< Katuma 7 >
1 Una katuma ka dandang ma gu ka dundure kani.
Zvino mupristi mukuru akati: Ko zvinhu izvi zvakadai here?
2 Istifanus ma gu a henu nan a ka co kunnanime aco uni nonzo ma kem aco aru Ibrahim anyumu a Misopotamiya otuba ticukum u hara.
Zvino akati: Varume, hama nemadzibaba, teererai. Mwari wekubwinya wakaonekwa kuna baba vedu Abhurahama vari muMesopotamia, vasati vagara Harani,
3 Ma gu imme ceki ma nyanga ma we me nan nanu henu uwe me, hana a manyangamage sa indi bezi we.
akati kwaari: Buda munyika yako nekuhama dzako, uuye kunyika yandichakuratidza.
4 Monno ma ceki manyanga mu kaldiya ma cukuno u haran, ba abim me sa a co me ma wi, Asere a e imme a nyimo a manyanga mageme sa inci kin.
Zvino vakabuda munyika yeVaKaradhia, vakagara muHarani; zvino kubva ipapo shure kwekufa kwababa vavo, wakavabvisira kunyika iyi yamunogara imwi ikozvino;
5 Ma nyari unga umeme nyania hira a indai barki ukalum, ko a hira sa madi inki ubuna. se ma inki tize, u zatu u kem u vana u ibrahim dati.
asi haana kuvapa nhaka mairi, kwete kunyange chitsiko chetsoka, asi wakavimbisa kuvapa iyo ive yavo, neyembeu yavo shure kwavo, vasati vava nemwana.
6 Asere ma boo me a nime barki wadi chukuno a ma nyanga ma soh nan a na a hira me wadi wu wa ziti ti we esoh inaze.
Mwari ndokutaura seizvi, kuti mbeu yavo ichava mutorwa kunyika yeumweni, uye vachaiita nhapwa nekuibata zvakaipa makore mazana mana;
7 ''In di hungu ko titui ta nu age sa wadi wu we a ni rere me,'' ingi asere, Inna dumo me wadi eh wa wu zim niru a banna me.
asi rudzi urwo rwavachava varanda kwarwuri ndicharwutonga ini, wakadaro Mwari; uye shure kweizvozvo vachabuda vagondishumira panzvimbo ino.
8 Ma kuri ma nya Ibrahim in inko u tize tini gbari Ibrahim ma yoh Ishayu ma gbari me rono u witotari Ishaya ma yoh Yakubu, Yakubu aco a nu kirau i.
Zvino akavapa sungano yedzingiso, naizvozvowo vakabereka Isaka, vakamudzingisa zuva rerusere; naIsaka wakabereka Jakobho; naJakobho mateteguru gumi nemaviri.
9 A cokoro wa wu ni eru ni Yususu wa ziki me u masar, Asere magi nan me.
Mateteguru akagodoka, vakatengesa Josefa kuEgipita; asi Mwari waiva naye.
10 Ma suso me a nyimo anirereme, ma nya me mu henu nan nu rusa utize a hira a Firauna Ugomo u masar, Firauna ma nya me ucanti u masar nan na kura ameme vat.
Akamusunungura pamatambudziko ake ese, akamupa nyasha nenjere pamberi paFarao mambo weEgipita; ndokumuita mutungamiriri pamusoro peEgipita neimba yake yese.
11 An no a ribe ikomo ukene a manyanga mu masar vat nan kanana nan nu zito kang, a kaco aru wa diri imumare.
Zvino kwakauya nzara panyika yese yeEgipita neKenani, nedambudziko guru; madzibaba edu akasawana kudya.
12 Serki sa Yakubu ma kunna imare ira anyimo umasar, matumi akaco aru me.
Asi Jakobho wakati anzwa kuti kwaiva nezviyo kuEgipita, wakatuma madzibaba edu kwekutanga.
13 Ukure me Yusufu ma suri wa iri me, firauna ma gurna nan na henu a Yusufu me.
Zvino kwechipiri Josefa wakaziviswa kuvanakomana vababa vake; uye rudzi rwaJosefa rwukaziviswa kuna Farao.
14 Yusufu ma tumi a henu ameme waka buka Yakubu a co ameme ma e u masar, vat nan ni henu wa biki eso sunare nan nu cibi.
Zvino Josefa akatumira akadana baba vake Jakobho nehama dzake dzese, iri mweya makumi manomwe nemishanu.
