< Matayo 21 >

1 U Yesu neamanyisigwa akwa ekapika pakupi ne Yelusalemu hange ekalongola sunga kuBethfage, kulugulu nuka mezeituni, hange u Yesu wihaatuma iamanyisigwa abiili.
Vakati vachiswedera kuJerusarema, vasvika kuBhetifage pagomo reMiorivhi, ipapo Jesu akatuma vadzidzi vaviri,
2 Wikaaila, longoli kukesale nekakunlongeela, sunga mukumiona ndogwe etungilwe palungwanso, nung'wa ndogwa palung'wi nuyo. Itungueli nukuileta kung'waane.
achiti kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, nedhongwana rinayo; sunungurai, muuyise kwandiri.
3 Anga muntu wihi wamuila kehi kua nelanso, mukulunga, 'Mukulu uitakile,' numuntu nuanso ukukaya kumugimbwa mize palung'wi nizo.
Kana ani nani achitaura chinhu kwamuri, muchati: Ishe anozvida; pakarepo achazvitumira.
4 Ikani nelanso inge ilo naelekeiye kuanyahedagu kusinja ligeelekele. Wikaaila.
Izvozvi zvese zvakaitika, kuti zvizadziswe zvakataurwa nemuporofita, achiti:
5 Aeli iana akisungu akasayuni, egoza, umutimi wako upembilye kung'waanyu, mupolo hange unaulie mundogwe, nung'wa ndogwe mugoha, ng'wa ndogwe mudabu.
Udzai mukunda weZiyoni: Tarira Mambo wako anouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, nedhongwana, mwana wechipfuwo chemutoro.
6 Hange iamanyisigwa ekalongola ekituma anga u Yesu naualagiiye.
Vadzidzi vakaenda, vakaita Jesu sezvaakavaraira,
7 Ikamualeta undogwe nu ng'waa ndogwe, nukueka iang'wenda migulyaao, nu Yesu wikikie nung'wanso.
vakauisa mbongoro nedhongwana, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pazvo; vakamugadza pamusoro pazvo.
8 Iidu mumilundo ekaila iangwenda ao munzila niauye ehatema imatambi kupuma mumahota nukaile munzila.
Chaunga chikuru kwazvo chikawarira nguvo dzacho munzira; vamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira.
9 Iumbi naelemutongee u Yesu nawa naiamulyatile iha hulya mduli, nukulunga, ''Hosana kung'wana wang'wa Daudi! Ukembelilwe uzile kulima lamukulu; Hosana migulwa kukila.
Zvaunga zvakange zvakamutungamirira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana kuMwanakomana waDavhidhi! Wakaropafadzwa iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusoro-soro!
10 U Yesu paekapika kuYelusalemu, kesale kehi kekitumba nukulunga, ''Uyu nyenyu?
Wakati apinda muJerusarema, guta rese rikazungunuswa, richiti: Ndiani uyu?
11 Iumbe lekalunga, ''Uyu Yesu munyakidagu, kupuma kunazaleti akuGalilaya.
Zvaunga zvikati: Uyu ndiJesu muporofita weNazareta reGarirea.
12 Hange u Yesu wekingela mitekeelo ( ang'wi Tunda. Akaazunsa ehi hunzi naiakugulya nukugula mitekeelo. Wekapeula ga numeza neyaantu nae akukaila impia ne maintu naagulya nkume.
Zvino Jesu wakapinda mutembere yaMwari, akadzingira vese vaitengesa nevaitenga mutembere, akapidigura matafura evaitsinhanha mari, nezvigaro zvevaitengesa njiva.
13 Wikaaila, ''Iandekile, ''Ito lane lekutula ito nelakulompela, kuite unyenye mametenda ikulungu laii.
Akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yemunyengetero; asi imwi munoiita bako remakororo.
14 Hange iapulu nea kilele ika miziila mitekeelo, nung'wenso wikaakomya.
Zvino kwakauya kwaari mapofu nevaikamhina mutembere; akavaporesa.
15 Kuite kumatungo eakulu amakuhani neaandeki naiaine imakula naumiyumi, hange naeigule iang'enya ahuzugalya mitekeelo nukulunga, ''Hosana ng'wana wang'wa Daudi, ''ihaambwa makuo.
Asi vapristi vakuru nevanyori vakati vachiona zvinhu zvinoshamisa zvaakange achiita, nevana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! vakatsamwa,
16 Ikamuila, ''Wigulene nehe kulambulwa neantu awa? U Yesu wikaaila, ''Ee! kuite muikele kusoma, kupuma mumelomo ang'enya neadabu neakankamukete likimo lupikile.
vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivava here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongoverenga here, kuti: Mumuromo mavacheche nevanoyamwa makapedzeredza rumbidzo?
