< サムエル記Ⅰ 23 >
1 人々ダビデにつげていひけるは視よペリシテ人ケイラを攻め穀場を掠むと
Dhavhidhi akati audzwa kuti, “Tarirai, vaFiristia vari kurwa neKeira uye vari kupamba zvirimwa pamapuriro,”
2 ダビデ、ヱホバに問ていひけるは我ゆきて是のペリシテ人を撃つべきかとヱホバ、ダビデにいひたまひけるは往てペリシテ人をうちてケイラを救ヘ
akabvunza Jehovha akati, “Ndoenda here kundorwa navaFiristia ava?” Jehovha akamupindura akati, “Enda, urwise vaFiristia ugoponesa Keira.”
3 ダビデの從者かれにいひけるは視よわれら此にユダにあるすら尚ほおそる况やケイラにゆきてペリシテ人の軍にあたるをやと
Asi vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, “Isu vokuno kuJudha tinotya. Zvino, zvikuru sei kana tikaenda kuKeira kundorwa navarwi vavaFiristia!”
4 ダビデふたたびヱホバに問ひけるにヱホバ答ていひたまひけるは起てケイラにくだれ我ペリシテ人を汝の手にわたすべし
Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha, Jehovha akamupindura akati, “Buruka uende kuKeira, nokuti ndichaisa vaFiristia muruoko rwako.”
5 ダビデとその從者ケイラにゆきてペリシテ人とたたかひ彼らの家畜を奪ひとり大にかれらをうちころせりかくダビデ、ケイラの居民をすくふ
Saka Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kuKeira, vakarwa navaFiristia uye akavatorera zvipfuwo zvavo. Akauraya vaFiristia vakawanda kwazvo akaponesa vanhu vokuKeira.
6 アヒメレクの子アビヤタル、ケイラにのがれてダビデにいたれる時其手にエポデを執てくだれり
(Zvino Abhiatari mwanakomana waAhimereki akanga auya neefodhi paakatiza achidzika kuna Dhavhidhi kuKeira.)
7 爰にダビデのケイラに至れる事サウルに聞えければサウルいふ神かれを我手にわたしたまへり其はかれ門あり關ある邑にいりたれば閉こめらるればなり
Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi akanga aenda kuKeira, ndokuti, “Mwari amuisa muruoko rwangu, nokuti Dhavhidhi azvipfigira zvaapinda muguta rina masuo namazariro.”
8 サウルすなはち民をことごとく軍によびあつめてケイラにくだりてダビデと其從者を圍んとす
Uye Sauro akadana varwi vake vose kuhondo, kuti vaburuke vaende kuKeira kundokomba Dhavhidhi navanhu vake.
9 ダビデはサウルのおのれを害せんと謀るを知りて祭司アビヤタルにいひけるはエポデを持ちきたれと
Dhavhidhi akati anzwa kuti Sauro akanga ari kuita rangano yakaipa pamusoro pake, akati kuna Abhiatari muprista, “Uya neefodhi.”
10 しかしてダビデいひけるはイスラエルの神ヱホバよ僕たしかにサウルがケイラにきたりてわがために此邑をほろぼさんと求むるを聞り
Dhavhidhi akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, muranda wenyu anzwa zvechokwadi kuti Sauro ari kuronga kuti auye kuKeira kuti aparadze guta iri nokuda kwangu.
11 ケイラの人々我をかれの手にわたすならんか僕のきけるごとくサウル下るならんかイスラエルの神ヱホバよ請ふ僕につげたまへとヱホバいひたまひけるは彼下るべしと
Ko, vanhu veKeira vachandiisa kwaari here? Ko, Sauro achaburuka here, sokunzwa kwaita muranda wenyu? Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, zivisai muranda wenyu.” Uye Jehovha akati, “Achauya.”
12 ダビデいひけるはケイラの人々われとわが從者をサウルの手にわたすならんかヱホバいひたまひけるは彼らわたすべし
Dhavhidhi akatizve, “Ko, vanhu veKeira vachaisa ini navanhu vangu kuna Sauro here?” Uye Jehovha akati, “Vachaita saizvozvo.”
13 是においてダビデと其六百人ばかりの從者起てケイラをいで其ゆきうる所にゆけりダビデのケイラをにげはなれしことサウルに聞えければサウルいづることを止たり
Saka Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu pakuwanda, vakabva kuKeira vakaramba vachifamba vachibva pane imwe nzvimbo vachienda pane imwe nzvimbo. Sauro akati audzwa kuti Dhavhidhi akanga apunyuka kubva paKeira, haana kuzoendako.
14 ダビデは曠野にをり要害の地にをりまたジフの野にある山に居るサウル恒にかれを尋ねたれども神かれを其手にわたしたまはざりき
Dhavhidhi akagara munhare dzomurenje uye nomuzvikomo zvomuRenje reZifi. Zuva nezuva Sauro akamutsvaka, asi Mwari haana kuisa Dhavhidhi mumaoko ake.