15 Yakubu ma ha umasar monno ma wi nan aka co arume.
Zvino Jakobho akaburukira Egipita, ndokufa iye nemadzibaba edu;
16 Aziki we u hana ushekem a nyimo a mu cau sa Ibrahim ma kpi a zurfa a tarin ta hana a hamor ushekem me.
uye vakatakurirwa Shekemi, vakaradzikwa paguva Abhurahama raakange atenga nemutengo wesirivheri kuvanakomana vaEmori weShekemi.
17 U ganiya sa u u gwinci ka utize wa eh mamu, sa Asere ma buki Ibrahim, anume wa uh wa kinki u masar me.
Zvino nguva yechivimbiso yakati yaswedera Mwari chaakange apikira kuna Abhurahama, vanhu vakakura, vakawanda muEgipita,
18 Ure Ugomo ma hiri in na dumo, sa da ma rusi Yusufu ba.
kusvikira umwe mambo amuka wakange asingazivi Josefa.
19 Me mani ma cangi anu acu me, ma nya we titene wa veti a hana awe me barki wa hama.
Ndiye wakabata rudzi rwedu nemano-mano, akatambudza madzibaba edu, achivarasisa vacheche vavo kuti varege kurarama.
20 U ganiya sa a yo Musa ma rizi memerun aje Asere inta me tipieu ti taru a nyimo a kura a co ameme.
Munguva iyoyo Mozisi wakaberekwa, uye wakange akanaka kuna Mwari; ndokurerwa mumba mababa vake mwedzi mitatu.
21 Sa a vete me a matara uco u Firauna ma wuzi ni wari ni me gu usam ume.
Zvino wakati araswa, mukunda waFarao akamunonga, akazvirerera iye kuti ave mwanakomana wake.
22 Musa ma manza tu katuma anu u mesar tize time me nan katuma ka me ka zi memerun.
Mozisi akadzidziswa muuchenjeri hwese hweVaEgipita; akava nesimba pamashoko nepamabasa.
23 Serke sa mabiki ti we a ino anazi, iri ba ime ya be zi me ma ka ira ahenu ameme ahana a Israilawa.
Zvino makore makumi mana akati asvika kwaari, zvakasvika mumoyo make kushanyira hama dzake, vana vaIsraeri.
24 Sa ma iri azi un nutira ure u Istrailawa, Musa ma benki me, ma garza men ma dusa mahu unu ugino me.
Zvino achiona umwe achiitirwa zvisakarurama, akamurwira ndokutsivira wakange achitambudzwa, akarova muEgipita;
25 Ma gusi agu ahenu me wadi iri tari ta Asere tini tidi benkiwe, da wa hemba.
zvino waifunga kuti hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari anovapa ruponeso neruoko rwake; asi havana kunzwisisa.
26 Rono ukure me ma biki a hana ameme wa zi in nukara ma ha ma gu in we, “A nu a dandang shi a henu wani, nya nini izi innu matara a cece ashi me?
Zvino zuva raitevera wakazvionesa kwavari vachirwa, akavayananisa nesimba achiti: Varume, imwi muri hama; munoitiranirei zvisakarurama?
27 Unu ukwabi me matuburko musa me, ma gu “Aveni ma nya we tigomo tiru?
Zvino iye wakange achiitira umwe wake zvakaipa wakamusundidzira achiti: Ndiani wakuita mutungamiriri nemutongi pamusoro pedu?
28 Udi hem? gu sa wa hu u masara me ninjo me?
Iwe unoda kundiuraya, sezvo wakauraya muEgipita zuro here?
29 Musa ma sumi sa ma kunna ani me ma cukuno gu ugenu a manyanga mu midia, monno ma yo a huna ruma ware.
Zvino neshoko iri Mozisi wakatiza, ndokuva mutorwa munyika yeMidhiani, kwaakabereka vanakomana vaviri.
30 Tiwe ti aino a aki, umalaika ma ha a hira a musa a nyimo a nijaa upana u Sinai, a nyimo a nilem ni ura.
Zvino makore makumi mana akati azadziswa, kwakaonekwa kwaari murenje regomo Sinai mutumwa waIshe mumurazvo wemoto wemugwenzi.
31 Sa Musa ma iri ura, ma kunna bi yau, sa ma hana mamu, monno ma kunna ni gbiran na Asere, na gu.
Mozisi wakati aona, akashamisika nechionekwa ichi; zvino paaiswedera kunocherekedza, inzwi raIshe rikasvika kwaari richiti:
32 Mi mani Asere a kaco wa co aweme, aco a Ibrahim nan Ishaku, nan Yakubu, nipum ni Musa na tuba ukirsa, ma kari aje amemen.
