< गिनती 27 >

1 तब यूसुफ के पुत्र मनश्शे के वंश के कुलों में से सलोफाद, जो हेपेर का पुत्र, और गिलाद का पोता, और मनश्शे के पुत्र माकीर का परपोता था, उसकी बेटियाँ जिनके नाम महला, नोवा, होग्ला, मिल्का, और तिर्सा हैं वे पास आईं।
Vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, vakanga vari vemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa. Mazita avanasikana akanga ari: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiza.
2 और वे मूसा और एलीआजर याजक और प्रधानों और सारी मण्डली के सामने मिलापवाले तम्बू के द्वार पर खड़ी होकर कहने लगीं,
Vakasvika pamukova weTende Rokusangana vakamira pamberi paMozisi, naEreazari muprista, vatungamiri, neungano yose, vakati,
3 “हमारा पिता जंगल में मर गया; परन्तु वह उस मण्डली में का न था जो कोरह की मण्डली के संग होकर यहोवा के विरुद्ध इकट्ठी हुई थी, वह अपने ही पाप के कारण मरा; और उसके कोई पुत्र न था।
“Baba vedu vakafira murenje. Vakanga vasiri pakati pavateveri vaKora, avo vakabatana pamwe chete kuti vamukire Jehovha, asi vakafira chivi chavowo vakasasiya vanakomana.
4 तो हमारे पिता का नाम उसके कुल में से पुत्र न होने के कारण क्यों मिट जाए? हमारे चाचाओं के बीच हमें भी कुछ भूमि निज भाग करके दे।”
Ko, zita rababa vedu ragoshayikwa seiko pamhuri yavo, nokuti vakanga vasina mwanakomana here? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.”
5 उनकी यह विनती मूसा ने यहोवा को सुनाई।
Saka Mozisi akasvitsa nyaya yavo pamberi paJehovha
6 यहोवा ने मूसा से कहा,
Uye Jehovha akati kwaari,
7 “सलोफाद की बेटियाँ ठीक कहती हैं; इसलिए तू उनके चाचाओं के बीच उनको भी अवश्य ही कुछ भूमि निज भाग करके दे, अर्थात् उनके पिता का भाग उनके हाथ सौंप दे।
“Zvinorehwa navanasikana vaZerofehadhi ndezvechokwadi. Zvirokwazvo unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo ugodzorera nhaka yababa vavo kwavari.
8 और इस्राएलियों से यह कह, ‘यदि कोई मनुष्य बिना पुत्र मर जाए, तो उसका भाग उसकी बेटी के हाथ सौंपना।
“Uti kuvaIsraeri, ‘Kana murume akafa akasasiya mwanakomana, munofanira kudzorera nhaka yake kumwanasikana wake.
9 और यदि उसके कोई बेटी भी न हो, तो उसका भाग उसके भाइयों को देना।
Kana asina mwanasikana, mupe nhaka yake kumadzikoma ake kana vanunʼuna vake.
10 १० और यदि उसके भाई भी न हों, तो उसका भाग चाचाओं को देना।
Kana asina madzikoma kana vanunʼuna, mupe nhaka yake kuvanunʼuna kana madzikoma ababa vake.
11 ११ और यदि उसके चाचा भी न हों, तो उसके कुल में से उसका जो कुटुम्बी सबसे समीप हो उनको उसका भाग देना कि वह उसका अधिकारी हो। इस्राएलियों के लिये यह न्याय की विधि ठहरेगी, जैसे कि यहोवा ने मूसा को आज्ञा दी।’”
Kana baba vake vasina madzikoma kana vanunʼuna, mupe nhaka yake kuhama yepedyo yomumhuri yake, kuti ive yake. Uyu unofanira kuva mutemo kuvaIsraeri, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.’”
12 १२ फिर यहोवा ने मूसा से कहा, “इस अबारीम नामक पर्वत के ऊपर चढ़कर उस देश को देख ले जिसे मैंने इस्राएलियों को दिया है।
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira pamusoro pegomo iri romuAbharimi ugoona nyika yandakapa vaIsraeri.