17 Hange u Yesu wikaaleka nuikulongola kunzi nakisale mu Bethania nukulala kuko.
Akavasiya, akabuda panze peguta, achienda Bhetaniya, ndokurarapo.
18 Ikedaudau nausukile mukesali, aeukete nzala.
Kuzoti mangwanani-ngwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.
19 Wikaleona ikota mumpelompelo anzila. Wikalehanga, kuite shanga wikalya angakentu, mung'wanso inge ematutu du. Akauele, Itule tile inkali kung'waako lukulu hange. ''Hange itungu lelo imtini wekuma (aiōn g165)
Zvino wakati achiona umwe muonde panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha chete; akati kwauri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri kusvikira narinhi. Pakarepo muonde ukasvava. (aiōn g165)
20 Amanyisigwa akwe naiaine, ikakulwa nukulunga, yatuleka ule umtini wuma nkua eng'wi?
Vadzidzi vakati vachiona, vakashamisika, vachiti: Muonde wasvava pakarepo sei?
21 U Yesu wikasusha nukulunga, ''Tai kumuila, ang'wi mihutula nuuhueli muleke kuailya, shanga mukituma eke nekitumilwe kumtini udu, kuite mukuuila ate ulugulu, uholwe ugung'we mubahali, yukutula.
Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nerutendo, musiri vasina chokwadi, hamungaiti izvi kumuonde chete, asi kunyange kana mukati kugomo iri: Simudzwa ukandirwe mugungwa; zvichaitwa.
22 Kehi nemukulompa kusola, kunu eze muhuie mukusengiilya.
Nezvese zvipi nezvipi zvamunokumbira mumunyengetero, kana muchitenda, muchazvigamuchira.
23 U Yesu naupikile mutekeelo, akulu amakuhane anyampala antu ekamuhanga imalungo naukumanyisa nukukolya, kuuhumi ke ukituma imakani aya? Hange nyenyu nukupee uhumi uwu?
Wakati apinda mutembere, vapristi vakuru nevakuru vevanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?
24 U Yesu wihasusha nukuaila, nunene hange kumukolya ikolyo nen'wi. Ang'wi mukumbila, nunene uu kumuila kuuhumi ke nekituma imakani aya.
Jesu akapindura akati kwavari: Neni ndichakubvunzai shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzai kuti ndinoita izvi nesimba ripi.
25 Ubadisigwa nuang'wa Yohana aeupumile pee, kulumdane ang'wi kuantu? Ikiholya ienso, akalunga, anga kulunge, aeupumile kilunde ukuuila, nehe mukahita kuhuila?
Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabvepi? Kudenga here kana kuvanhu? Zvino vakataurirana pakati pavo vachiti: Kana tikati: Kudenga; uchati kwatiri: Saka sei musina kumutenda?
26 Kuite anga kulunge, aeupumile kuantu, ''kogopile imaumbie, kunsoko ehi aine uYohana kena munyakedagu.''
Asi kana tikati: Kuvanhu; tinotya chaunga; nokuti vese vakatora Johwani semuporofita.
27 Hange ekasusha kung'wa Yesu nukulunga, ''Shakuine'' Nung'wenso wikaaila gwa, ''Nunene singa kumuila kuushumi he kituma emakani aya.
Vakapindura Jesu vakati: Hatizivi. Iye ndokuti kwavari: Neni handingakuudziyi simba randinoita naro izvi.
28 Kuite mukusinga ntuni? Umuntu nukete iama abiili Wikenda kung'wi nukumuila, Ng'waane, longola witume umulemo mumugunda nuamezabebu.
Zvino munofungei? Munhu waiva nevanakomana vaviri; akauya kune wekutanga, akati: Mwana, enda nhasi unobata mumunda wangu wemizambiringa.
29 Lelo, ''Ung'wana wikasusha nukulunga, shaninzuu, kuite panyambele wikakaila imasigo akwe nukulongola.
Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akatendeuka akaenda.
30 Nu muntu nuanso wikalongola kung'wana nuanso akasusha nukulunga ninzuu, Mukulu, huite shanga wekenda.
Akaenda kune wechipiri akataura saizvozvo. Iye akapindura akati: Ndinoenda, ishe; akasaenda.
31 Nuule kuawa neabiili nuilumile anga nuTata wakwe nauloilwe? Ikalunga, ''Ng'wana nuangwandyo'' U Yesu wikaaila, ''Itai kumuila, iamanangwa neakosi ahingela muutemi wang'wi Tunda kuleka hanza unyenye hingela.
