< Ebrei 12 >
1 PERCIÒ, ancor noi, avendo intorno a noi un cotanto nuvolo di testimoni, deposto ogni fascio, e il peccato che è atto a dar[ci] impaccio, corriamo con perseveranza il palio propostoci,
Naizvozvo nesu tine gore rezvapupu rakatikomberedza, ngatibvise mutoro wese nechivi chinonamatira nyore, ngatimhanye nemoyo murefu nhangemutange yatakaisirwa,
2 riguardando a Gesù, capo, e compitor della fede; il quale, per la letizia che gli era posta innanzi, sofferse la croce, avendo sprezzato il vituperio; e si è posto a sedere alla destra del trono di Dio.
takatarira kuna Jesu, muvambi nemupedzeredzi werutendo, iye nekuda kwemufaro waakaisirwa, wakatsunga pamuchinjikwa, achizvidza kunyadziswa, akagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe chaMwari.
3 Perciocchè, considerate attentamente [chi è] colui che sostenne una tal contradizione de' peccatori contro a sè; acciocchè, venendo meno nell'animo, non siate sopraffatti.
Nokuti cherekedzai iye wakatsunga pagakava rakadai revatadzi vachimirisana naye, kuti murege kuneta, muchipera simba pamweya yenyu.
4 Voi non avete ancora contrastato fino al sangue, combattendo contro al peccato.
Muchigere kupikisa kusvikira muropa muchirwa nechivi;
5 Ed avete dimenticata l'esortazione, che vi parla come a figliuoli: Figliuol mio, non far poca stima del castigamento del Signore, e non perdere animo, quando tu sei da lui ripreso.
uye makakanganwa kurudziro inokurukura kwamuri sekuvana ichiti: Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaIshe, kana kupera simba kana uchitsiurwa naye.
6 Perciocchè il Signore castiga chi egli ama, e flagella ogni figliuolo ch'egli gradisce.
Nokuti Ishe anoranga waanoda, nekushapura mwanakomana umwe neumwe waanogamuchira.
7 Se voi sostenete il castigamento, Iddio si presenta a voi come a figliuoli; perciocchè, quale è il figliuolo, che il padre non castighi?
Kana muchitsunga pakurangwa, Mwari anokubatai sevanakomana; nokuti mwanakomana ndeupi baba wavasingarangi?
8 Che se siete senza castigamento, del qual tutti hanno avuta la parte loro, voi siete dunque bastardi, e non figliuoli.
Asi kana musina kurangwa, pavanoitwa vagovani vese, naizvozvo muri vana veupombwe, uye kwete vanakomana.
9 Oltre a ciò, ben abbiamo avuti per castigatori i padri della nostra carne, e pur [li] abbiam riveriti; non ci sottoporremo noi molto più al Padre degli spiriti, e viveremo?
Uyezve takambova nemadzibaba enyama yedu aidzora, uye tikavakudza; ko, hatingazviisi zvikurusa pasi paBaba vemweya tigorarama here?
10 Poichè quelli, per pochi giorni, come parea loro, [ci] castigavano; ma questo [ci castiga] per util [nostro], acciocchè siamo partecipi della sua santità.
Nokuti ivo zvimwe vakatiranga kwemazuva mashoma, semaonero avo; asi iye anotirangira kubatsirwa, kuti tigoverane utsvene hwake.
11 Or ogni castigamento par bene per l'ora presente non esser d'allegrezza anzi di tristizia; ma poi rende un pacifico frutto di giustizia a quelli che sono stati per esso esercitati.
Zvino kuranga kwese kunoenda pakuvapo hakuratidzi sekwekufadza, asi kwekushungurudza; zvakadaro pashure kunobereka zvibereko zverugare zvakarurama kune vakarovedzwa mazviri.
12 PERCIÒ, ridirizzate le mani rimesse, e le ginocchia vacillanti.
Naizvozvo simbisai maoko akaremberera pasi nemabvi asina simba;
13 E fate diritti sentieri a' piedi vostri; acciocchè ciò che è zoppo non si smarrisca dalla via, anzi più tosto sia risanato.
uye gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi panzvimbo yeizvozvo chiporeswe.
14 Procacciate pace con tutti, e la santificazione, senza la quale niuno vedrà il Signore.
Tevererai rugare nevese, neutsvene, kunze kwezvizvi hakuna munhu achaona Ishe.
15 Prendendo guardia che niuno scada dalla grazia di Dio; che radice alcuna d'amaritudine, germogliando in su, non [vi] turbi; e che per essa molti non sieno infetti.
