< Umatiyu 13 >

1 Roni ginome yeso ma suri akura me, maha maka cukuno ani kiru nu raba udanga.
Nezuva iro, Jesu wakabuda mumba akagara pasi parutivi rwegungwa.
2 Nigura na nu gwem ni orno ahira ame, maribe uzirgi mackuno. Nigura me ni orno uhana ubinani.
Uye zvaunga zvikuru zvakaungana kwaari, kusvikira apinda muchikepe akagara pasi; nechaunga chese chakamira pamahombekombe.
3 Mabuwe timumum gwardang in nu rezi utize, magu, “Uye maha atibira.
Ndokutaura zvinhu zvizhinji kwavari nemifananidzo, achiti: Tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.
4 Mara anyimo ucobo isana ire hoo irizi una, i nyin itingi ini.
Zvino pakukusha kwake, imwe mbeu yakawira kurutivi rwenzira; shiri dzikasvika dzikaidya.
5 Ire irizii upambara sarki manyanga. Isuri memme rum.
Imwe ikawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; ikamera pakarepo, nokuti pakange pasina udziku hwevhu.
6 Sa uwui wanyen-nyene i nami iwu lau iwazi.
Kuzoti zuva rabuda, yakapiswa, uye nokuti yakange isina mudzi, yakasvava.
7 Ire irizi anyimo ikana, ikana i gwinciri ini.
Asi imwe yakawira paminzwa; minzwa ikakura, ikaivhunga.
8 Ire irizi a manyanga mariri, iwu bihoo, irre ak kem mareu ma'inoa-ino, irre akuru tattasi, ire akura tata-taru.
Asi imwe yakawira muvhu rakanaka, ikabereka chibereko, imwe zana, neimwe makumi matanhatu, neimwe makumi matatu.
9 Vat una titui tu kunna ma kunna.
Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
10 Anu tarsa ummeme wa e, wagun me, “Nyani yawuna uzin innu bo u we tize tigino me?”
Zvino vadzidzi vakasvika, vakati kwaari: Munotaurirei kwavari nemifananidzo?
11 Ma kabirka we magu, “A hem shi irusi tigomo ta sesere, daki weme ba.
Akapindura akati kwavari: Nokuti kwakapiwa kwamuri kuziva zvakavanzika zveushe hwekumatenga, asi kwavari hakuna kupiwa.
12 Barki unimu ake akinkimen ā makem gwardang. Unnu dira ā kabi imumbe sama zini
Nokuti ani nani anazvo achapiwa, uye achava nezvakawanda; asi ani nani asina achatorerwa kunyange nezvaanazvo.
13 Ine ini ya wuna in zunu bo uwe tize in gamari anime. A myincikina ubuka u Ishaya agi. Kunna idi d
Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, kuti vachiona havaoni; uye vachinzwa havanzwi, uye havanzwisisi.
14 A hira uce me tize ti Ishaya ta minca, ta guana anda sa ula kunna wadi kunna, shi iso shi unu una be sa idi rusi; ahira uhiraa idi hirii, abine ani idi cukuno sarki urusa.
Uye kwavari kwakazadziswa chiporofita chaIsaya chinoti: Nekunzwa muchanzwa, asi hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, asi hamungatongoonesesi.
15 Mu ruba mamuwuna makotoros, wa korso titui tuwe, wakuru wa korso aje awe, barki kati wa iri in na je awe nami, wakun na intitui tuwe, wakuri warusin inni riba i we wa gamirka in human we.'
Nokuti moyo wevanhu ava wava mukukutu, uye vanonzwa nenzeve nemutsutsururu, nemeso avo vakaatsinzina; zvimwe varege kuona nemeso, uye vanzwe nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, vatendeukewo, ndigovaporesa.
16 Aringirka aje ashime barki sa ahira, nan titui tishime barki tikunna.
Asi akaropafadzwa meso enyu, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa.
17 In boshi kadure, annu kurzuzo utize wa bara bi barka bu hira imumbe sa i hira a anime daki wa ira nani wakunna ba.
Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vaporofita nevakarurama vazhinji vakange vachishuva kuona zvamunoona, asi havana kuzviona; nekunzwa zvamunonzwa, asi havana kunzwa.
18 A tizee tunna ti bira tigino me sa ma wuza.
Naizvozvo imwi inzwai mufananidzo wemukushi.
19 Vat dee wuza makunna tize ta azesere daki wuza katumani ba, unu buru ma huppi imumbe sa abira anyimo iri a imeme. I nee ini isana sa ya rizo azesere una.
Umwe neumwe anonzwa shoko reushe asi asinganzwisisi, wakaipa anosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa kurutivi rwenzira.
