< Katuma 13 >

1 Anyimo udenge unigura sa wa rani vantakiya, anu ukurzuzo utize nan anu dungura wa rani. We wani Barnabas, saminu (sa a tisa we agenu) nan lukiya Barkurame nan manayin (desa wa hiri nigoo me nan ugomo Hiridus) nan shawulu.
Zvino paivapo muAndiyokiya, mukereke ipapo vamwe vaporofita nevadzidzisi, Bhanabhasi naSimioniwo wainzi Nigeri, naRukio muKurini, naManaeni wakange arerwa pamwe naHerodhe umwe wevatungamiriri vana, naSauro.
2 Uganiya sa zin ni nonzo na Asere nan unu canti ikono, abini me bibe bi Asere bi dusa bi gu, ''suso ri mi Barnabas nan shawulu bati katuma me sa ma tit we wa wuzi.''
Vakati vachishumira kuna Ishe nekutsanya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Bhanabhasi pamwe naSauro pabasa randakavadanira.
3 Sa nigura me na mara wa wuzi biringira nan u'inta ikoma, wa tari we tari wa gun we dusa.
Ipapo vatsanya nekunyengetera nekuisa maoko pamusoro pavo, vakavaendesa.
4 Abini me shawulu nan Barnabas wa dusa wa kunna imum sa bibe bi ugomo Asere ba, buki wa dusa uhana usulukiya; wa kafa udusa ani zabu ku kuburus.
Naizvozvo zvirokwazvo ivo vakati vatumwa naMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia, vakabvapowo vakaenda kuSaipuresi nechikepe.
5 Uganiya sa wa raa anipin ni usalami, wa dunguri tize ti ugomo Asere udenge unigura umayahudawa, waa zin ingoo me nan Yahaya Markus unu benki uwe.
Zvino vasvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge eVaJudha; uye vakange vanaJohwaniwo mubatsiri.
6 Sa wa kafa anizabu nu Bafusa, wa dusa wakem ure ubire uyahuadwa una niza Bat Yeshua.
Zvino vakati vagura nemuchiwi kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, muporofita wenhema, muJudha, wainzi Bhari-Jesu.
7 Unu umakiri nanu desa mazi nigoo me nan unu kkpanku udang me sajus Bulus unu rusa mani. Ma dusa ma titi shawalu nan Barnabas barki maa nyari ma kunna tize ta Asere.
Wainge ane mutungamiriri Sejiyo Pauro, murume wakachenjera. Iye wakadanira kwaari Bhanabhasi naSauro akatsvaka kunzwa shoko raMwari.
8 Me Elimas ''ubire mani (imum sa nize nime me na buka ini) ma wuzi ni'eru nan we; Ma nyari ma hunze unu kpanku udang nibaba ni'inko iriba.
Asi Erimasi n'anga, nokuti ndiro zita rake kana zvichishandurwa, akavapikisa, achitsvaka kutsausa mutungamiriri parutendo.
9 Abini me shawulu desa me Bulus maa myinci in bibe ba ASere ma riki me aje.
Asi Sauro, ndiye Paurowo, azadzwa neMweya Mutsvene, uye amutarisisa,
10 Ma dusa magu, ''hu vana unu uburi mani, u myinci unu hunzuze abanga nan imum iburi. Hu uruni u'eru uwuza utimum ti riri mani uda kini we umangara uti na tu ugomo Asere ba?''
wakati: Iwe uzere nekubiridzira kwese nekunyengera kwese, mwanakomana wadhiabhorosi, muvengi wekururama kwese, haugumi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe?
11 Ana me, tari ta Asere be azesere anice ni we me, udi cukuno urubo. Uda ira we uwui ba ana me aku uganiya ku cing, ''Abini me uputuru nan maree wa korso kase unyara anabu sa wadi benki me.
Uye ikozvino tarira, ruoko rwaIshe rwuri pamusoro pako, uye uchava bofu, usingaoni zuva kwenguva. Pakarepo mhute nerima zvakamuwira, akatenderera achitsvaka vangamutungamirira neruoko.
12 Sa unu kpanku udang ma ira imum be sa ya kem ma dusa ma nya uhem a tize ti ugomo Asere.
Panguva iyo mutungamiriri wakati aona zvakaitika akatenda, achishamiswa nedzidziso yaIshe.
