< Katuma 26 >

1 Agrippa ma gun Bulus buu tize ini ce ni we me. Ba Bulus ma witino ma tubi boo tize uni ce ni meme.
Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvitaurira. Ipapo Pauro akatandavadza ruoko, akazvipindurira achiti:
2 In zini uruba irum in ni ce num, ugomo Agippa, in e in tize tum nan na Ayudawa ageme in malim mam.
Pane zvese zvandakamhan'arirwa neVaJudha, mambo Agripa, ndinoona ndichifara kuti ndodozvidavirira pamberi penyu nhasi;
3 Barki urusa imum me sa u wuza anyimo Ayahudawa nan nu utanda uweme, ane ani in igizo me u kunam seke.
zvikuru nokuti ndinoziva kuti mune ruzivo rwetsika dzese nemakakava ari pakati peVaJudha; naizvozvo ndinokukumbirai, kuti mundinzwe nemoyo murefu.
4 Kadure kani va Ayahudawa wa rusa ta hana dati ani pin num uhana Ushalima.
Naizvozvo mufambiro wangu kubva paudiki, waiva kubva pakutanga pakati perudzi rwangu paJerusarema, VaJudha vese vanoziva,
5 Wa rusa utuba um mi unanu Farisawa mani anyimo ati gomo ti dang tiru.
vaindiziva kubva pakutanga kana vachida kupupura, kuti nenzira yakasimba yeboka rechitendero chedu ndairarama ndiri muFarisi.
6 Ana me in the aje ashime azini u igizo um tizee, barki sa a nyara in myinca imum sa Asere ugomo ma wu ak coo aru.
Uye ikozvino ndimire ndichitongwa nekuda kwetariro yechivimbiso chakaitwa naMwari kumadzibaba,
7 Barki anime in turi tilem ukirau inti re sa wa tarsa Asere niye nan uwui, ta wuna ire ubuka imum me sa ira iruba iru. Barki ane ani Ayahudawa wuzum malim, ugomo.
marudzi edu gumi nemaviri achishumira akasimba siku nesikati vachitarisira kusvika pachiri. Nekuda kwetariro iyi, mambo Agripa, ndinopiwa mhosva neVaJudha.
8 Nyanini u ira uwee me ingi Asere ahira de be sa maa wono.
Sei zvichifungwa kuti zvinhu zvisingatendeseki kwamuri, kana Mwari achimutsa vakafa?
9 Uganiya u inde in gun nice num indi wuzi imum gbardang ahira ani za ni Yesu unu Nazaret.
Naizvozvo ini ndaifunga ndomene kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta;
10 Ma wuzi anime Aurshalima, inkurzuzo anu aka tuma kasere anyimo udenge ukorsuzo wanu, ma wuzi anime in nikara ahira unu adngdang aka tuma uenge Asere nan aye ma sa ma huzi we me bezi nice num inda nyara ura uwenba.
neni zvandakaita muJerusarema, uye ini ndakapfigira vazhinji vevatsvene mumatirongo, ndagamuchira simba kubva kuvapristi vakuru; nepavaiurawa ndaizvisarudza.
11 Ma wuzi we imum iburi inyizi uzatu ukadure inkunzina iruba in we, ine ini ya wu wa ziti atari tum.
Uye ndaivaranga kazhinji mumasinagoge ese, ndichivaroverera kuti vanyombe; zvino ndichinyanya kuvapengera, ndakavashusha kusvikira nekumaguta ekunze.
12 Sa ma zin uni wuza anime, indusa Udimaska in nikara sa ma kem ahira unu dang.
Ndipo neni ndichienda kuDhamasiko nesimba uye nekutumwa kubva kuvapristi vakuru,
13 Una um uhana me in nati ana ti uwui, in iri masaa sa ma teki uwui haru nan an desa tazin nigo me.
pamasikati makuru, mambo, ndakaona munzira chiedza chichibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichipenya chakandipoteredza nevaifamba neni.
14 Ti rizi vat uru adizi, ba in dusa in kunna ni myira ni gusam in ni lem na Ibraniyawa, shawulu, shawulu nyanini ya wuna uwuzam ani me, ya wuna ani me?
Zvino takati tese tawira pasi pavhu, ndakanzwa izwi richitaura kwandiri richiti nerurimi rwechiHebheru: Sauro, Sauro, unondishushirei? Zvinokuremera kukavana nezvibayo.
15 Ba in iki ingu hu aveni ugomo Asere? Ba ugomo Asere ma kabirka, imani Yesu sa gaa me.
Zvino ini ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akatiwo: Ndini Jesu waunoshusha iwe.
16 Ma dusa ma gun me hira tonno in ti buna ti we me, barki ma bezi mu henu mum ahira aweme, ma zauka we a nyimo akatuma kam u buu imum me sa u rusa ani ce num nan ige sa indi buki we.