20 I gebe sa ya rizo apo, ine ini unu innu kunna utize amawu puru arum.
Asi wakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ndiye anonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nemufaro;
21 Mazomen inni tini, i ye uzattu utonno ame, tak inki uzito wa kemme anyimo atize tasere ama piliko.
asi haana mudzi maari, asi anogara kwenguva, uye kana dambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo anogumburwa.
22 I gesa ga rizo anyimo ikana, ine ini debe sa ma kunna tize ta sere barki urunta imummu unee tize me tida wuza katuma ame ba. (aiōn g165)
Uye wakakushwa paminzwa, ndiye anonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma zvinovhunga shoko, rova risingabereki. (aiōn g165)
23 I ge de sa ahira amanyanga mariri, i nee ini debe sama kunna tizeme, ma wuza katuma ni. Kadun dure we wa ni anu kem umare ma inoa, i no nan akurtat tasi uye akura ta'aru.
Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko akanzwisisa, anoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, neumwe makumi matanhatu, neumwe makumi matatu.
24 Ma ewen tire tize anyimo atize, magu, “Adi tigomo ta sere nan nunu be sa ma cofo isana uru ume.
Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo, achiti: Ushe hwekumatenga hunofananidzwa nemunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.
25 Anu wa rari inti moro, oroni masuri maha maka coffo isana i'ure ukwe sas anyimo i alkama me, madusa.
Asi vanhu vakati varere, muvengi wake wakauya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda.
26 Ti bira me ti hiri ni gome, ukwe u bezi nice ni uni.
Asi chipande chakati chamera nekubereka chibereko, zvino mashawi akaonekwawo.
27 Arere una kuame wa e wagun me 'Unu kura, isana iginome daa ya rizi ba? Ane ni ya wuna ukwe?'
Zvino varanda vemwene weimba vakaswedera vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda wenyu here? Zvino wawanepi mashawi?
28 Magun.' we urrunu uburu mani ma w uza katuma ka gino me; Arere me wagun me, ani tika kara ti orii?'
Akati kwavari: Muvengi waita izvi. Varanda vakati kwaari: Saka munoda kuti tinoaunganidza here?
29 Magun we, 'Um kati ahira ukarame ikari nan bi sana me.
Asi wakati: Kwete, zvimwe kana muchiunganidza mashawi, mungadzura zviyo nawo.
30 Cekkini i'u zi nigome u hana uganiya uwesi, “Indi buki anu wesi me wasuso ukweme sas wa tirzi uni atira tiri a punsi, bi hoo me a wu ukere.'”
Regai zvikure pamwe zviri zviviri kusvikira pakukohwa; zvino nenguva yekukohwa ndichati kuvakohwi: Unganidzai pakutanga mashawi, muasunge mwanda kuti muapise; asi muunganidze zviyo mudura rangu.
31 Ma e' we tire tize anyimo atize, magu, “Tigomo ta zesere kasi gussi bi hoo bibiwi, gussi sa uye maha maka bira uru ume.
Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo achiti: Ushe hwekumatenga hwakafanana netsanga yemasitadha, munhu yaanotora akaidzvara mumunda make.
32 Bihoo bicin anyimo amatiti, inki wa una, uke u'aki marre matitin in nu gwuik, inyin ike i bari masu iri me.”
Iyo idiki zvirokwazvo pambeu dzese, asi kana yakura ihuru pamiriwo, inova muti, zvekuti shiri dzekudenga dzinouya dzichivaka matendere pamatavi awo.
33 Makuru manyawa tize anyimo atize magu, “Tigomo ta zezsere tizi kasi uyisti uni, u ge be sa uru nee ma ziki mu ina mu alkama muso mataru maduri vat mamari.”
Akataura umwe mufananidzo kwavari akati: Ushe hwekumatenga hwakafanana nembiriso, mukadzi yaakatora, akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu kusvikira hwese hwaviriswa.
34 Vat yeso ma uu ni orime tize a nyimo tizee. Madaa bowe imum senke ini tize anyimo atze.
Izvi zvinhu zvese Jesu wakaudza zvaunga nemifananidzo, uye pasina mufananidzo haana kutaura kwavari;
35 Barki amyincikina ubuka u Ishaya a gi, “Indi buki tizee anyimo atize indi kiti imumbe sa izi ni hunzi da ati utuba une.”
kuti chizadziswe chakarehwa nemuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvakange zvakavanzika kubva pamavambo enyika.
36 Ma cekki ni orime maribe akura, a u tarsa u yeso wa e'ahira ame wagu, “Bee zin duru tize anyimo alize titi kwe anyimo uruu.
Zvino Jesu wakati arega zvaunga zvichienda, akapinda mumba; vadzidzi vake vakaswedera kwaari, vachiti: Tidudzirei mufananidzo wemashawi emunda.