13 Bulus nan aroni ame me wa barka wa dusa wa kafa anyimo ujirgi umei usuro Bafusa uhana Fijiya u bamfiliya. Yahaya maa ceki we ma kuri uhana a urshalima.
Zvino Pauro nevaiva naye vakabva Pafosi nechikepe vakasvika paPega muPamufiriya. Asi Johwani wakabva kwavari akadzokera kuJerusarema.
14 Bulus nan aroni ameme wadusa usuro firjiya uhana u'antakiya amanyanga Bisidiya. Abini me wa ribe udenge unigura uni wui Asabar wa cukuno.
Asi ivo vakati vagura vachibva paPega, vakasvika kuAndiyokiya muPisidhiya; vakapinda musinagoge nezuva resabata, vakagara pasi.
15 Sa amara ubasa i hori i'uinso utize nan anu ukurzizo utize, anu adang udenge ubi gura wa dusa wa tuburko kadura wa gu, ''ni henu, ingi izin kare kadura ka unya uni kara ahira anabu i nya.''
Zvino shure kwekuverengwa kwemurairo nevaporofita, vakuru vesinagoge vakatumira kwavari, vachiti: Varume hama, kana kune shoko mukati menyu rekurudziro kuvanhu, taurai.
16 Bulus ma dusa ma hiri ma bezi wen in tari magu, ''shi anu u'isra'ila nan shi andesa iwono Asere, kuna nin.
Zvino Pauro wakasimuka, ndokuninira neruoko, akati: Varume VaIsraeri, nemwi munotya Mwari, teererai.
17 Ugomo Asere u'israi'la maa zauka acokoro aru, maa kinki ugbardang uweme uganiya me sa rani umasar nan usuro akatuma kadang ka meme maa suso we anyimo me.
Mwari werudzi urwu rwaIsraeri wakasarudza madzibaba edu, akakudza vanhu vachiri vatorwa munyika yeEgipita, uye neruoko rwakakwirira akavabudisa mairi.
18 Maa nati iriba nan we uhana tiwe akuri anaze anyimo anija.
Uye akava nemoyo murefu nemaitiro avo nguva inenge makore makumi mana murenje.
19 Sama mara uhua uti pinping tini usunare a ma nyanga mu kan'ana maa nya acokoro aru ukalu.
Zvino wakati aparadza marudzi manomwe munyika yeKenani, akavagovera nyika yavo nemujenya.
20 Vat timum tiginome taa kem anyimo ati we akuri anazi unu cibi sa taa aki sa igono me ya aka ugomo maa wuzi u'inko utize nan se sa ya biki uganiya u'aye samaila unu ukurzuzo utize maa ē.
Zvino shure kweizvozvo, makore anenge mazana mana nemakumi mashanu, wakavapa vatongi kusvikira kuna Samueri muporofita.
21 Anabu wa dusa wa iki wa gu anya we ugomo, ugomo Asere ma nya we saul vana ukish, unu unilem ni Benjamin maa cukuno we ugomo uhana utiwe akuri anazi.
Uye kubvira ipapo vakakumbira mambo; Mwari ndokuvapa Sauro mwanakomana waKishi, murume werudzi rwaBhenjamini, makore makumi mana.
22 Ugomo Asere maa tuzo me ukpanku utigomo, ma hirza Dauda ma cukuno ugomo uwe.
Zvino wakati amubvisa, wakavamutsira Dhavhidhi kuva mambo, waakapupurirawo akati: Ndawana Dhavhidhi waJese, murume anoenderana nemoyo wangu, achaita chido changu chese.
23 Usuro ubisana bi unu ugino me, ugomo Asere maa suso Yeso unu bura, gusi u'inko sa anu inko.
Pambeu yeuyu sechivimbiso, Mwari wakamutsira Israeri Muponesi Jesu;
24 Igene me ya kem uduku u aye u Yeso u'e, Yahaya ma buu abanga uzurso ukaba utize wa anu Isara'ila.
iye asati asvika Johwani wakaparidza pakutanga rubhabhatidzo rwekutendeuka kuvanhu vese VaIsraeri.
25 Sa Yahaya ma mara katuma ka meme, ma dusa magu, ''ibasa mi aveni? Daki mi mani ba. Kunna nin uye ma rani sa ma'eze adumo am de besa in bari in sofi tizin ta kwatak ameme ba.
