< Umatiyu 25 >

1 Adi bati tigomo ta zesere kasi mabura manu kirau sa ma ziki mafitila maweme tantu u gura umanyani ma tiyum.
Panguva iyo ushe hwekumatenga huchava hwakafananidzwa nevasikana gumi vakatora marambi avo vakabuda kunochingamidza muwani.
2 Anu chibi anyimo aweme anu zatu jinjin wani, anu ciibi anyimo aweme anu jinjin wani.
Zvino vashanu vavo vakange vakachenjera, uye vashanu vari mapenzi.
3 Asenke anu zatu jinjin ugino me wada inta mani anyimo amafitila maweme ba.
Avo vari mapenzi vakatora marambi avo, vakasatora mafuta pamwe navo.
4 Anu ajinjin me wa inta aru amani nan mafitila mawe anyimo me.
Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo.
5 Sa manyani matiyom made U aye watubi ugbiso moro mazikiwe.
Zvino muwani wakati achinonoka, vese vakatsumwaira vakarara.
6 Inna tii aniye akunna utissa, agusa, manyani matiyom me maye! Suro ni iguri me!
Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza!
7 Vat mabura magino me mahiri mabari mafitila maweme.
Zvino vasikana avo vese vakamuka, vakagadzira marambi avo.
8 Anu zatu jinjin me wagun nanu ajinjinme, nyangizi haru mani mashime cincin mafitila maru mazinni wijo!
Mapenzi akati kune vakachenjera: Tipei pamafuta enyu nokuti marambi edu odzima.
9 Ba anu ajinjin me wakabirka waagu mada bari haru nan shi ba, hanani ahira anu ziza me. ika kwa inna ce ashi me.
Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi; asi zviri nani endai kune vanotengesa munozvitengera.
10 Sa wa dusa ahira ukwa me, manyani matiyom me ma e, ande sa wara ahira me waribe akorso udenge me.
Vakati vachienda kunotenga, muwani akasvika. Zvino vakange vakagadzirira vakapinda naye mumuchato, mukova ukapfigwa.
11 Sa adondonkino mabura magino ka aye, wagu Ugomo Asere pokon duru ana tukum.
Zvino pashure kwakauyawo vamwe vasikana, vachiti: Ishe, ishe, tizarurirei!
12 Ma kabirka magun we, kadundere, in boshi, in tam shi ba.
Asi wakapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handikuziviyi imwi.
13 Barki anime, cukunoni ibe, ita shi uganiya ba.
Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana awa Mwanakomana wemunhu raachauya mariri.
14 Kasi unu mani sa ma haza atanu, matiti arere ameme ma nya we vat imum be sa ma zinni.
Nokuti zvakaita semunhu wakafamba rwendo, akadana varanda vake, akavapa zvaaiva nazvo.
15 Ma nya unu indai matelenti manu ciibi. Unu indai matelenti mare uye ma nya me u indai. ko da avi ubina ni uni kara ni meme, madusa.
Uye kune umwe wakapa matarenda mashanu, umwe maviri, umwe rimwe, umwe neumwe zvakakwanirana nesimba rake; pakarepo akafamba rwendo.
16 Desa makaba matelenti u ciibi ma gun me ma ha maka gamara mani, makem mare.
Uye wakagamuchira matarenda mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akaita mamwe matarenda mashanu.
17 Ani me ani unu kaba matelenti mare me cangi makem mare.
Saizvozvowo wemaviri, iye akawanawo mamwe maviri.
18 Me de sa ma kaba utelenti u indai me, maka gense adizi ma hunze ni.
Asi wakagamuchira rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.
19 Sa adondonkino, una kura arere agino me ma zee ma basa nan we.
Shure kwenguva refu, ishe wevaranda avo wakasvika, akagadzira zvemari navo.
20 Me dee sa ma kaba matelenti manu ciibi, mahaha mamu ma witi mare matelenti uciibi, magu una kura wa nyam matelenti manu ciibi, iye makem mare kaba.
Kwakauya wakange agamuchira matarenda mashanu akauisa mamwe matarenda mashanu achiti: Ishe, makandikumikidza matarenda mashanu; tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda mashanu.
21 Una kuraa magun me gai urere uhuma, wa wuza kadundere anyimo imum icin, indi tar we a nyimo igbardang aye cukunno uvenke.
Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
22 Una ma telenti mani mare ma haha mamu, magu,
Wakange agamuchira matarenda maviri akauyawo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri pamusoro pawo.
23 Una kura, wa nyam matelenti mare. I ye makem mani mare kaba. una kura me me magu imme, gai, urere uhuma. wazauka kadundere a nyimo cin in di tariwe a nyiomo gbardang aye cukuno uvenke.
Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
24 Me de sa maa kaba utalenti uindai me, mahaha mamu magu, Una kura min rusa hu unu nyara uziki imum ahira sa da wa inko ni ba, kaba bitelenti buweme.
Asi wakange agamuchira tarenda rimwe naiye wakauya akati: Ishe, ndakange ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusina kudzvara, munounganidza pamusina kukusha;
25 Barki anime ani ma kunna bi yau, ma gense adizi mahunze bitalenti buwo meni kaba!
zvino ndakatya, ndikaenda ndikanoviga tarenda renyu muvhu; tarirai, mava nechenyu!
26 Ba una kura me ma kabirka magu, hu urere uburi mani, ugbara! uru sam incira ahira me sa daki ma inkoni ba.
Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa une usimbe, wakange uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichiunganidza pandisina kukusha.