37 Ma kabirka we magu, “Unu cobo isana iriri iginome memani vana unu.
Akapindura akati kwavari: Anokusha mbeu yakanaka Mwanakomana wemunhu;
38 Urume une, uni unee; isana iriri ginome wewani ahana ati gomo tasere tikwe ahana unu uburu.
uye munda inyika; nembeu yakanaka ndivo vana veushe; asi mashawi vana vewakaipa.
39 Debe sama coffi isana iginome, unu buru mani. Uganiya uwesi une uni umara unee, a u wesi me wewani ibee ikadura kasere. (aiōn g165)
Uye muvengi wakaakusha ndidhiabhorosi; uye kukohwa kuguma kwenyika; nevakohwi vatumwa. (aiōn g165)
40 Kasi, gussi sa orso tikwe, ane ani icukuno umara unee. (aiōn g165)
Naizvozvo mashawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika ino. (aiōn g165)
41 Vana unu madi tumi i beu ikadura kameme, andebe sa wawuza nu upillizo vat, nan nanu wuza anu wawuzi nihara niburu, wasussowe atigomo tume.
Mwanakomana wemunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza kubva muushe hwake zvigumbuso zvese nevanoita zvakaipa;
42 A di rekuwe anyimo ura ubanban. Washi abini me warumzi ti nyo.
zvino vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
43 A bine ani anu asheu wadi nya masa atigomo ta coo uweme. Una titui tu kunna wa kunna.
Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
44 Tigomo ta zezsere kasi ukem uni sa, urari a dizii uru, ugebe sa uye ma kem, makur makorso uni anyimo urume ma zizi bi sana vat innu be zizi apuru arum ame maka kwa u rume.
Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nefuma yakavigwa mumunda, inoti kana munhu aiwana, anoiviga; zvino nemufaro wake anoenda akanotengesa zvese zvaanazvo akatenga munda uyo.
45 Tigomo ta zessere kasi unu kem mani, imum iriri ihuma.
Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemushambadzi anotsvaka maparera akanaka;
46 Sa maa kem imum iriri i indai, ba maha maka ziza imumbe samaa zini makwi ini in.
akati awana parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda akanotengesa zvese zvaakange anazvo, akaritenga.
47 U hanna ukanime tigomo ta zessere tizi kasi ikalli sa a reki uraba udang, imensi icere sas, sas.
Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemumbure wakakandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ese ehove.
48 Saya myinca, ahunguko ini ani kira acukuno a zawi icere ihuma me, areki ani ruu, izenzen me a sairka.
Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, ndokugara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasira kunze.
49 Umara unee idi cukuno ane ani. I beu kadura ka Asere wadi shri, wa wati anu aburu anyimo anu huma. (aiōn g165)
Zvichava saizvozvo pakuguma kwenguva; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama, (aiōn g165)
50 Wa rekuwe anyimo ukabisa. Wadi shi warumzi tinyo.
uye vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
51 “Yarusa agino vatti? wagu e.
Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvese here? Vakati kwaari: Hongu Ishe.
52 Magun we, “Vat anudungara atarrat sama cukuno anu tarsa uti gomo ta zessere, kasi u akura mani, de sa maa inta imummu itari isoo na ni kuzu i so.”
Zvino akati kwavari: Naizvozvo munyori umwe neumwe wakadzidziswa zveushe hwekumatenga wakafanana nemunhu, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvisharu pafuma yake.
53 Sa yeso mamara tize anyimo tize, ma hiri ahira me.
Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mifananidzo iyi wakabvapo.
54 Sa maa aye ani pin nuwe me, ma dun garwe ati denge tutarsa Asere, imum ibi yau imekuwe wagu, “Abani uni u geme makem urusa ugeme anime nan nu besi ubari?
Uye wakati asvika kunyika yekwake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvikira vashamisika vakati: Kunobvepi kune uyu kuchenjera uku nemabasa esimba?
55 Unu geme daki vana una si ba agino ani baa? Da anu he reewani in yakubu, nan yusufu, a saminu, nan yahuza baa?
Uyu haasi mwanakomana wemuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, nevanin'ina vake Jakobho naJose naSimoni naJudhasi here?
56 Anu henu umeme a'ee wa zōo ni gome nan haru baa? Abani unu ugeme ma kem imumu igeme vat ana me?”
Nehanzvadzi dzake hadzisi nesu dzese here? Ko zvinobvepi kune uyu zvinhu izvozvi zvese?
57 Wa pilizo barki me. Ba yeso magun in we, “A i adaa nyinzame unu kurzuzzo tize ta Asere uturu ume ani pin nu we nan na kura awe me ba.
Vakagumbuswa naye. Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haavi asina kukudzwa kunze kwemunyika yekwake nemumba make.
58 Dakki mawuzi imumu bari gwardang abirkome ba, barki u zatu hem uwe.
Uye haana kuita mabasa esimba mazhinji ipapo nekuda kwekusatenda kwavo.

< Umatiyu 13 >