Zvino Johwani wakati azadzisa rwendo, akati: Munofunga kuti ndini ani? Ini handisi iye, asi tarirai, shure kwangu anouya, wandisakafanira kusunungura shangu dzetsoka dzake.
26 Ni henu, ahana usuro ubisana bi Ibrahim, nan an desa wa tarsa Asere anyimo ashi me, barki haru wani a nyan duru kadura kubura kageme.
Varume hama, vana verudzi rwaAbhurahama, neavo pakati penyu vanotya Mwari, shoko reruponeso urwu ratumirwa kwamuri.
27 Barki an desa wa aki anyimo urushalima, nan anu atigomo tiwe me, daki wa rusa me ba, wa kuri wa myinca uboo anu kurzuzo utize ta Asere sa a basa konde uya uwui wa Asabar abanga uhuna ume.
Nokuti avo vanogara muJerusarema nevatungamiriri vavo havana kumuziva uyu, uye manzwi evaporofita anoverengwa sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumurasa;
28 Vat sa daki wa kem imum besa idi wu wa hume ba, wa dusa iki Bilatus ma hu me.
uye kunyange vasina kuwana mhosva yerufu, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe.
29 Sa wa mara me asesere utiti me sa agangirka me, wa soki anyimo icau.
Zvino vakati vapedza zvese zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuradzika muguva.
30 Ugomo Asere ma hirza me usuro iwono.
Asi Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa;
31 Anabu sa wa e nigo me nan me usuro ugalili nan urshalima wa meki uhura ume uhana uti ye gbardang. Anu aginome we wani anu tonno umeme ana me.
iye wakaonekwa kwemazuva mazhinji neavo vakange vakwira naye kuJerusarema vachibva Garirea, vari zvapupu zvake kuvanhu.
32 Ta ayen shi in utize ti urunta, aban utira utize me sa a wuzi acoro ashime ni.
Nesu tinoparidza kwamuri mashoko akanaka echivimbiso chakaitwa kumadzibaba,
33 Ugomo Asere ceki duru utira utize ti ge me. Barki anime ma hirza Yeso usuro icau gusi uzina me sa tizi anyimo uzabura ukure, ''hu vana um mani kani me, ma cukuno acoo aweme kani me.''
kuti Mwari wakazadzisa ichi kwatiri, isu vana vavo, pakuti wakamutsa Jesu; sezvazvakanyorwawo mupisarema rechipiri kuti: Iwe uri Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka.
34 Imum sa ya kuri iwu ahirza usuro icau ine ini kati nipum nimeme niwici, ma buki ana, ''indi nya shi ure aje u Dauda ulau, tikadura.''
Zvino zvekuti wakamumutsa kubva kuvakafa, asadzokerazve kukuora, wakareva sezvizvi: Ndichakupai maropafadzo matsvene anovimbika aDhavhidhi.
35 Ige me ure uzabura, ''be sa ya wuna ma kuri ma buka a ure uzabura, ''uda aki unu lau um wici ba.
Naizvozvowo anoti pane imwe nzvimbo: Hamungapi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
36 Sa Dauda ma wuzi nirere ni tarsa Asere anyimo iriba ime me nan imum besa ugomo Asere ma unyara, maa wi, avati nigoo me nan acoro ameme, maa wici.
Nokuti Dhavhidhi, ashumira zano raMwari pazera rake pachake wakarara, uye wakaradzikwa kumadzibaba ake, ndokuona kuora;
37 Desa ugomo Asere maa hirza daki maa iri uwuco ba.
asi Mwari waakamutsa, haana kuona kuora.
38 Ni henu, rusani usuro unu ugino me uni, adunguri shi tize ti ugomo Asere barki aperkin in madini mashi me.
Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, varume hama, kuti neuyu kanganwiro yezvivi inoparidzirwa imwi;
39 Usuro umeme uni vat desa ma nya nice made kem ubura usuro u'inko utize ti Musa daki ta ceki fong ba.
uye neuyu ani nani anotenda anonzi wakarurama pazvinhu zvese zvamakange musingagoni kunzi makarurama pazviri nemurairo waMozisi.
40 Barki anime tarsa nin seke in timum sa anu kurzu utize ta Asere sa waa buki kati myinca ace ashi me.
Naizvozvo onai kuti zvirege kuwira pamusoro penyu zvakarehwa muvaporofita, zvinoti:
41 Shi anu zatu kunna utize, idi wu hem, i kunna biyau, i kuri imari, barki in zin katuma atiye tishi me, katuma sa ida hem ba, inki uye ma buka shi.
