< コロサイ人への手紙 4 >

1 主人たる者よ、汝らも天に主あるを知れば、義と公平とをもて其の僕をあしらへ。
Vatenzi, ipai varanda venyu zvinhu zvakanaka uye zvakaenzana, nokuti munozviziva kuti nemiwo muna vaTenzi kudenga.
2 汝ら感謝しつつ目を覺して祈を常にせよ。
Muzvipire pakunyengetera, makanyatsorinda uye muchivonga.
3 また我らの爲にも祈りて、神の我らに御言を傳ふる門をひらき、我等をしてキリストの奧義を語らしめ、
Uye mutinyengetererewo kuti Mwari azarure mukova weshoko redu, kuitira kuti tigoparidza chakavanzika chaKristu, icho chandakasungirwa.
4 之を我が語るべき如く顯させ給はんことを願へ、我はこの奧義のために繋がれたり。
Nyengeterai kuti ndigone kuparidza zvakajeka, sezvandinofanira.
5 なんぢら機をうかがひ、外の人に對し知慧をもて行へ。
Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; mungwarire nguva yenyu.
6 汝らの言は常に惠を用ひ、鹽にて味つけよ。然らば如何にして各人に答ふべきかを知らん。
Kutaura kwenyu ngakugare kwakazara nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuitira kuti muzive mapinduriro amunoita vanhu vose.
7 愛する兄弟、忠實なる役者、主にありて我とともに僕たるテキコ、我がことを具に汝らに知らせん。
Tikikasi achakuudzai mashoko ose pamusoro pangu. Iye ihama inodikanwa kwazvo, mushumiri akatendeka nomushandi pamwe chete neni muna She.
8 われ殊に彼を汝らに遣すは、我らの事を知らしめ、又なんぢらの心を慰めしめん爲なり。
Ndiri kumutuma kwamuri nechinangwa ichi kuti muzive zvatiri uye kuti akurudzire mwoyo yenyu.
9 汝らの中の一人、忠實なる愛する兄弟オネシモを彼と共につかはす、彼 等この處の事を具に汝らに知らせん。
Ari kuuya pamwe chete naOnesimasi, hama yedu yakatendeka uye inodikanwa, anova mumwe wenyu. Vachakuudzai zvose zviri kuitika kuno.
10 我と共に囚人となれるアリスタルコ及びバルナバの從弟なるマルコ、汝らに安否を問ふ。此のマルコに就きては汝ら既に命を受けたり、彼もし汝らに到らば之を接けよ。
Musungwa pamwe chete neni Aristakusi anokukwazisai, naMako, hama yaBhanabhasi anokukwazisaiwo. (Makarayirwa zvokuita naye; kana asvika kwamuri, mumugamuchire.)
11 またユストと云へるイエス汝らに安否を問ふ。割禮の者の中ただ此の三人のみ、神の國のために働く我が同勞者にして我が慰安となりたる者なり。
Jesu anonzi Jastasi, anokukwazisaiwo. Ava ndivo vaJudha bedzi pakati pavamwe vandinoshanda navo muumambo hwaMwari, uye vanondinyaradza.
12 汝らの中の一人にてキリスト・イエスの僕なるエパフラス汝らに安否を問ふ。彼は常に汝らの爲に力を盡して祈をなし、汝らが全くなり、凡て神の御意を確信して立たんことを願ふ。
Epafurasi, mumwe wenyu nomuranda waKristu Jesu, anokukwazisai. Anogara achirwa muminyengetero nokuda kwenyu, kuti mumire makasimba mukuda kwose kwaMwari, makura uye muzere nokuziva.
13 我かれが汝らとラオデキヤ及びヒエラポリスに在る者との爲に甚く心を勞することを證す。
Ndinomupupurira kuti anokushandirai nesimba pamwe chete naavo vari paRaodhikea, napaHirapori.
14 愛する醫者ルカ及びデマス汝らに安否を問ふ。
Shamwari yedu inodikanwa Ruka, chiremba, naDhemasi vanokukwazisai.
15 汝らラオデキヤにある兄弟とヌンパ及びその家にある教會とに安否を問へ。
Ndikwazisirei hama dziri paRaodhikea, naNimufa nekereke iri mumba make.
16 この書を汝らの中にて讀みたらば、之をラオデキヤ人の教會にも讀ませ、汝 等はまたラオデキヤより來る書を讀め。
Mushure mokuverengwa kwetsamba kwamuri, muone kuti yaverengwawo mukereke yeRaodhikea uye kuti nemiwo muverenge tsamba inobva kuRaodhikea.
17 アルキポに言へ『主にありて受けし職を愼みて盡せ』と。
Muudze Akipasi kuti, “Ona kuti wapedza basa rawakagamuchira muna She.”
18 我パウロ手づから安否を問ふ。わが縲絏を記憶せよ。願はくは御惠なんぢらと偕に在らんことを。
Ini, Pauro ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu pachangu. Rangarirai ngetani dzangu. Nyasha ngadzive nemi.

< コロサイ人への手紙 4 >