Muchichenjerera kuti kurege kuva nemunhu anokundikana panyasha dzaMwari; kuti zvimwe mudzi wekuvava urege kukura kuzopa dambudziko, uye nawo vazhinji vasvibiswe;
16 Che niuno [sia] fornicatore, o profano, come Esaù, il quale, per una vivanda, vendette la sua ragione di primogenitura.
ngakurege kuva neumwe anova mhombwe kana asina hanya naMwari, saEsau, wakatengesa udangwe hwake nekudya kumwe.
17 Poichè voi sapete che anche poi appresso, volendo eredar la benedizione, fu riprovato; perciocchè non trovò luogo a pentimento, benchè richiedesse quella con lagrime.
Nokuti munoziva kuti pashurewo, oda kugara nhaka yekuropafadzwa, wakarambwa; nokuti haana kuwana nzvimbo yekutendeuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi.
18 Imperocchè voi non siete venuti al monte che si toccava con la mano, ed al fuoco acceso, ed al turbo, ed alla caligine, ed alla tempesta;
Nokuti hamuna kuuya kugomo ringabatwa, nerinopfuta moto, uye kurima, nekusviba, nekudutu remhepo,
19 ed al suon della tromba, ed alla voce delle parole, la quale coloro che l'udirono richiesero che non fosse loro più parlato.
uye kurira kwehwamanda, nenzwi remashoko; iro ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rirege kuchitaurwa kwavari;
20 Perciocchè non potevano portare ciò che era ordinato: che se pure una bestia toccasse il monte, fosse lapidata o saettata.
nokuti vakakonewa kutakura icho chakange charairwa, chekuti: Kana kunyange mhuka ikabata gomo, ichatakwa nemabwe, kana kufurwa nemuseve;
21 E (tanto era spaventevole ciò che appariva) Mosè disse: Io son tutto spaventato e tremante.
uye, chakaonekwa chaityisa kudai, Mozisi wakati: Ndinovhunduka, ndinodedera.
22 Anzi voi siete venuti al monte di Sion, ed alla Gerusalemme celeste, [che è] la città dell'Iddio vivente; ed alle migliaia degli angeli;
Asi mauya kugomo reZiyoni, nekuguta raMwari mupenyu, kuJerusarema rekudenga, nekumazana evatumwa vasingaverengeki,
23 all'universal raunanza, ed alla chiesa de' primogeniti scritti ne'cieli; e a Dio, giudice di tutti; ed agli spiriti de' giusti compiuti.
kuungano huru nekereke yematangwe akanyorwa kumatenga, nekuna Mwari mutongi wevese, nekumweya yevakarurama vakapereredzwa,
24 Ed a Gesù mediatore del nuovo patto; ed al sangue dello spargimento, che pronunzia cose migliori che [quello di] Abele.
nekuna Jesu murevereri wesungano itsva, nekuropa rekusasa, rinotaura zvinhu zviri nani pane raAbhero.
25 Guardate che non rifiutiate colui che parla; perciocchè, se quelli non iscamparono, avendo rifiutato colui che rendeva gli oracoli sopra la terra; quanto meno [scamperemo] noi, se rifiutiamo colui [che parla] dal cielo?
Chenjerai kuti murege kuramba uyo anotaura. Nokuti kana vasina kupukunyuka ivo vakaramba iye wakataura panyika zvinobva kuna Mwari, zvikuru sei isu kana tichifuratira iye anobva kumatenga;
26 La cui voce allora commosse la terra; ma ora egli ha dinunziato, dicendo: Ancora una volta io commoverò, non sol la terra, ma ancora il cielo.
iye inzwi rake rakazungunusa nyika nguva iyo, asi ikozvino wakavimbisa, achiti: Kamwe chetezve ini ndichazungunusa kwete nyika chete, asi nedenga.
27 Or quello: Ancora una volta, significa il sovvertimento delle cose commosse, come [essendo state] fatte; acciocchè quelle che non si commovono dimorino ferme.
Uye izvi zvekuti: Kamwe chetezve, zvinoratidza kutamiswa kwezvinhu zvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti zvisingazungunuki zvigare.
28 Perciocchè, ricevendo il regno che non può esser commosso riteniamo la grazia, per la quale serviamo gratamente a Dio, con riverenza, e timore.
Naizvozvo zvatinogamuchira ushe husingazununguswi, ngative nenyasha dzatingashumira nadzo Mwari zvinogamuchirika pamwe nekukudza nekutya Mwari.
29 Perciocchè anche l'Iddio nostro [è] un fuoco consumante.
Nokutiwo Mwari wedu moto unoparadza.