< エペソ人への手紙 5 >

1 されば汝ら愛せらるる子供のごとく、神に效ふ者となれ。
Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, sevana vanodikanwa;
2 又キリストの汝らを愛し、我らのために己を馨しき香の献物とし犧牲として、神に献げ給ひし如く、愛の中をあゆめ。
uye fambai murudo, Kristu sezvaakatidawo, akazvipa nekuda kwedu, ave chipo nechibairo kuna Mwari zvive hwema hunonhuhwira.
3 聖徒たるに適ふごとく、淫行、もろもろの汚穢、また慳貪を汝らの間にて稱ふる事だに爲な。
Asi upombwe netsvina yese kana kuchiva ngazvirege kutongorehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;
4 また恥づべき言・愚なる話・戯言を言ふな、これ宜しからぬ事なり、寧ろ感謝せよ。
neunzenza, nekutaura kweupenzi, kana kunemera, zvinhu zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga.
5 凡て淫行のもの、汚れたるもの、貪るもの、即ち偶像を拜む者どもの、キリストと神との國の世嗣たることを得ざるは、汝らの確く知る所なり。
Nokuti munozviziva izvi, kuti mhombwe yega-yega, kana munhu asina kuchena, kana munhu anochiva, anova munamati wezvifananidzo, haana nhaka muushe hwaKristu nehwaMwari.
6 汝ら人の虚しき言に欺かるな、神の怒はこれらの事によりて不 從順の子らに及ぶなり。
Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemashoko asina maturo; nokuti nekuda kwezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pevana vekusateerera.
7 この故に彼らに與する者となるな。
Naizvozvo regai kuva vagovani navo.
8 汝ら舊は闇なりしが、今は主に在りて光となれり、光の子供のごとく歩め。
Nokuti maimbova rima, asi ikozvino mava chiedza muna Ishe; fambai sevana vechiedza.
9 (光の結ぶ實はもろもろの善と正義と誠實となり)
Nokuti chibereko cheMweya chiri mukunaka kwese nekururama nechokwadi,
10 主の喜び給ふところの如何なるかを辨へ知れ。
muchiongorora zvinofadza kuna Ishe;
11 實を結ばぬ暗き業に與する事なく、反つて之を責めよ。
uye musadyidzana nemabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani mutsiurewo;
12 彼らが隱れて行ふことは之を言ふだに恥づべき事なり。
nokuti zvinhu zvinoitwa navo pakavanda zvinonyadzisa kunyange kutaura.
13 凡てかかる事は、責めらるるとき光にて顯さる、顯さるる者はみな光となるなり。
Asi zvinhu zvese zvinotsiurwa zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvese zvinoratidzwa chiedza.
14 この故に言ひ給ふ『眠れる者よ、起きよ、死人の中より立ち上れ。さらばキリスト汝を照し給はん』
Naizvozvo anoti: Simuka iwe urere, uye muka kubva kuvakafa, zvino Kristu achakuvhenekera.
15 されば愼みてその歩むところに心せよ、智からぬ者の如くせず、智き者の如くし、
Naizvozvo chenjerai kuti munofamba sei nekuchenjerera, kwete semapenzi asi sevakachenjera;
16 また機會をうかがへ、そは時 惡しければなり。
muchidzikunura nguva, nokuti mazuva akaipa.
17 この故に愚とならず、主の御意の如何を悟れ。
Naizvozvo musava matununu, asi vanonzwisisa zviri kuda kwaIshe.
18 酒に醉ふな、放蕩はその中にあり、むしろ御靈にて滿され、
Uye regai kuraradza newaini, makuri mune bongozozo guru, asi zadzwai neMweya,
19 詩と讃美と靈の歌とをもて語り合ひ、また主に向ひて心より且うたひ、かつ讃美せよ。
muchitaurirana nemapisarema nenziyo, nenziyo dzeMweya, muchiimba nekuita mutinhimira mumoyo yenyu kuna Ishe,
20 凡ての事に就きて常に我らの主イエス・キリストの名によりて父なる神に感謝し、
muchipa kuvonga nguva dzese pamusoro pezvinhu zvese kuna Mwari naBaba, muzita raIshe wedu Jesu Kristu,
21 キリストを畏みて互に服へ。
muchizviisa pasi umwe kune umwe mukutya Mwari.
22 妻たる者よ、主に服ふごとく己の夫に服へ。
Vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sekuna Ishe,
23 キリストは自ら體の救主にして教會の首なるごとく、夫は妻の首なればなり。
nokuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke, uye ndiye Muponesi wemuviri.
24 教會のキリストに服ふごとく、妻も凡てのこと夫に服へ。
Asi kerekewo sezvairi pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi kuvarume vavo pachavo pachinhu chese.
25 夫たる者よ、キリストの教會を愛し、之がために己を捨て給ひしごとく、汝らも妻を愛せよ。
Varume, idai vakadzi venyu pachenyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nekuda kwayo;
26 キリストの己を捨て給ひしは、水の洗をもて言によりて教會を潔め、これを聖なる者として、
kuti aiite tsvene ainatse nekusuka kwemvura neShoko,
27 汚點なく皺なく、凡て斯くのごとき類なく、潔き瑕なき尊き教會を、おのれの前に建てん爲なり。
kuti aikumikidze kwaari, kereke inobwinya isina gwapa kana kuwonyana, kana chimwe chezvakadai, asi kuti ive tsvene isina chaingapomerwa.
28 斯くのごとく夫はその妻を己の體のごとく愛すべし。妻を愛するは己を愛するなり。
Saizvozvo varume vanofanira kuda vakadzi vavo pachavo semiviri yavo pachavo. Anoda mukadzi wake pachake, anozvida iye.
29 己の身を憎む者は曾てあることなし、皆これを育て養ふ、キリストの教會に於けるも亦かくの如し。
Nokuti hakuna wakatongovenga nyama yake pachake, asi anoifunda nekuchengetedza, sezvinoita Ishewo kukereke;
30 我らは彼の體の肢なり、
nokuti isu tiri mitezo yemuviri wake, yenyama yake neyemafupa ake.
31 『この故に人は父 母を離れ、その妻に合ひて二人のもの一體となるべし』
Nekuda kweizvozvi munhu achasiya baba namai vake, ndokubatanidzwa kumukadzi wake; uye ava vaviri vachava nyama imwe.
32 この奧義は大なり、わが言ふ所はキリストと教會とを指せるなり。
Chakavanzika ichi chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke.
33 汝 等おのおの己のごとく其の妻を愛せよ、妻も亦その夫を敬ふべし。
Asi imwiwo umwe neumwe pachake ngaade mukadzi wake pachake sezvaanozvida iye; nemukadzi aone kuti atye murume.

< エペソ人への手紙 5 >