< 申命記 22 >
1 汝の兄弟の牛または羊の迷ひをるを見てこれを見すて置べからず必ずこれを汝の兄弟に牽ゆきて歸すべし
Kana ukaona nzombe yehama yako kana gwai rake rarasika, usarishayira hanya asi uone kuti waridzorera kwaari.
2 汝の兄弟もし汝に近からざるか又は汝かれを知ざる時はこれを汝の家に牽ゆきて汝の許におき汝の兄弟の尋ねきたるに及びて之を彼に還すべし
Kana hama iyi ichigara kure newe kana kuti usingaizivi kuti ndiani, ritore uende naro kumba undorichengeta kusvikira muridzi waro auya achiritsvaga. Ipapo uridzosere kwaari.
3 汝の兄弟の驢馬におけるも是のごとく爲しまたその衣服におけるも斯なすべし凡て汝の兄弟の失ひたる遺失物を得たる時も汝かく爲べし之を見すておくべからず
Uite zvimwe chetezvo kana uchinge waona mbongoro yehama yako kana nguo yake kana chinhu chipi zvacho chaanenge arasikirwa nacho. Usachisiya.
4 また汝の兄弟の驢馬または牛の途に踣れをるを見て見すておくべからず必ずこれを助け起すべし
Kana ukaona mbongoro yehama yako kana nzombe yake yakawa panzira, usairega. Ibatsire kuti imire netsoka dzayo.
5 女は男の衣服を纒ふべからずまた男は女の衣裳を著べからず凡て斯する者は汝の神ヱホバこれを憎みたまふなり
Mukadzi haafaniri kupfeka nguo dzomurume, uye murume haafaniri kupfeka nguo dzomukadzi, nokuti Jehovha Mwari wenyu anonyangadzwa nomunhu anoita izvi.
6 汝鳥の巣の路の頭または樹の上または土の上にあるを見んに雛または卵その中にありて母鳥その雛または卵の上に伏をらばその母鳥を雛とともに取べからず
Kana ukaona dendere reshiri panzira, ringava riri mumuti kana riri pasi, uye mai vacho vachivhuvatira vana kana mazai, usatora mai pamwe chete navana vacho.
7 かならずその母鳥を去しめ唯その雛のみをとるべし然せば汝福祉を獲かつ汝の日を永うすることを得ん
Unogona kutora vana vacho, asi unofanira kurega mai vacho vaende, kuitira kuti zvikunakire, uye uchava namazuva mazhinji oupenyu.
8 汝新しき家を建る時はその屋蓋の周圍に欄杆を設くべし是は人その上より堕てこれが血の汝の家に歸すること無らんためなり
Kana uchinge wavaka imba itsva, unofanira kuisa rumhanda padenga remba yako kuitira kuti urege kuuyisa mhosva yeropa pamusoro pemba yako kana mumwe munhu azowa kubva padenga rayo.
9 汝菓物園に異類の種を混て播べからず然せば汝が播たる種より產する物および汝の菓物園より出る菓物みな聖物とならん
Usadyara mbeu dzamarudzi maviri mumunda wako wemizambiringa; kana ukaita izvi hazvisi zvirimwa zvawadyara chete zvasvibiswa asi kuti nezvibereko zvomunda wemizambiringa wako zvakare.
Usarima nenzombe nembongoro zvakasungwa pajoko rimwe chete.
Usapfeka nguo dzamakushe nomucheka zvakarukwa pamwe chete.
Unofanira kuzviitira pfunha pamakona mana enguo yaunopfeka.
Kana munhu akawana mukadzi uye mushure mokuvata naye, akasamufarira,
14 我この婦人を娶りしが之と寝たる時にその處女なるを見ざりしと言て誹謗の辭抦を設けこれに惡き名を負せなば
akamunyomba uye akamupa zita rakaipa achiti, “Ndakawana mukadzi uyu, asi mushure mokuva naye, ndakamuwana asiri mhandara,”
15 その女の父と母その女の處女なる證跡を取り門にをる邑の長老等にこれを差出し
ipapo baba namai vomusikana uyu vanofanira kuuya nechiratidzo chokuti aiva mhandara kuvakuru veguta pasuo.
16 而してその女の父長老等に言べし我この人にわが女子を與へて妻となさしめしにこの人これを嫌ひ
Baba vomusikana uyu vachati kuvakuru, “Ndakapa mwanasikana wangu kuti awanikwe nomurume uyu, asi haana kumufarira.
