< Ugalatiyawa 6 >

1 Ni hinu, ika ameki unumazime wuze imumu imadeni, shi sa izin ibibe bi huma i huguko unume iwume una anyemo abibe bireha ishivi, wuze siki-siki inice nowe me, kati hume ukarezo anyemo ubata me.
Hama, kanawo munhu akawirwa nekumwe kudarika, imwi veMweya mugadzirisei wakadai nemweya weunyoro, uchizvichenjerera iwe, zvimwe newe ungaidzwa.
2 Zekani ubasa utize tace ashi, ika iwuze inime idi ingce tize tini kubu Ugomo Asere.
Takuriranai mitoro yenyu, saizvozvowo zadzisai murairo waKristu.
3 Barki anime, ika uye ma wuze ure ueera inu besa tire tize anice nume meme ize ire imum ini maze ba mazenu cara uni cenume uganiya.
Nokuti kana munhu achizviti ndiri chinhu, asati ari chinhu, anozvinyengera.
4 Na kovi magunu kame katuma maduku ire, abinime ane madikem imumu itara ubi gire, isai ma pata nice nume nan uye ba.
Asi umwe neumwe ngaanzvere basa rake amene, zvino ipapo achazvirumbidza pamusoro pake amene ega, uye kwete pamusoro peumwe.
5 Barki anime, madiziki ugito uti zongatu meme.
Nokuti umwe neumwe achatakura mutoro wake pachake.
6 Debisa abizezze me tize yacukunu nume gbars ma re uromo utimumu sa ma wuze tireren vat nan anu bizezze u yetiki me.
Uye anodzidziswa shoko ngaagovane neanodzidzisa pazvinhu zvese zvakanaka.
7 Kati ihim aregishi ba iwuze Ugumo Asere nebasa ba, vat imum sa unu mawuze yani bira ini nan ni imum sa madi are ini.
Musanyengerwa, Mwari haasekwi; nokuti chimwe nechimwe munhu chaanodzvara ndichowo chaanokohwa.
8 Barki unikibisa ma biranice numeme imum ibaru anyemo aticukum tumeme timadini, madi ore tini una iwenu, disa ma bira a bibe berere madi ore urei uviki wanu da doki ginu a hira abibe. (aiōnios g166)
Nokuti anodzvara kunyama yake, achakohwa kuora kunobva panyama; asi anodzvara kuMweya achakohwa upenyu husingaperi hunobva kuMweya. (aiōnios g166)
9 Kati ti uzeba ikatuma ka hu ma, barki u ganiya sa wa wuna ure, sa ti ore uganiya sa daki ta uzoba.
Asi ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti nenguva yakafanira tinozokohwa, kana tisingaori moyo.
10 Barki ani ane u ganiya sa tikem wasa, ati wuze katuma ka huma ahira anabu u wuze katuma ahira anigibisa wa katuma ka huma, gbardang.
Naizvozvo zvino zvatine mukana, ngatiite zvakanaka kune vese, zvikuruwo kune veimba yerutendo.
11 I ranine ugbardang uyetiki sa mayah shi itare tum.
Onai kuti akakura sei mavara andinokunyorerai nawo nerwangu ruoko.
12 Anigibisa waze wabizi muruba mu reren a nyemo anipum wa wuze gbars ani gbare, wa wuze inime barki ayah we uzitu barki ugakirika Ugomo Asere.
Vese vanoda kuonekera panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; chete kuti varege kushushwa nekuda kwemuchinjikwa waKristu.
13 Barki anime anigibisa wuzein gbare idaki watarsi tize tini kubu me ba anime ani wa wu awuze we nigbar barki sa wa tire igire wana pum awe.
Nokuti kunyange ivo pachavo vakadzingiswa havachengeti murairo, asi vanoda kuti mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.
14 Caki kati icukunu inuguna izen nu tira ubigire sai barki ugangiri ka Ugomo Asere uro Yeso bibe beririn Asere, ahira ame ani a ganikirka unee ahira ameme ahire unee.
Asi kwandiri ngakurege kuva nekuzvirumbidza, kunze kwepamuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, naye nyika yakarovererwa pamuchinjikwa kwandiri, neni kunyika.
15 Barki ni gbare nani idara uni gbare idaki ire mum ini ba, barki anime wanu aye urizo uni uni urere reme.
Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna maturo, asi chisikwa chitsva.
16 Nan nanigibesa wadicukunu anyemo iko utize, barki tucukunu ne goma we ani Israila ahira Asere.
Uye vese vanofamba nemurairo uyu, rugare ngaruve pamusoro pavo, netsitsi, nepamusoro paIsraeri waMwari.
17 Uzeka aname har uhana aje kati uye ma rmadamum, barki inta muhinu ma sere ani pum num.
Kubva ikozvino, ngakurege kuva nemunhu anonditambudza; nokuti ini ndakatakura pamuviri wangu rupawo rwaIshe Jesu.
18 Imum irere Ugomo Asere Yeso Asere acukunu nigona haru anyemo abibe bero ani hinu acukunu Anime.
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama. Ameni.

< Ugalatiyawa 6 >