< 使徒の働き 12 >

1 その頃ヘロデ王、教會のうちの或 人どもを苦しめんとて手を下し、
Nenguva iyoyo Herodhe mambo wakaisa maoko kuti atambudze vamwe kubva mukereke.
2 劍をもてヨハネの兄弟ヤコブを殺せり。
Ndokuuraya Jakobho mukoma waJohwani nemunondo.
3 この事ユダヤ人の心に適ひたるを見て、またペテロをも捕ふ、頃は除酵祭の時なりき。
Zvino wakati achiona kuti zvinofadza VaJudha, wakapfuurira mberi akabata Petrowo; zvino aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso;
4 すでに執りて獄に入れ、過越の後に民のまへに曳き出さんとの心構にて、四人 一組なる四組の兵卒に付して之を守らせたり。
akati amubatawo akaisa mutirongo, akamukumikidza kumapoka mana evanhu vana emauto kuti vamurinde, achida kumuisa kuvanhu mushure mepasika.
5 かくてペテロは獄のなかに因はれ、教會は熱心に彼のために神に祈をなせり。
Naizvozvo Petro wakachengetwa mutirongo; asi munyengetero wakaenderera mberi uchiitwa nekereke kuna Mwari uchiitirwa iye.
6 ヘロデこれを曳き出さんとする其の前の夜、ペテロは二つの鏈にて繋がれ、二人の兵卒のあひだに睡り、番兵らは門口にゐて獄を守りたるに、
Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petro wakange arere pakati pemauto maviri, akasungwa nemaketani maviri; nevarindi pamberi pemusuwo vakarinda tirongo.
7 視よ、主の使ペテロの傍らに立ちて、光明 室内にかがやく。御使かれの脇をたたき、覺していふ『疾く起きよ』かくて鏈その手より落ちたり。
Zvino tarira, mutumwa waIshe wakamirapo, chiedza ndokupenya muchitokisi; zvino akarova rutivi rwaPetro, akamumutsa achiti: Simuka nekukurumidza. Zvino maketani ake akawa pamaoko ake.
8 御使いふ『帶をしめ、鞋をはけ』彼その如く爲たれば、又いふ『上衣をまとひて我に從へ』
Mutumwa ndokuti kwaari: Zvisunge chiuno, uye sunga manyatera ako. Ndokuita saizvozvo. Zvino akati kwaari: Monera nguvo yako, unditevere.
9 ペテロ出でて隨ひしが、御使のする事の眞なるを知らず、幻影を見るならんと思ふ。
Zvino wakabuda akamutevera; uye asingazivi kuti ichokwadi chinoitwa nemutumwa, asi waifunga kuti anoona chiratidzo.
10 かくて第一・第二の警固を過ぎて町に入るところの鐵の門に到れば、門おのづから彼 等のために開け、相 共にいでて一つの街を過ぎしとき、直ちに御使はなれたり。
Zvino vakati vapfuura chirindo chekutanga nechepiri, vakasvika pasuwo reutare raipinda muguta; iro rakavazarukira rega; zvino vakabuda, vakapfuura nzira imwe yemumusha, pakarepo mutumwa ndokubva kwaari.
11 ペテロ我に反りて言ふ『われ今まことに知る、主その使を遣して、ヘロデの手およびユダヤの民の凡て思ひ設けし事より、我を救ひ出し給ひしを』
Zvino Petro, wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe watuma mutumwa wake, uye wandisunungura paruoko rwaHerodhe netarisiro yese yevanhu veVaJudha.
12 斯く悟りてマルコと稱ふるヨハネの母マリヤの家に往きしが、其處には數多のもの集りて祈りゐたり。
Zvino wakati arangarira akaenda kumba kwaMaria mai vaJohwani wainzi Mariko, vazhinji pavakange vakaungana vachinyengetera.
13 ペテロ門の戸を叩きたれば、ロダといふ婢女ききに出できたり、
Zvino Petro wakati agogodza pagonhi resuwo, murandakadzi wakauya kuzoteerera, wainzi Rodha.
14 ペテロの聲なるを知りて、勸喜のあまりに門を開けずして走り入り、ペテロの門の前に立てることを告げたれば、
Zvino wakati achiziva inzwi raPetro, haana kuzarura suwo nekuda kwemufaro, asi wakamhanyira mukati akavaudza kuti Petro amire pamberi pesuwo.
15 彼ら『なんぢは氣 狂へり』と言ふ。然れどロダは夫なりと言張る。かれら言ふ『それはペテロの御使ならん』
Asi vakati kwaari: Unopenga. Asi wakaramba achisimbisa kuti zvaiva zvakadaro. Ivo ndokuti: Mutumwa wake.
16 然るにペテロなほ叩きて止まざれば、かれら門をひらき之を見て驚けり。
Asi Petro wakaramba achigogodza; zvino vakati vazarura vakamuona, vakashamisika.
17 かれ手を搖かして人々を鎭め、主の己を獄より導きいだし給ひしことを具に語り『これをヤコブと兄弟たちとに告げよ』と言ひて他の處に出で往けり。
Zvino wakavaninira neruoko kuti vanyarare, akavarondedzera kuti Ishe wakamubudisa sei mutirongo, akati: Pirai kuna Jakobho nekuhama zvinhu izvi. Zvino akabuda akaenda kune imwe nzvimbo.
18 夜明になりて、ペテロは如何にせしとて兵卒の中の騷 一方ならず。
Zvino kwakati kwaedza, bongozozo risati riri diki rikavapo pakati pemauto, kuti chii chakawira Petro.
19 ヘロデ之を索むれど見出さず、遂に守卒を訊して死罪を命じ、而してユダヤよりカイザリヤに下りて留れり。
Zvino Herodhe wakati amutsvaka akasamuwana, wakabvunzisisa varindi, akaraira kuti vabviswe. Zvino akabva Judhiya akaburukira Kesariya akagarako.
20 偖ヘロデ、ツロとシドンとの人々を甚く怒りたれば、其の民ども心を一つにして彼の許にいたり、王の内侍の臣ブラストに取 入りて和諧を求む。かれらの地方は王の國より食品を得るに因りてなり。
Zvino Herodhe wakatsamwira zvikuru veTire neVaSidhoni; asi vakauya kwaari nemoyo umwe, vakashamwaridzana naBhurasto mutariri weimba yekurara yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa kudya nenyika yamambo.
21 ヘロデ定めたる日に及びて王の服を著け高座に坐して言を宣べたれば、
Zvino nezuva rakatarwa Herodhe wakapfeka nguvo dzeumambo, akagara pachigaro chekutonga, akaita nhaurwa kwavari.
22 集民よばはりて『これ神の聲なり、人の聲にあらず』と言ふ。
Vanhu ndokudanidzira vachiti: Inzwi raMwari, uye kwete remunhu.
23 ヘロデ神に榮光を歸せぬに因りて、主の使たちどころに彼を撃ちたれば、蟲に噛まれて息 絶えたり。
Zvino pakarepo mutumwa waIshe wakamurova, nokuti haana kupa Mwari rukudzo; ndokudyiwa nehonye, akapera.
24 かくて主の御言いよいよ増々ひろまる。
Asi shoko raMwari rakakura rikawanda.
25 バルナバ、サウロはその職務を果し、マルコと稱ふるヨハネを伴ひてエルサレムより歸れり。
Zvino Bhanabhasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusarema, vapedzisa basa, vakaenda naJohwaniwo wainzi Mariko.

< 使徒の働き 12 >