27 ya wuna urii uda ayem ni kirfi me a inki ahira me sa adi kem mareu ni in kabi ire azesere me.
Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi vemari, neni pakusvika ndingadai ndagamuchira zvangu nezvibereko.
28 Barki anime kaba ni bi talenti bi gino me inya una manu kirau me.
Naizvozvo mutorerei tarenda, mupe kune ane matarenda gumi.
29 Barki vat inu imum ake akinkimeni, iwu gbardangunu zatu imum akabi ini ame. Rekkini unu sa ma zoo anyo imumba a
Nokuti wese anazvo achapiwa ave nezvakawandisa; asi kubva kune asina kuchatorwa nechaanacho.
30 nyimo a mareu marumzi anyo abinime.
Uye muranda pasina murasirei kurima rekunze kwekupedzisira; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
31 Inki vana unu ma aye a nyimo ani nonzo nume nan ribe ikadura kame, madi cukuno a hira adang ame.
Zvino kana Mwanakomana wemunhu achiuya mukubwinya kwake, nevatumwa vatsvene vese vanaye, ipapo achagara pachigaro cheushe chekubwinya kwake.
32 Adi ori anabu vat aje ame, madi suzo we ma inki sassas, kasi unutarsa itam. Sa ma suzzo imum sas. Madi inki itam atari tinare, ma inki imani
Zvino pamberi pake pachaunganidzwa ndudzi dzese; uye achadziparadzanisa vamwe kubva kune vamwe, semufudzi anoparadzanisa makwai kubva kumbudzi.
33 atari tinann gure.
Achamisa makwai kuruoko rwake rwerudyi, asi mbudzi kuruboshwe.
34 Ugomo madi gu an de sa wa ra atari tinare time, aye ni shi sa acoo maringirka shi, i kabi tigomo tishi sa amu inko shini dati utuba uney.
Zvino Mambo achati kune vari kuruoko rwake rwerudyi: Uyai, imwi makaropafadzwa naBaba vangu, mugare nhaka yeushe hwakagadzirirwa imwi kubva pakuvamba kwenyika.
35 Barki ma kunna ikomo ya nyam imumare. makunna niwe nimei, ya nyani mi masa. ma aye ani genu ya kaban mi.
Nokuti ndakange ndine nzara, mukandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukandipa chekunwa; ndakange ndiri mweni, mukandigamuchira;
36 In zi bihurba ya sokin mi turunga, ma wuzi ukoni i eh i irim u hira ani rebe ya issizon ni mi.
ndakashama, mukandipfekedza; ndakange ndichirwara, mukandishanyira; ndakange ndiri mutirongo, mukauya kwandiri.
37 Abinee ani anu tanu tiriri me wadi kabirka, wagu, Ugomo Asere, ta ira we abani ta nya we imum yare, nani niwe ni mgwei ta nya we wa sa?
Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, tikakupai chekudya, kana mune nyota, tikapa chekunwa?
38 Innu maya uni ta ira we ini genu me ti kabi we nani inbihurba ti sokiwe tirunga.
Takakuonai rinhi muri mweni, tikakugamuchirai, kana makashama, tikapfekedza?
39 Nani inniu maya ini ta iri we uzo uhuma, nan na nyimo akura ani rere me.
Takakuonai rinhi muchirwara, kana mutirongo, tikauya kwamuri?
40 Ba ugomo ma kabirka we, magu, kadundere in boshi vat de sa ya wuza meni anyimo ani za num ya wuza miniminini.
Uye Mambo achapindura ati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Sezvamakaitira umwe wehama dzangu idzi mudikisa, makaitira ini.
41 Abini ani madi gu inna na tari tinan gure, cekinni mi, a wuna shi anyo ribeni a nyimo ura nan unu uburu sa a barka barki a malaiku nan unu uburu. (aiōnios g166)
Ipapo uchatiwo kune vari kuruoko rweruboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa dhiabhorosi nevatumwa vake. (aiōnios g166)
42 Barki ma kunna ikomo daki ya nya ni mi imum are ba. ma kunna niwe ni mgwei ya nya nimi masa ba. Ma wuza nigen daki ya kaba ni ba. In zi
Nokuti ndakange ndine nzara, mukasandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukasandipa chekunwa;
43 bihurba daki ya sokin mi turunga ba. Ma wuzi ukoni daki ya aye ya gunkunom ba, mara a nyimo akura ani rere daki ya ikon mi ba.
ndakange ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndakashama, mukasandipfekedza; ndichirwara, nemutirongo, mukasandishanyira.
44 Abini me cangi wadi gu, Ugomo Asere innu maya uni ta iri we inni komo me nani inn niwe ni mgwei, nani inn ni gen, nani innu zatu turunganani uzatu nihuma, nani akura ani rere daki ta iko hu ba.
Ipapo avawo vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana makashama, kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushandirai?
45 Abini madi kabirka, magu in we, kadundere, imboshi ani me saki ya wu unu indai a nyimo anu tarsa um ni ba mi mani. A nigino wani wadi ribe a nyimo u zitto, anu tank to riri wadi venke a kura Address. (aiōnios g166)
Zvino achavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusina kuitira umwe wevadikisa ava, hamuna kuitirawo ini.
Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi. (aiōnios g166)

< Umatiyu 25 >