Ndeupi pavaviri akaita kuda kwababa? Vakati kwaari: Wekutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari.
32 Kundogoilyo u Yohana auzile kitalanyu kunzila nenguloku, kuite singa meka muhuela, mutungo ia manangwa nea kosi akamuhuela. Nu nyenye naimuine nelanso lekole, shanga mekaungana nsoko mieka mumuluile.
Nokuti Johwani akauya kwamuri nenzira yekururama, mukasamutenda; asi vateresi nezvifeve vakamutenda, asi imwi makati muchiona, hamuna kutendeuka shure kwaizvozvi kuti mumutende.
33 Tegeeli ikilingasiilo nekiuya, aukule muntu, umuntu aukele ieneo ikulu nelihi. Auteme imizabibu, unkakitiila, wikazipya nihiseme nekakukamula imagai, akazenga numuhala nualindi nukuliliha kuagaza zabibu. Hange wekenda kehengiza.
Inzwai umwe mufananidzo. Kwaiva neumwe munhu, mwene weimba, wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini mauri, akavaka shongwe, akauhaisa kuvarimi, akaenda kunze kwenyika.
34 Imatungu amaogola amizabibu naeuhugee, wikaatuma atuungwa ang'wi, Umuya ekamubulega, nu muya ung'wi ikamukua namagwe.
Kuzoti nguva yezvibereko yaswedera, akatuma varanda vake kuvarimi kuti vagamuchire zvibereko zvake.
35 Kuite awe neelima izabibu ikazihola eihimi akwe, ihamuhua ung'wi, Umuiye eka mubalaga, nu muya ung'wi ikamukua namagwe.
Asi varimi vakabata varanda vake, umwe vakarova, umwe vakauraya, umwe vakataka nemabwe.
36 Kumkua nengiza, umugole wikaatuma atungwi angiza, eeelu kukila awa neangwandyo, huite awa neelima akaaleda hange wudu.
Akatumazve vamwe varanda vazhinji kune vekutanga; vakavaitira saizvozvo.
37 Nai akahila nanso umuhulu nuanso akamutuma latalao uug'waalawe nukulunga, ahumukulyaumngwane.
Asi pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti: Vacharemekedza mwanakomana wangu.
38 Kuite awa neelma emezabibu naeamwine umuhumba nuanso, Akiela, Uyu musali, Nzii, kumbulage nukuhola uusali.
Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuurayeyi tibate nhaka yake.
39 Uu ekamuhola, ekamugume kunzi na mugunda nua mizabibu nukumubulaga.
Zvino vakamubata vakaposhera panze kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya.
40 Itee umukola mugunda nua mizabibu nuzile, utenda uli ialemi amezabibu?
Naizvozvo kana mwene wemunda wemizambiringa achisvika, uchaitei kuvarimi avo?
41 Ikamuila, ''Ukuabipya iantu nuanso abi kunzila aulaki kukila, ne hange ukusalisha umugunda nua mizabibu kulumiangeza, iantu neahuli pa kunzila amezabibu neakahonda''.
Vakati kwaari: Achaparadza zvakaipa ava vakaipa, akahaisa vamwe varimi munda wemizambiringa, vachamupa zvibereko nenguva dzazvo.
42 U Yesu wikaaila '' Shamusomilene numaandeko,' Igwe nealatulile iaashi naina igwa ikulu nelaukundeki, Ile lepumile kumukulu, hange ukuleta ikuilwa kumiho iluu?
Jesu akati kwavari: Hamuna kutongoverenga here pamagwaro panoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakava musoro wekona; kubva kuna Ishe izvi zvaitika zvinoshamisa pameso edu?
43 Uu kumuila, Utemi wang'wi Tunda ukuholwa kupuma kitalanyu nukupegwa ihe nekee inkali yalawe.
Naizvozvo ndinoti kwamuri: Ushe hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri, hukapiwa kurudzi rwunobereka zvibereko zvahwo.
44 Wehi nuekagwa nugwe nelanso ukubungwa ninoo. Kuite kuehi nelelumugwila, lekumusia.
Uye anowira pamusoro pebwe iri, achavhunikanya; asi pane upi neupi warinowira richamukuya.
45 Ikulu amakuhani nea mafalisayo naeakija ilingasilyo yakwe, ikaona kena akulambulwa enso.
Vapristi vakuru neVaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti anotaura nezvavo.
46 Kuite kela naealoilwe kugoola mikono migulya lakwe, akagopa umilundo, kunsoko iantu aeamugozile anga munyakidagu.
Zvino vakati vachitsvaka kumubata vakatya zvaunga nokuti vaimutora semuporofita.

< Matayo 21 >