17 誹謗の辭抦を設けて言ふ我なんぢの女子の處女なるを見ざりしと然るに吾女子の處女なりし證跡は此にありと斯いひてその父母かの布を邑の長老等の前に展べし
Zvino anomunyomba achiti, ‘Handina kuwana mwanasikana wenyu ari mhandara.’ Asi hechi chiratidzo choumhandara hwomwanasikana wangu.” Ipapo vabereki vake vanofanira kuwarira nguo pamberi pavakuru veguta,
uye vakuru vachatora murume uyu vagomuranga.
19 又これに銀百シケルを罰してその女の父に償はしむべし其はイスラエルの處女に惡き名を負せたればなり斯てその人はこれを妻とすべし一生これを去ことを得ず
Vachamuripisa mashekeri esirivha anosvika zana vagopa kuna baba vomusikana, nokuti murume uyu apa zita rakaipa kumhandara yeIsraeri. Iye acharamba ari mukadzi wake; haafaniri kumuramba upenyu hwake hwose.
20 然どこの事もし眞にしてその女の處女なる證跡あらざる時は
Asi, kana mhaka iyi iri yechokwadi uye pasina chiratidzo choumhandara hwomusikana uyu,
21 その女をこれが父の家の門に曳いだしその邑の人々石をもてこれを撃ころすべし其は彼その父の家にて淫なる事をなしてイスラエルの中に惡をおこなひたればなり汝かく惡事を汝らの中より除くべし
anofanira kuuyiswa pamukova wemba yababa vake uye ipapo varume veguta vagomutaka namabwe afe. Akaita chinhu chinonyadzisa muIsraeri nokuda kwokupata kwake paaiva achiri mumba mababa vake. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.
22 もし夫に適し婦と寝る男あるを見ばその婦と寝たる男と其婦とをともに殺し斯して惡事をイスラエルの中より除くべし
Kana murume akawanikwa akavata nomukadzi akawanikwa nomumwe murume, vose vari vaviri murume nomukadzi waakavata naye vanofanira kufa. Munofanira kubvisa chakaipa muIsraeri.
23 處女なる婦人すでに夫に適の約をなせる後ある男これに邑の内に遇てこれを犯さば
Kana murume akasangana muguta nemhandara yakapiwa nduma kuti iwanikwe nomumwe murume uye akavata naye,
24 汝らその二人を邑の門に曳いだし石をもてこれを撃ころすべし是その女は邑の内にありながら叫ぶことをせざるに因りまたその男はその鄰の妻を辱しめたるに因てなり汝かく惡事を汝らの中より除くべし
munofanira kutora vose vari vaviri mugoenda navo pasuo reguta mugovataka namabwe vafe, musikana nokuda kwokuti akanga ari muguta akasaridza mhere kuti anunurwe, uye murume uyu nokuda kwokuti akakanganisa mukadzi womumwe murume. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.
25 然ど男もし人に適の約をなしし女に野にて遇ひこれを強て犯すあらば之を犯しし男のみを殺すべし
Asi kana murume akasangana nomusikana kunze kusango akamumanikidza kuvata naye, uye achinge akapiwa nduma yokuzowanikwa, murume aita izvi ndiye anofanira kufa chete.
26 その女には何をも爲べからず女には死にあたる罪なし人その鄰人に起むかひてこれを殺せるとその事おなじ
Musaita chinhu kumusikana wacho; haana kuita chivi chinofanira rufu. Mhaka iyi yakafanana neyomunhu anorwisa uye agouraya muvakidzani wake.
27 其は男野にてこれに遇たるが故にその人に適の約をなしし女叫びたれども拯ふ者なかりしなり
Nokuti murume uyu akawana musikana uyu kunze musango, uye kunyange musikana uyu akaita mhiko akaridza mhere, pakanga pasina aigona kumununura.
28 男もし未だ人に適の約をなさざる處女なる婦に遇ひこれを執へて犯すありてその二人見あらはされなば
Kana murume akasangana nomusikana asina kupiwa nduma yokuwanikwa akamumanikidza kuvata naye uye vakawanikidzwa,
29 これを犯せる男その女の父に銀五十シケルを與へて之を己の妻とすべし彼その女を辱しめたれば一生これを去るべからざるなり
acharipa baba vomusikana uyu mashekeri makumi mashanu esirivha. Anofanira kuwana musikana wacho, nokuti amukanganisa. Haafaniri kumuramba mazuva ose oupenyu hwake.
30 人その父の妻を娶るべからずその父の被を掀開べからず
Murume haafaniri kuwana mukadzi wababa vake; haafaniri kuzvidza nhoo yababa vake.