< Numeri 3 >

1 Or questi sono i discendenti di Aaronne e di Mosè nel tempo in cui l’Eterno parlò a Mosè sul monte Sinai.
Iyi ndiyo nhoroondo yemhuri yaAroni naMozisi panguva iyo Jehovha akataura naMozisi paGomo reSinai.
2 Questi sono i nomi dei figliuoli di Aaronne: Nadab, il primogenito, Abihu, Eleazar e Ithamar.
Mazita avanakomana vaAroni aiva Nadhabhi dangwe rake, naAbhihu, naEreazari naItamari.
3 Tali i nomi dei figliuoli d’Aaronne, che ricevettero l’unzione come sacerdoti e furon consacrati per esercitare il sacerdozio.
Ndiwo akanga ari mazita avanakomana vaAroni, ivo vaprista vakazodzwa, vakanga vagadzwa kuti vashumire savaprista.
4 Nadab e Abihu morirono davanti all’Eterno quand’offrirono fuoco straniero davanti all’Eterno, nel deserto di Sinai. Essi non aveano figliuoli, ed Eleazar e Ithamar esercitarono il sacerdozio in presenza d’Aaronne, loro padre.
Kunyange zvakadaro, Nadhabhi naAbhihu, vakafa pamberi paJehovha panguva yavakaita chipiriso nomoto wakanga usingabvumirwi pamberi pake muRenje reSinai. Vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari chete ndivo vakashumira sevaprista, Aroni baba vavo vachiri vapenyu.
5 E l’Eterno parlò a Mosè, dicendo:
Jehovha akati kuna Mozisi,
6 “Fa’ avvicinare la tribù de’ Leviti e ponila davanti al sacerdote Aaronne, affinché sia al suo servizio.
“Uyisa rudzi rwaRevhi ugovaisa pamberi paAroni muprista kuti vagomubatsira.
7 Essi avranno la cura di tutto ciò che è affidato a lui e a tutta la raunanza davanti alla tenda di convegno e faranno così il servizio del tabernacolo.
Vanofanira kuita mabasa ake uye vagoshandira ungano yose paTende Rokusangana nokubata basa retabhenakeri.
8 Avranno cura di tutti gli utensili della tenda di convegno e di quanto è affidato ai figliuoli d’Israele, e faranno così il servizio del tabernacolo.
Vanofanira kuchengeta midziyo yose yeTende roKusangana, vazadzise mabasa avaIsraeri pakuita kwavo basa retabhenakeri.
9 Tu darai i Leviti ad Aaronne e ai suoi figliuoli; essi gli sono interamente dati di tra i figliuoli d’Israele.
VaRevhi uvape kuna Aroni navanakomana vake; ndivo vaIsraeri vanofanira kupiwa kwaari zvachose.
10 Tu stabilirai Aaronne e i suoi figliuoli, perché esercitino le funzioni del loro sacerdozio; lo straniero che s’accosterà all’altare sarà messo a morte”.
Ugadze Aroni navanakomana vake kuti vagoshumira savaprista; ani zvake mumwewo anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.”
11 E l’Eterno parlò a Mosè, dicendo:
Jehovha akatizve kuna Mozisi,
12 “Ecco, io ho preso i Leviti di tra i figliuoli d’Israele in luogo d’ogni primogenito che apre il seno materno tra i figliuoli d’Israele; e i Leviti saranno miei;
“Ndakatora vaRevhi kubva pakati pavaIsraeri pachinzvimbo chedangwe romukomana rinoberekwa nomukadzi wose weIsraeri. VaRevhi ndevangu,
13 poiché ogni primogenito è mio; il giorno ch’io colpii tutti i primogeniti nel paese d’Egitto, io mi consacrerai tutti i primi parti in Israele, tanto degli uomini quanto degli animali; saranno miei: io sono l’Eterno”.
nokuti matangwe ose ndeangu. Pandakauraya matangwe muIjipiti, ndakazvitsaurira dangwe rimwe nerimwe muIsraeri, angava munhu kana mhuka. Zvinofanira kuva zvangu. Ndini Jehovha.”