Ndini Mwari wemadzibaba ako, Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. Zvino Mozisi akadedera akasashinga kucherekedza.
33 Asere agu imme, kara makwatak me, a hira a gemesa uturin a zo me imma dini ba.
Zvino Ishe akati kwaari: Kurura shangu patsoka dzako, nokuti nzvimbo yaumire pairi ivhu dzvene.
34 Ma mu ira utito a nu amme a nyimo umasar, ma kunna aso ashi me, mi be ma ringi in burishi, ayeni ana me, in di tumi shi u masar.
Ndaonesesa dambudziko revanhu vangu vari muEgipita, ndikanzwa kugomera kwavo, zvino ndaburuka kuzovasunungura; ikozvino uya, ndichakutuma kuEgipita.
35 Musa ugeme sa ya gidi me sa we gu, Aveni ma nya we tigomo aru? me mani Asere ma tumi me atari ti malaika sa ma kem me a nyimo ani jaa.
Uyu Mozisi wavakaramba vachiti: Ndiani wakakuita mutungamiri nemutongi? Ndiye Mwari waakatuma kuva mutungamiriri nemudzukunuri neruoko rwemutumwa, wakaonekwa kwaari mugwenzi.
36 Musa ma suso we a nyimo u masar, sa ma wuzi timumu ti dandang a nyimo umasar nan ni win nivu, nan a nyimo a nijaa a ti we ti nu a ino a nazi.
Iye akavabudisa, aita zvishamiso nezviratidzo munyika yeEgipita nemuGungwa Dzvuku, nemurenje makore makumi mana.
37 Musa sa irusa me mani magu in na Israilawa Asere adi nya shi udura anyimo ashime nan na henu a shi, udura gimi.
Ndiye uyu Mozisi wakati kuvana vaIsraeri: Ishe Mwari wenyu achakumutsirai Muporofita pahama dzenyu, wakafanana neni; muchamunzwa iye.
38 Me mani sa mara a nyimo a ni gurna a ni jaa nan malaika sa ma buki metize a nipana ni sinai me mani sa mazi nan aka co aru me, me mani ma kabi tize ti urai ma nya dura.
Uyu ndiye wakange ari mukereke murenje, ane mutumwa wakataura naye mugomo Sinai ane madzibaba edu; wakagamuchira mashoko mapenyu kuti atipe.
39 Me mani unu me sa aka co aru wa nyaru u kunma utize ti meme wa idi me ahira awe me, nan a nyimo iriba iwemme wa kuri u masar.
Ndiye madzibaba edu wavakange vasingadi kuteerera; asi vakamusundidzira parutivi, vakadzokera kuEgipita mumoyo yavo.
40 A nyimo uganiya uginome wa gu in haruna bara duru mu Asere sa wadi canti duru, Musa ugeme sa ma suso duru umasar, tita duru imum me sa ya kenme ba.
Vachiti kuna Aroni: Tiitire vamwari vachatitungamirira; nokuti Mozisi uyu wakatibudisa munyika yeEgipita, hatizivi zvamuwira.
41 Wonno wa ba barka ku maruka atiye me wa nya madodo imumare, wa kunna urunta kang.
Zvino vakaita mhuru mumazuva ayo, vakauisa chibairo kuchifananidzo, vakafara nemabasa emaoko avo.
42 Senke Asere a ceki we wa wuzi anu akura Asere kadtuma gu sa a nyetike a nyimo a matakarda ma adura kAsere, ya wekimi iname ya iro anyimo atiwe a ino a nazi a rujaa, a kura a Israilawa?
Zvino Mwari akafuratira, akavakumikidza kuti vashumire hondo yekudenga, sezvakanyorwa mubhuku revaporofita, zvichinzi: Ko makauisa kwandiri here zvibairo nezvipo makore makumi mana murenje, imwi imba yaIsraeri?
43 Yakabi a hira ni gurna ni molek nan Asere a Refan, nan na imum sa ya barka barki ni ru, indi ziki shi in aki u Babila.
Uye makatakura tabhenakeri yaMoroki, nenyeredzi yamwari wenyu Remifani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; uye ndichakutamisirai mberi kweBhabhironi.