Tarirai, imwi vazvidzi, uye mushamisike, nekuparadzwa; nokuti ini ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramusingatombotendi, kunyange umwe achikurondedzerai.
42 Usuro wan Bulus nan Barnabas waazigino me, anu wa dusa wa meki utira uwe tari, bati wa kuri wa buu usasana utize tigino me roni Asabar ukuro.
Zvino pakubuda kweVaJudha musinagoge, vahedheni vakakumbira kuti mashoko awa ataurwe kwavari pasabata raitevera.
43 Sa biringira ba mara, mayahudawa gbardang nan an desa wa kabi tize ta mayahudawa wa tarsi bulus nan Barnabas, wa gbarika uguna wa rī aje in katuma ka Asere.
Zvino vesinagoge vakati vapera, vazhinji veVaJudha nevakatendeukira kuVaJudha vainamata vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataura kwavari, vachivagombedzera kuti varambire munyasha dzaMwari.
44 Sa Asabar akuro vat nipin wa gurna bati wa kunna tize ta Asere.
Zvino nesabata rakatevera guta rinenge rese rakaungana kuzonzwa shoko raMwari.
45 Sa mayahudawa wa ira nigura na anabu, wa myinca in ni riba ibiit (ni'eru). Wa dusa boo utize tizenzen anice ni tize ti Bulus wa zogizi me.
Zvino VaJudha vakati vachiona zvaunga vakazadzwa negodo, vakapikisa zvinhu zvakarehwa naPauro, vachipikisa uye vachinyomba.
46 Bulus nan Barnabas wa wuzi tize in ni iriba ihu wa gu, ''ya wunna uri atubi she wani tize ta Asere shi ya gashi tini ya tuburko ni tini ani kira, ya kurzo ni ace ashi me gusi andesa daki wa bari u kem uvengize uzati umarsa akura Asere ba, kunna nin, tidi gamirka uhana ahira anu zatu urusa Asere.'' (aiōnios g166)
Asi Pauro naBhanabhasi vachitaura vakashinga vakati: Zvakange zvakafanira kuti shoko raMwari ritaurirwe kwamuri pakutanga; asi zvamarininira kure, uye mazvitongera kusafanira upenyu husingaperi, tarirai, tinotendeukira kuvahedheni. (aiōnios g166)
47 Barki anime, ugomo Asere ma guna, ''ma wuna we u cukuno masaa ahira andesa wa ta we Asere ba, bati ucukuno una ukem ubura antimo unee vat.''
Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo achiti: Ndakakugadza kuva chiedza chevahedheni, kuti uve weruponeso kusvikira kumugumo wenyika.
48 Sa anu zatu rusa Asere wa kunna abanga age me, wa wuzi iriba irum, wa nonziko tize ugomo Asere. Maroo ma an de be sa amu inko uguna wa kem uvengize uzatu marsa wa hem. (aiōnios g166)
Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvi vakafara, uye vakakudza shoko raIshe, neuwandu hwevese vakange vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda; (aiōnios g166)
49 Tize ti ugomo Asere taa ribe vat anyimo a manyanga me.
uye shoko raIshe rikaparadzirwa kudunhu rese.
50 Sa ya cukuno anime, mayahudawa wa dusa wa turi ane age be sa wa wito ace awe atize ta Asere nan anu kaba wan ananu anipin, imum i ge me yaa hunguko ijasi anice ni Bulus nan Barnabas, wa gidi we anyimo a manyanga ma we me.
Asi VaJudha vakamutsa vakadzi vaishumira vaikudzwa, nevakuru veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi rushusho, vakavadzinga kubva kumiganhu yavo.
51 Bulus nan Barnbas wa dusa wa zamir ususur me sa wa rani atbuna ti we me, ya bezi imum ubasa, wa dusa uhana ikoniya.
Asi ivo vakavazuzira guruva retsoka dzavo, vakasvika Ikonio.
52 Anu tarsa u Yeso waa myinca ni ni riba irum nan bibe bi lau ba Asere.
Zvino vadzidzi vakazadzwa nemufaro neMweya Mutsvene.

< Katuma 13 >