14 E l’Eterno parlò a Mosè nel deserto di Sinai, dicendo:
Jehovha akati kuna Mozisi ari murenje reSinai,
15 “Fa’ il censimento de’ figliuoli di Levi secondo le case de’ loro padri, secondo le loro famiglie; farai il censimento di tutti i maschi dall’età d’un mese in su”.
“Verenga vaRevhi nemhuri dzavo uye nedzimba dzavo. Uverenge vanhurume vose vane mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa.”
16 E Mosè ne fece il censimento secondo l’ordine dell’Eterno, come gli era stato comandato di fare.
Saka Mozisi akavaverenga. Sezvaakanga arayirwa neshoko raJehovha.
17 Questi sono i figliuoli di Levi, secondo i loro nomi: Gherson, Kehath e Merari.
Aya ndiwo mazita avanakomana vaRevhi: Gerishoni, Kohati naMerari.
18 Questi i nomi dei figliuoli di Gherson, secondo le loro famiglie: Libni e Scimei.
Aya ndiwo aiva mazita edzimba dzavaGerishoni: Ribhini naShimei.
19 E i figliuoli di Kehath, secondo le loro famiglie: Amram, Jitsehar, Hebron e Uzziel.
Dzimba dzavaKohati: Amurami, Izhari, Hebhuroni naUzieri.
20 E i figliuoli di Merari secondo le loro famiglie: Mahli e Musci. Queste sono le famiglie dei Leviti, secondo le case de’ loro padri.
Dzimba dzavaMerari: Mari naMushi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaRevhi maererano nemhuri dzavo.
21 Da Gherson discendono la famiglia dei Libniti e la famiglia dei Scimeiti, che formano le famiglie dei Ghersoniti.
Kuna Gerishoni ndiko kwaiva nedzimba dzavaRibhini navaShimei; ndivo vakanga vari vedzimba dzavaGerishoni.
22 Quelli de’ quali fu fatto il censimento, contando tutti i maschi dall’età di un mese in su, furono settemila cinquecento.
Kuwanda kwavanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa kwaisvika zviuru zvinomwe, namazana mashanu.
23 Le famiglie dei Ghersoniti avevano il campo dietro il tabernacolo, a occidente.
Vedzimba dzavaGerishoni vaifanira kuvaka misasa nechokumavirira, shure kwetabhenakeri.
24 Il principe della casa de’ padri dei Ghersoniti era Eliasaf, figliuolo di Lael.
Mutungamiri wemhuri yavaGerishoni akanga ari Eriasafi mwanakomana waRaeri.
25 Per quel che concerne la tenda di convegno, i figliuoli di Gherson doveano aver cura del tabernacolo e della tenda, della sua coperta, della portiera all’ingresso della tenda di convegno,
VaGerishoni ndivo vaifanira kuchengeta tabhenakeri netende, zvifukidzo zvaro, chidzitiro chapamukova wokuTende Rokusangana,
26 delle tele del cortile e della portiera dell’ingresso del cortile, tutt’intorno al tabernacolo e all’altare, e dei suoi cordami per tutto il servizio del tabernacolo.
zvidzitiro zvaparuvazhe, chidzitiro chapamukova wokupinda paruvazhe runopoteredza tabhenakeri nearitari, uye netambo, nezvinhu zvose zvaishandiswapo.
27 Da Kehath discendono la famiglia degli Amramiti, la famiglia degli Jitsehariti, la famiglia degli Hebroniti e la famiglia degli Uzzieliti, che formano le famiglie dei Kehathiti.
Kuna Kohati ndiko kwaiva nedzimba dzavaAmiramu, vaIsraeri, vaHebhuroni navaIzhari; ava ndivo vakanga vari vedzimba dzavaKohati.
28 Contando tutti i maschi dall’età di un mese in su, furono ottomila seicento, incaricati della cura del santuario.
Kuwanda kwavanhu vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa kwaisvika zviuru zvisere namazana matanhatu. VaKohati ndivo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene.