Asi simuka, uye umire netsoka dzako; nokuti ndazviratidzira izvi kwauri, ndikuite mushumiri nechapupu zvese chezvinhu zvawakaona nezvandichazviratidza nazvo kwauri,
17 In di zi nigome nan huu barki an desa wada rusa mi ba an desa indi tumi we ahira awe.
ndichikununura kuvanhu nevahedheni, vandinokutumira kwavari ikozvino,
18 Uka poko aje ugamirka we usuro umaree uhana amasaa nan ni kara, nan ni kara ni nu uburi uhana ni kara na Asere. Barki wa kabi ukpico uma dini maweme wan unu kaba sa indi kabi we barki uhem iruba im.
kusvinudza meso avo, nekuvatendeusa kubva murima vaende kuchiedza, nepasimba raSatani vaende kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi, uye nhaka pakati pevakaitwa vatsvene nerutendo rwuri mandiri.
19 Barki ani me, ugomo Agrippa, daki ma game imum me sa ya su ri aseser ba.
Naizvozvo, mambo Agripa, handina kuramba kuteerera chiratidzo chekudenga;
20 Andesa wa e Udimaska unu tuba, atarsi una Urishalima wan vat nipin nu Judiya wan an desa wa tawe Asere ba, ma buu we tize ta Asere inu guna wa suri amaree uhana amsaa, wa ceki uwuza imum ibur wa tarsi Asere.
asi ndakaparidza kutanga kune veDhamasiko neveJerusarema, nekudunhu rese reJudhiya, nekuvahedheni, kuti vatendeuke, uye vadzokere kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka.
21 Ine ini ya wuu Ayahudawa wa mekum anyimo udengenAsere wa nyari uhuna um.
Nekuda kwezvinhu izvi VaJudha vakandibata mutembere, vakaidza kundiuraya.
22 Asere a benkum u aye ukani me, in turi unu boo anu acinci wan na dandang.
Naizvozvo ndawana rubatsiro kubva kuna Mwari, ndakamira kusvikira zuva rino, ndichipupura kuvadiki nevakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu kunze kweizvo vaporofita naMozisi zvavakataura kuti zvichaitika,
23 Unu bura uru uginome madi si nirere, memani madi zi unu tuba uhira anyimo ani wono mabezi masaa ahira Ayahudawa wan na nu uzatu rusa ta Asere.
kuti Kristu wakafanira kutambudzika, uye kuti ari wekutanga kumuka kuvakafa, achaparidza chiedza kuvanhu ava nekuvahedheni.
24 Bulus ma mari ubura uni ce ni meme, Festus magu inimyira aseser Bulus uzin nice ba urusa uwe me wa wuna iranzaa.
Zvino wakati achazvidavirira zvinhu izvi, Fesitasi akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kukuru kunokupenza.
25 Ba Bulus magun me in zini iranza ba unudang Festus sede in buu tize tikadure anyimo ni za ni desa in tarsa me.
Asi wakati: Handipengi, Fesitasi changamire; asi ndinodanidzira mashoko echokwadi uye euchenjeri.
26 Ugomo cangi ma rusa ini mum me, barki ane ani indi buu tize in ni kara sarki biyau, mi in rusa ada hunzize me imum ba, daki amu wuna ani ba vat.
Nokuti mambo vanoziva zvezvinhu izvi ivo vandinotaura pamberi pavowo ndisingatyi; nokuti ndine chokwadi kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chakavanzika kwavari, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pachikona.
27 Wa hem unu nu kurzuzo tize, ugomo Agrippa? “In rusa wa hem”.
Mambo Agripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.
28 Agrippa magun in Bulus” anyimo aku ganiya kucin u nyara ukurzom unu tarsa Asere.”
Agripa ndokuti kuna Pauro: Wasara padiki wandipwisa kuva muKristu.
29 Bulus magu “maringirka ani me anyimo ani za na Asere anyimo kuganiya kuci nan ujoko, da huucasba, nan an desa wa kunnam kani me, wadi cukuno kasi mi, we wada sa me nirere ba. “
Pauro ndokuti: Ndinoshuva kuna Mwari, kunyange nediki uye nehuru musava imwi mega, asi nevese vanondinzwa nhasi, vave vakadai sezvandiri ini, kunze kwezvisungo izvi.
30 Sa wa kunna ani me, Ugomo ma hiri ma tonno wan desa a zauka me ani pin me, nan andesa wa raa ahira me cangi.
Zvino wakati ataura zvinhu izvi, mambo akasimuka, nemutungamiriri, naBhenike, nevakange vagere navo;
31 Sa wa suri ani kubu me, wa gamirka acece aweme wagu”unu ugeme daki ma wuna imum me sa adi hu me ba nani atirzi me”.
vakati vabuda vakataurirana, vachiti: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana zvisungo.
32 Agrippa magu in Festus, “Ada ceki me unu geme ba in daki ma yeze tize me uhana uwatu kaisar ba “.
Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Munhu uyu ungadai asunungurwa dai asina kuikwidza kuna Kesari.

< Katuma 26 >