13 १३ और जब तू उसको देख लेगा, तब अपने भाई हारून के समान तू भी अपने लोगों में जा मिलेगा,
Mushure mokunge waona, newewo uchasanganiswa navanhu vokwako, sezvakaita Aroni mukoma wako,
14 १४ क्योंकि सीन नामक जंगल में तुम दोनों ने मण्डली के झगड़ने के समय मेरी आज्ञा को तोड़कर मुझसे बलवा किया, और मुझे सोते के पास उनकी दृष्टि में पवित्र नहीं ठहराया।” (यह मरीबा नामक सोता है जो सीन नामक जंगल के कादेश में है)
nokuti ungano payakandimukira pamvura yomuRenje reZini, mose muri vaviri hamuna kuteerera murayiro wangu kuti mundiremekedze somutsvene pamberi pavo.” (Iyi ndiyo mvura yapaMeribha Kadheshi, muRenje reZini.)
15 १५ मूसा ने यहोवा से कहा,
Mozisi akati kuna Jehovha,
16 १६ “यहोवा, जो सारे प्राणियों की आत्माओं का परमेश्वर है, वह इस मण्डली के लोगों के ऊपर किसी पुरुष को नियुक्त कर दे,
“Jehovha, Mwari wemweya yamarudzi ose avanhu, ngaagadze murume pamusoro peungano iyi
17 १७ जो उसके सामने आया-जाया करे, और उनका निकालने और बैठानेवाला हो; जिससे यहोवा की मण्डली बिना चरवाहे की भेड़-बकरियों के समान न रहे।”
kuti abude nokupinda pamberi pavo, uyo achavabudisa nokuvapinza, kuti vanhu vaJehovha varege kuva samakwai asina mufudzi.”
18 १८ यहोवा ने मूसा से कहा, “तू नून के पुत्र यहोशू को लेकर उस पर हाथ रख; वह तो ऐसा पुरुष है जिसमें मेरा आत्मा बसा है;
Saka Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora Joshua mwanakomana waNuni, murume ano mweya maari, ugoisa ruoko rwako pamusoro pake.
19 १९ और उसको एलीआजर याजक के और सारी मण्डली के सामने खड़ा करके उनके सामने उसे आज्ञा दे।
Unofanira kumumisa pamberi paEreazari muprista napamberi peungano yose ugomurayira pamberi pavo.
20 २० और अपनी महिमा में से कुछ उसे दे, जिससे इस्राएलियों की सारी मण्डली उसकी माना करे।
Umupe rimwe simba rako kuti ungano yose yavaIsraeri igomuteerera.
21 २१ और वह एलीआजर याजक के सामने खड़ा हुआ करे, और एलीआजर उसके लिये यहोवा से ऊरीम की आज्ञा पूछा करे; और वह इस्राएलियों की सारी मण्डली समेत उसके कहने से जाया करे, और उसी के कहने से लौट भी आया करे।”
Anofanira kumira pamberi paEreazari muprista, uyo achamubvunzira pamberi paJehovha nokutonga kweUrimi. Pakurayira kwake, vanofanira kubuda iye neungano yose yavaIsraeri uye pakurayira kwake ivo vachapinda.”
22 २२ यहोवा की इस आज्ञा के अनुसार मूसा ने यहोशू को लेकर, एलीआजर याजक और सारी मण्डली के सामने खड़ा करके,
Mozisi akaita sezvaakarayirwa naJehovha. Akatora Joshua akamumisa pamberi paEreazari muprista napamberi peungano yose.
23 २३ उस पर हाथ रखे, और उसको आज्ञा दी जैसे कि यहोवा ने मूसा के द्वारा कहा था।
Ipapo akaisa maoko ake pamusoro pake akamurayira, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

< गिनती 27 >