< テサロニケ人への手紙第二 1 >

1 パウロ、シルワノ、テモテ、書を我らの父なる神および主イエス・キリストに在るテサロニケ人の教會に贈る。
Pauro, Sirasi naTimoti, kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu:
2 願はくは父なる神および主イエス・キリストより賜ふ恩惠と平安と汝らに在らんことを。
Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari ivo Baba nokuna Ishe wedu Jesu Kristu.
3 兄弟よ、われら汝 等につきて常に神に感謝せざるを得ず、これ當然の事なり。そは汝らの信仰おほいに加はり、各自みな互の愛を厚くしたればなり。
Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri kukura.
4 されば我らは、汝らが忍べる凡ての迫害と患難との中にありて保ちたる忍耐と信仰とを、神の諸 教會の間に誇る。
Naizvozvo, pakati pekereke dzaMwari tinozvirumbidza pamusoro pokutsungirira kwenyu uye nokutenda kwenyu nomukutambudzika kwose nokuedzwa kwamunotsunga makuri.
5 これ神の正しき審判の兆にして、汝らが神の國に相應しき者とならん爲なり。今その御國のために苦難を受く。
Zvose izvi ndizvo zvinoratidza kuti kutonga kwaMwari kwakarurama, uye nokuda kwaizvozvi muchanzi makafanirwa noumambo hwaMwari, ihwo hwamunotamburira.
6 汝らに患難を加ふる者に患難をもて報い、患難を受くる汝らに、我らと共に安息をもて報い給ふは、神の正しき事なり。
Mwari anoruramisira: Achatsiva nokutambudza avo vanokutambudzai,
7 即ち主イエス焔の中にその能力の御使たちと共に天より顯れ、
uye agozorodza imi vari kutambudzika, uye nesuwo. Izvi zvichaitika Ishe Jesu paacharatidzwa kubva kudenga mumurazvo womoto unopfuta ane vatumwa vake vane simba.
8 神を知らぬ者と我らの主イエスの福音に服はぬ者とに報いをなし給ふとき、
Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu.
9 かかる者どもは主の顏とその能力の榮光とを離れて、限りなき滅亡の刑罰を受くべし。 (aiōnios g166)
Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, uye vachapfigirwa kunze pamberi paIshe, uye napaukuru hwesimba rake, (aiōnios g166)
10 その時は主おのが聖徒によりて崇められ、凡ての信ずる者(なんぢらも我らの證を信じたる者なり)によりて讃められんとて來りたまふ日なり。
pazuva raanouya kuzokudzwa muvanhu vake vatsvene uye sechishamiso pakati paavo vose vakatenda. Izvi zvinosanganisira imi, nokuti makatenda uchapupu hwedu kwamuri.
11 これに就きて我ら常に汝らのために祈るは、我らの神の汝 等をして召に適ふ者となし、能力をもて汝らの凡て善に就ける願と信仰の業とを成就せしめ給はんことなり。
Nomurangariro uyu, isu tinoramba tichikunyengetererai, kuti Mwari wedu ati makafanira kudana kwake, uye kuti nesimba rake azadzise zvinangwa zvenyu zvose zvakanaka nebasa rose rakamutswa nokutenda kwenyu.
12 これ我らの神および主イエス・キリストの惠によりて、我らの主イエスの御名の汝らの中に崇められ、又なんぢらも彼に在りて崇められん爲なり。
Tinonyengeterera izvi kuitira kuti zita raIshe wedu Jesu rikudzwe mamuri, uye imi maari, maererano nenyasha dzaMwari wedu naIshe Jesu Kristu.

< テサロニケ人への手紙第二 1 >