< 1 Uyohana 3 >
1 Ira nin usu me sa aco aru me ma bezin duru, bati atitin duru ahana Asere, y a cukuno ane ani atisan duru, ine ini ya wuna une uda rusan duru ba, barki uda rusa me ba.
Tarirai kuti rudo rwakadini Baba rwavakatipa, kuti tinzi vana vaMwari. Nekuda kwaizvozvi nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye.
2 Shi ahana iriba im, ana me daki amu poko imum me sa tizi ba. Ti rusa ingi Ugomo Asere ma aye tidi cukuno gusi meme, tidi iri me uzina umeme.
Vadikanwi, ikozvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Asi tinoziva kuti kana achizoratidzwa, tichafanana naye; nokuti tichamuona sezvaakaita.
3 Vat desa mazin ini iriba ini kara barki imum me i'eze in naje ma cukuno lau gusi meme.
Uye umwe neumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvaakachena iye.
4 Vat desa mare aje uni wuza imum iburi, ma game tize ta Asere tini, barki uwuza imum iburi unyarime Asere uni.
Umwe neumwe anoita chivi anoitawo kusava nemurairo; uye chivi ndiko kusava nemurairo.
5 I rusa Yesu ma'e barki ma kari imum iburi ini, ahira ameme imum iburi izome ni.
Uye munoziva kuti iye wakaratidzwa kuti abvise zvivi zvedu; uye zvivi hazvimo maari.
6 Vat desa ma ciki anyimo ameme, mada wuza me imum iburi ba, da mamu ira me ba, mada taame me ba.
Ani nani anogara maari haatadzi; ani nani anotadza haana kumuona, kana kumuziva.
7 Shi ahana iriba im, kati i hem uye ma rangi shi, desa ma wuza imum ihuma, unu uhuma mani usanzi Uyesu.
Vana vadiki, kusava neanokunyengerai; uyo anoita kururama wakarurama, saiye akarurama;
8 Vat desa ma wuza imum iburi me vana ubibe bizen-zen mani, barki datti utuba unu uburi mamu unu wuza imum iburi mani. Ane ani vana Asere Yesu ma'e barki ma cari katuma ka unu uburi.
uyo anoita chivi anobva kuna dhiabhorosi, nokuti dhiabhorosi anotadza kubva pakutanga. Nechikonzero ichi Mwanakomana waMwari wakaratidzwa kuti aparadze mabasa adhiabhorosi.
9 Desa mazi vana Asere mani, mada wuza me imum iburi ba, barki bisana bi meme bi ciki anyimo ame mada wuza me imum iburi barki me vana Asere mani.
Ani nani wakaberekwa naMwari haaiti chivi, nokuti mbeu yake inogara maari; zvino haagoni kutadza, nokuti wakaberekwa naMwari.
10 Bisana bi Ugomo Asere nan bi unu buri bida zo me unu hunne me ba. Desa mada wuza me imum iriri ba, mada zoo me wa Asere ba, nani desa ma nyari me uhenu ume me. Anyimo
Mune izvozvi vana vaMwari nevana vadhiabhorosi vanoratidzwa; ani nani asingaiti zvakarurama haabvi kuna Mwari, neasingadi hama yake.
11 Kadura ka zigine me sa ya kunna datti unu tuba, i canti nihenu memeru.
Nokuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidanane;
12 Kati i cukuno kasi Kayinu sa mazi vana uburi, d esa ma huu uhenu umeme, nyanini ya wuu ma huu me? Barki katuma ka maree, ku uhenu umeme karizi.
kwete saKaini wakabva kune wakaipa, ndokuuraya munin'ina wake. Zvino wakamuurayirei? Nokuti mabasa ake akange akaipa, asi emunin'ina wake akange akarurama.
13 Kati i gamari mu riba, nihenu ingi une wa gaa shi.
Musashamisika, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
14 Na ti rusi tamu aka iwono, uhana uvengize barki unyara uni henu, desa mada nyara me nihenu ba ma ciki ticukum ti wono tini.
Isu tinoziva kuti takapfuura murufu tikapinda muupenyu, nokuti tinoda hama. Asingadi hama anogara murufu.
15 Desa ma game uhenu umeme, unu huza anu mani, u vengize urunta uzo me ume ba. (aiōnios )
Ani nani anovenga hama yake imhondi; uye munoziva kuti hakutongorina mhondi ine upenyu husingaperi hunogara mairi. (aiōnios )
16 Ane ani ti rusa nihenu, kasi ahira iriba isheu Yeso ma nya nice nime ma wi barki haru. Ca haru cangi ti nya ace arunbarki anu henu aru.
Neizvi tinoziva rudo rwaMwari, nokuti iye wakatiradzikira pasi upenyu hwake; nesu tinofanira kuradzikira pasi hama upenyu.
17 Vat desa ma zin ini mum itari ma hira uhenu unu zati imum ma impo aje barkinkatti ma benki uhenume. Adi wu aneni agu ma rusa Asere?
Asi ani nani ane nhumbi dzenyika, uye achiona hama yake ichishaiwa, ndokumupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari rwunogara sei maari?
18 Shi ahana iriba im, kati ibezi i nyara nihenu in na nyo cas, bezi ni we anyimo atuma nan kadure.
Vana vangu vadiki, ngatirege kuda pashoko kana parurimi, asi pazviito nepachokwadi.
19 A'ana me ani tidi bezi kadure karu, ti kuri ti hem in acce aru ahira Asere.
Uye neizvi tinoziva kuti tiri vechokwadi, uye tichavimbisa moyo yedu pamberi pake.
20 Barki ingi muriba muru ma reki duru, Asere atekin duru ma kuri marusan inko nyani.
Nokuti kana moyo wedu uchitipa mhosva, Mwari mukuru kumoyo wedu, uye anoziva zvinhu zvese.
21 Shi anu tarsa um, ingi daki muriba muru ma rekin duru ba tidi ha ahira Asere unu hem uru.
Vadikanwi, kana moyo wedu usingatipi mhosva, tine chivimbo pamberi paMwari;
22 Tidi kem vat imum me sa ta iko ahira ameme, barki ti tarsa tize ti meme, ta kuri ti ti wuza imum me sa ma nyara.
uye chipi nechipi chatinokumbira, tinogamuchira kubva kwaari, nokuti tinochengeta mirairo yake, uye tinoita zvinhu zvinofadza pamberi pake.
23 U'inko utize Ugomo Asere wazigenne me vat unu tarsa ume ma hem invana umeme Yeso, ti kuri ti hem ina ce aru kasi ubuka Asere.
Uye uyu ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita reMwanakomana wake Jesu Kristu, uye tidanane, sezvaakatipa murairo.
24 Vat unu tarsa utize ta Asere ma ciki anyimo ameme ani. Ana ani ta tinka ma raa anyimo aru, barki bibe biriri sa ma nya duru.
Uye uyo anochengeta mirairo yake anogara maari, naiye maari. Neizviwo tinoziva kuti anogara matiri, kubva paMweya waakatipa.