44 Aka co arume wa zi inni rusa Asere a nyimo a nijaa, gu udungurka me umusa ma barka gu sa ma ira.
Madzibaba edu aiva netabhenakeri yeuchapupu murenje, sekuraira kwaiye wakataura naMozisi kuti aiite nemufananidzo waakange aona;
45 A hira a nigurna nan kaco arume wa gamirka wa riben a manyanga a tari ti Joshua imum ya hiri sa wa ribe wa meki ti tihira sa Asere ma gidi we, aje a kaco aru me, Anime ani har uganiya u Dauda.
yakatiwo madzibaba edu aitevera aigamuchira, akaipinza pamwe naJoshua munhumbi dzevahedheni, Mwari vaakadzinga pamberi pechiso chemadzibaba edu, kusvika kumazuva aDhavhidhi;
46 Sa ma hem ahira Asere, ma ikki barki makem Asere a Yakubu a hira.
wakawana nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuwanira Mwari waJakobho tabhenakeri.
47 Senke sulemanu ma barka Asere a kura.
Asi Soromoni wakamuvakira imba.
48 Unu udandang ma da ciki a nyumo a tikura sa abara in tari ba, gu ubukamwa na kadura me.
Asi Wekumusoro-soro haagari mutembere dzakaitwa nemaoko, sezvinoreva muporofita achiti:
49 Aza me a hira ti cukum tum tini, adizi me a hira upatala tibuna tum, aye akura ani udi barka mini? ubo wa Asere, nani abani indi venke?
Denga chigaro changu cheushe, nenyika chitsiko chetsoka dzangu; muchandivakira imba yakadini? ndizvo zvinoreva Ishe; kana nzvimbo yezororo rangu ndeipi?
50 Da tari tum me tini ta wuzi ba?
Ruoko rwangu haruna kuita zvinhu izvi zvese here?
51 Shi anu sa ida kunna tize ba, da agwara muriba mushi nan titui, ko uya uganiya ya nyari ukana bibe ba Asere, i wuza gu aka co ashi me.
Imwi vemitsipa mikukutu uye vasina kudzingiswa pamoyo nenzeve, imwi munogara muchipikisa Mweya Mutsvene; semadzibaba enyu saizvozvo imwi.
52 Uya unu dura mani sa da aka co ashi wa yomo me ba, wa hu anu dura sa wa emaje unu ulau, shi be ya cikuno anu uhaza anu.
Ndeupi wevaporofita madzibaba enyu wavasina kushusha? Vakauraya avo vaifanozivisa nezvekuuya kweWakarurama, iye ikozvino wamava vatengesi nevaurayi vake.
53 Shi me sa ya kabi udungurka Asere me sa malaiku wa inko, shi be yaga shi ucanti me.
Imwi vakagamuchira murairo neurongwa hwevatumwa, asi mukasauchengeta.
54 Sa anu adandang wa kunna timumume ya dari iriba iwe me, wa chari Istifanus in na nyo.
Zvino vanzwa zvinhu izvi vakabaiwa pamoyo yavo, vakamugedera-gedera meno.
55 Sarki ma macika in bibe biriri, ma inki aje Asesere ma iri ni nonzo na Asere, ma iri Yesu maturi a tari tinare ta Asere.
Asi azere neMweya Mutsvene wakatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari,
56 Istifanus magu, ira, ma ira a poko Asesere me vana Asere ma turi a tari tinare ta Asere.
akati: Tarirai, ndinoona matenga akazaruka, neMwanakomana wemunhu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari.
57 Senki anu adangdang me wa wu uhanu in nigbirang we impi titui tu we me, wa rizi a me.
Zvino vakadanidzira nenzwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira paari nemoyo umwe;
58 Wa kari me anyimo a nipin me wa tizi me in napo, anu hiri me, wa nati tirunga adizi a tibuna ti shawulu me.
vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka nemabwe; nezvapupu zvikaisa nguvo dzazvo patsoka dzejaya rainzi Sauro.
59 Sa wazi innu tiza u Istifanus, ma ri aje innu tisa Asere, ma gusi, “Ugomo Asere kaba bine bimme”.
Zvino vakataka Sitefano nemabwe, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.
60 Ma tunguno a dizi ma yeze nigbirang inni kara, Asere, kati ucanti ucara tize a nice ni we me ba, sa ma mari ubo anime, monno ma wi.
Zvino wakafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavaverengera chivi ichi. Zvino wakati areva izvi, akarara.