29 Le famiglie dei figliuoli di Kehath avevano il campo al lato meridionale del tabernacolo.
VaKohati vaifanira kudzika matende avo nechezasi kwetabhenakeri.
30 Il principe della casa de’ padri dei Kehathiti era Elitsafan, figliuolo di Uzziel.
Mutungamiri wemhuri yedzimba dzavaKohati akanga ari Erizafani mwanakomana waUzieri.
31 Alle loro cure erano affidati l’arca, la tavola, il candelabro, gli altari e gli utensili dei santuario coi quali si fa il servizio, il velo e tutto ciò che si riferisce al servizio del santuario.
Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta areka, tafura, chigadziko chomwenje, aritari, midziyo yomunzvimbo tsvene yaishandiswa pakushumira, chidzitiro, nezvose zvaidiwa pakuzvishandisa.
32 Il principe dei principi dei Leviti era Eleazar, figliuolo del sacerdote Aaronne; egli aveva la sorveglianza di quelli ch’erano incaricati della cura del santuario.
Mutungamiri mukuru wavaRevhi akanga ari Ereazari mwanakomana waAroni, muprista. Ndiye akagadzwa kuti ave pamusoro paavo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene.
33 Da Merari discendono la famiglia dei Mahliti e la famiglia dei Musciti, che formano le famiglie di Merari.
Kuna Merari ndiko kwaiva nedzimba dzavaMari navaMushi; ava ndivo vakanga vari vedzimba dzavaMerari.
34 Quelli di cui si fece il censimento, contando tutti i maschi dall’età di un mese in su, furono seimila duecento.
Kuwanda kwavanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete, kana kupfuura, pakuberekwa avo vakaverengwa, vakanga vachisvika zviuru zvitanhatu, namazana maviri.
35 Il principe della casa de’ padri delle famiglie di Merari era Tsuriel, figliuolo di Abihail. Essi aveano il campo dal lato settentrionale del tabernacolo.
Mutungamiri wemhuri yedzimba dzavaMerari akanga ari Zurieri mwanakomana waAbhihairi; uye ndivo vaifanira kuvaka misasa yavo nechokumusoro kwetabhenakeri.
36 Alle cure dei figliuoli di Merari furono affidati le tavole del tabernacolo, le sue traverse, le sue colonne e le loro basi, tutti i suoi utensili e tutto ciò che si riferisce al servizio del tabernacolo,
VaMerari vakanga vagadzwa kuti vave vachengeti vamatende etabhenakeri, mbariro dzayo, mbiru, hwaro, nhumbi dzayo dzose, nezvinhu zvose zvaishandiswa pamwe chete nazvo,
37 le colonne del cortile tutt’intorno, le loro basi, i loro piuoli e il loro cordame.
pamwe chete nembiru dzinopoteredza ruvazhe nehwaro hwadzo, mbambo dzetende netambo dzadzo.
38 Sul davanti del tabernacolo, a oriente, di faccia alla tenda di convegno, verso il sol levante, avevano il campo Mosè, Aaronne e i suoi figliuoli; essi aveano la cura del santuario in luogo de’ figliuoli d’Israele; lo straniero che vi si fosse accostato sarebbe stato messo a morte.
Mozisi naAroni navanakomana vake vaifanira kudzika misasa yavo nechokumabvazuva kwetabhenakeri, kwakatarisana nokumabudazuva, mberi kweTende Rokusangana. Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene vakamirira vaIsraeri. Ani zvake mumwewo aiswedera panzvimbo tsvene aifanira kuurayiwa.
39 Tutti i Leviti di cui Mosè ed Aaronne fecero il censimento secondo le loro famiglie per ordine dell’Eterno, tutti i maschi dall’età di un mese in su, furono ventiduemila.
Kuwanda kwavaRevhi vakaverengwa pakurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi naAroni maererano nedzimba dzavo, zvichisanganisira vanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa, kwaisvika zviuru makumi maviri nezviviri.