15 ダビデ、サウルがおのれの生命を求めんために出たるを見る時にダビデはジフの野の叢林にをりしが
Dhavhidhi paakanga ari paHoreshi muRenje reZifi, akanzwa kuti Sauro akanga auya kuzomuuraya.
16 サウルの子ヨナタンたちて叢林にいりてダビデにいたり神によりて其力を強うせしめたり
Uye Jonatani mwanakomana waSauro akaenda kuna Dhavhidhi paHoreshi akamubatsira kuti awane simba muna Mwari.
17 即ちヨナタンかれにいひけるに懼るるなかれわが父サウルの手汝にとどくことあらじ汝はイスラエルの王とならん我は汝の次なるべし此事はわが父サウルもしれりと
Akati kwaari, “Usatya. Baba vangu Sauro havasi kuzokubata. Iwe uchava mambo weIsraeri, uye ini ndichava wechipiri kwauri. Kunyange baba vangu Sauro vanozviziva izvi.”
18 かくて彼ら二人ヱホバのまへに契約をむすびダビデは叢林にとどまりヨナタンは其家にかへれり
Vaviri ava vakaita sungano pamberi paJehovha. Ipapo Jonatani akaenda kumba asi Dhavhidhi akasara paHoreshi.
19 時にジフ人ギベアにのぼりサウルの許にいたりていひけるはダビデは曠野の南にあるハキラの山の叢林の中なる要害に隱れて我らとともにをるにあらずや
VaZifi vakaenda kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda here pakati pedu munhare yapaHoreshi, pachikomo cheHakira, zasi kweJeshimoni?
20 今王汝のくだらんとする望のごとく下りたまへ我らはかれを王の手にわたさんと
Zvino, imi mambo, burukai pamunodira kuita izvozvo, uye richava basa redu isu kumuisa kwamuri imi mambo.”
21 サウルいひけるは汝ら我をあはれめば願くは汝等ヱホバより福祉をえよ
Sauro akapindura akati, “Jehovha ngaakuropafadzei nokuda kwehanya yamunayo pamusoro pangu.
22 請ふゆきて尚ほ心を用ひ彼の踪跡ある處と誰がかれを見たるかを見きはめよ其は人我にかれが甚だ機巧く事を爲すを告たれば也
Endai mundonyatsogadzirira. Mutsvakisise muone kunogaroenda Dhavhidhi uye kuti ndiani akamuonako. Ivo vanondiudza kuti iye munhu ano unyengeri kwazvo.
23 されば汝ら彼が隱るる逃躱處を皆たしかに見きはめて再び我にきたれ我汝らとともにゆかん彼もし其地にあらば我ユダの郡中をあまねく尋ねて彼を獲んと
Mutsvakisisei pamusoro penzvimbo dzose dzokuvanda dzaanovanda mugodzoka kwandiri neshoko rakananga. Ipapo ndichaenda nemi; kana ari munharaunda, ndichamutsvakisisa pakati pedzimba dzaJudha.”
24 かれらたちてサウルに先てジフにゆけりダビデと其從者は曠野の南のアラバにあるマオンの野にをる
Saka vakasimuka vakaenda kuZifi pamberi paSauro. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari muRenje reMaoni, muArabha zasi kweJeshimoni.
25 斯てサウルと其從者ゆきて彼を尋ぬ人々これをダビデに告ければダビデ巌を下てマオンの野にをるサウル之を聞てマオンの野に至てダビデを追ふ
Sauro navanhu vake vakatanga kutsvaka, uye Dhavhidhi akati azvinzwa akaburuka akaenda kune rimwe dombo uye akagara muRenje reMaoni. Sauro akati anzwa izvi, akaenda kuRenje reMaoni achitevera Dhavhidhi.
26 サウルは山の此旁に行ダビデと其從者は山の彼旁に行ダビデは周章てサウルの前を避んとしサウルと其從者はダビデと其從者を圍んで之を取んとす
Sauro akaenda ari kuno rumwe rutivi rwegomo, uye Dhavhidhi navanhu vake vakaenda nokuno rumwe rutivi, vachikurumidza kuti vatize kubva kuna Sauro. Sauro navarwi vake paakanga ava pedyo naDhavhidhi navanhu vake kuti avabate,
27 時に使者サウルに來て言けるはペリシテ人國ををかす急ぎきたりたまへと
nhume yakasvika kuna Sauro, ikati, “Uyai nokukurumidza! VaFiristia vava kupamba nyika.”
28 故にサウル、ダビデを追ことを止てかへり往てペリシテ人にあたるここをもて人々その處をセラマレコテ(逃岩)となづく
Ipapo Sauro akarega kudzinganisa Dhavhidhi akaenda kundosangana navaFiristia. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyi kuti Sera Hamarekoti.
Zvino Dhavhidhi akakwidza kubva ipapo akandogara munhare dzeEni Gedhi.