその灰砂を圬る者に是は圮るべしと言へ大雨くだらん雹よ降れ大風よ吹べし
Naizvozvo udza ivavo vanorupenda kuti ruchawa. Mvura ichanaya yakawanda, uye ndichatuma chimvuramabwe chicharova pasi, uye mhepo dzine simba dzichavhuvhuta.
12 視よ屏は圮る然ば人々汝等が用ひて圬たる灰砂は何處にあるやと汝等に言ざらんや
Panoondomoka rusvingo vanhu havazokubvunzi here vachiti, “Iripiko pendi chena yamakarupenda nayo?”
13 即ち主ヱホバかく言たまふ我憤恨をもて大風を吹せ忿怒をもて大雨を注がせ憤恨をもて雹を降せてこれを毀つべし
“‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Muhasha dzangu ndichasunungura mhepo ine simba, uye pakutsamwa kwangu chimvuramabwe nemvura zhinji zvichanaya nokuparadza kunotyisa.
14 我なんぢらが灰砂をもて圬たる屏を毀ちてこれを地に倒しその基礎を露にすべし是すなはち圮れん汝等はその中にほろびて吾のヱホバなるを知にいたらん
Ndichaparadza rusvingo rwawakapenda nependi chena uye ndicharukoromora ndigorusiya rwati ware ware pasi zvokuti nheyo dzarwo dzichasara dzava pachena. Paruchakoromoka, nemi muchaparadzwa murimo; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.
15 斯われその屏とこれを灰砂にてぬれる者とにむかひてわが憤恨を洩しつくして汝等にいふべし屏はあらずなり又灰砂にてこれを圬る者もあらずなれりと
Saka ndichapedzera hasha dzangu parusvingo napamusoro pavaya vairupenda nependi chena. Ndichati kwamuri, “Rusvingo rwaparara uye naivowo vakarupenda nependi chena,
16 是すなはちイスラエルの預言者等なり彼等はヱルサレムにむかひて預言をなし其處に平安のあらざるに平安の默示を見たりといへり主ヱホバこれをいふ
vaya vaprofita veIsraeri vakaprofita pamusoro peJerusarema uye vakaona zviratidzo zvorugare rwaro nyamba kwakanga kusina rugare, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”’
17 人の子よ汝の民の女等の其心のままに預言する者に汝の面をむけ之にむかひて預言し
“Zvino, iwe mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro pavanasikana vavanhu vako vanoprofita zvinobva mundangariro dzavo. Profita pamusoro pavo,
18 言べし主ヱホバかくいひたまふ吾手の節々の上に小枕を縫つけ諸の大さの頭に帽子を造り蒙せて靈魂を獵んとする者は禍なるかな汝等はわが民の靈魂を獵て己の靈魂を生しめんとするなり
uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vakadzi vanosonera mazango pamaoko avo uye vanoita zvifukidzo zvemisoro yavo zvemhando dzakasiyana-siyana pakureba vachiitira kuti vateye vanhu nazvo. Ko, imi muchateya upenyu hwavanhu vangu asi muchichengetedza hwenyu here?
19 汝等小許の麥のため小許のパンのために吾民の前にて我を汚しかの僞言を聽いるる吾民に僞言を陳て死べからざる者を死しめ生べからざる者を生しむ
Makandisvibisa pakati pavanhu vangu nokuda kwezviyero zvishoma zvebhari namafufu echingwa. Pamakareva nhema kuvanhu vangu, vanoteerera nhema, makauraya vaya vakanga vasingafaniri kufa, mukasiya vakanga vasingafaniri kurarama.
20 是故に主ヱホバかくいひたまふ我汝等が用ひて靈魂を獵ところの小枕を奪ひ靈魂を飛さらしめん我なんぢらの臀より小枕を裂とりて汝らが獵ところの靈魂を釋ち其靈魂を飛さらしむべし
“‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Ndinovenga mazango enyu amunoteya nawo vanhu kunge munoteya shiri, zvino ndichaadambura pamaoko enyu; ndichasunungura vanhu vamunoteya seshiri.
21 我なんぢらの帽子を裂き吾民を汝らの手より救ひいださん彼等はふたたび汝等の手に陷りて獵れざるべし汝らは吾ヱホバなるを知にいたらん
Ndichabvarura mavhoiri enyu ndigoponesa vanhu vangu pamaoko enyu, uye havachazovi nyama mumaoko enyu, uye havachazobatwizve nesimba renyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
22 汝等虛僞をもて義者の心を憂へしむ我はこれを憂へしめざるなり又汝等惡者の手を強くし之をしてその惡き道を離れかへりて生命を保つことをなさしめず
Nokuti makaodza mwoyo yavakarurama nenhema dzenyu, vandakanga ndisina kuchemedza ini, uye nokuti makakurudzira vakaipa kuti varege kutendeuka panzira dzavo dzakaipa nokudaro vaponese mweya yavo,
23 是故に汝等は重ねて虛浮き物を見ることを得ず占卜をなすことを得ざるに至るべし我わが民を汝らの手より救ひいださん汝等すなはちわがヱホバなるを知にいたるべし
naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvenhema kana kuita zvokuvuka. Ndichaponesa vanhu vangu pamaoko enyu. Ipapo zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.’”

< エゼキエル書 13 >