40 E l’Eterno disse a Mosè: “Fa’ il censimento di tutti i primogeniti maschi tra i figliuoli d’Israele dall’età di un mese in su e fa’ il conto dei loro nomi.
Jehovha akati kuna Mozisi, “Verenga matangwe ose avanhurume avaIsraeri ano mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa ugonyora mazita avo.
41 Prenderai i Leviti per me io sono l’Eterno invece di tutti i primogeniti de’ figliuoli d’Israele e il bestiame dei Leviti in luogo dei primi parti del bestiame de’ figliuoli d’Israele”.
Unditorere vaRevhi pachinzvimbo chamatangwe ose avaIsraeri, uye nezvipfuwo zvavaRevhi pachinzvimbo chezvibereko zvokutanga zvose zvezvipfuwo zvavana vavaIsraeri. Ndini Jehovha.”
42 E Mosè fece il censimento di tutti i primogeniti tra i figliuoli d’Israele, secondo l’ordine che l’Eterno gli avea dato.
Saka Mozisi akaverenga matangwe ose avaIsraeri, sezvaakarayirwa naJehovha.
43 Tutti i primogeniti maschi di cui si fece il censimento, contando i nomi dall’età di un mese in su, furono ventiduemila duecentosettantatre.
Kuwanda kwamatangwe avanhurume vaiva nomwedzi mumwe kana kupfuura pakuberekwa vakanyorwa mazita avo, kwaisvika zviuru makumi maviri nezviviri, namazana maviri namakumi manomwe navatatu.
44 E l’Eterno parlò a Mosè, dicendo:
Jehovha akatizve kuna Mozisi,
45 “Prendi i Leviti in luogo di tutti i primogeniti dei figliuoli d’Israele, e il bestiame de’ Leviti in luogo del loro bestiame; e i Leviti saranno miei. Io sono l’Eterno.
“Tora vaRevhi pachinzvimbo chamatangwe ose eIsraeri, uye zvipfuwo zvavaRevhi pachinzvimbo chezvipfuwo zvavo. VaRevhi vanofanira kuva vangu. Ndini Jehovha.
46 Per il riscatto dei duecentosettantatre primogeniti dei figliuoli d’Israele che oltrepassano il numero dei Leviti,
Kuti udzikinure mazana maviri namakumi manomwe navatatu vamatangwe avaIsraeri,
47 prenderai cinque sicli a testa; li prenderai secondo il siclo dei santuario, che è di venti ghere.
unofanira kutora mashekeri mashanu kubva kuno mumwe nomumwe wavo maererano namashekeri enzvimbo tsvene, anorema magera makumi maviri.
48 Darai il danaro ad Aaronne e ai suoi figliuoli per il riscatto di quelli che oltrepassano il numero dei Leviti”.
Upe mari yokudzikinurwa kwavaIsraeri vanopfuura uwandu hunodiwa kuna Aroni navanakomana vake.”
49 E Mosè prese il danaro per il riscatto di quelli che oltrepassavano il numero dei primogeniti riscattati dai Leviti;
Saka Mozisi akatora mari yedzikinuro kubva kuna vakanga vapfuurira uwandu hwavaya vakanga vadzikinurwa navaRevhi.
50 prese il danaro dai primogeniti dei figliuoli d’Israele: milletrecento sessantacinque sicli, secondo il siclo del santuario.
Kubva kumatangwe eIsraeri akatora sirivha yairema chiuru chimwe, namazana matatu namakumi matanhatu namashanu amashekeri, maererano neshekeri renzvimbo tsvene.
51 E Mosè dette il danaro del riscatto ad Aaronne e ai suoi figliuoli, secondo l’ordine dell’Eterno, come l’Eterno aveva ordinato a Mosè.
Mozisi akapa mari yedzikinuro kuna Aroni navanakomana vake, sezvaakanga arayirwa neshoko raJehovha.

< Numeri 3 >