< यहेजकेल 43 >

1 फिर वह पुरुष मुझ को उस फाटक के पास ले गया जो पूर्वमुखी था।
Ipapo murume uya akandiuyisa kusuo rakatarisa kumabvazuva,
2 तब इस्राएल के परमेश्वर का तेज पूर्व दिशा से आया; और उसकी वाणी बहुत से जल की घरघराहट सी हुई; और उसके तेज से पृथ्वी प्रकाशित हुई।
uye ndakaona kubwinya kwaMwari waIsraeri kuchibva kumabvazuva. Inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji, uye pasi pakapenya nokubwinya kwake.
3 यह दर्शन उस दर्शन के तुल्य था, जो मैंने उसे नगर के नाश करने को आते समय देखा था; और उस दर्शन के समान, जो मैंने कबार नदी के तट पर देखा था; और मैं मुँह के बल गिर पड़ा।
Chiratidzo chandakaona chakanga chakaita sechiratidzo chandakanga ndamboona paakauya kuzoparadza guta uye nechiratidzo chandakaona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu.
4 तब यहोवा का तेज उस फाटक से होकर जो पूर्वमुखी था, भवन में आ गया।
Kubwinya kwaJehovha kwakapinda mutemberi napasuo rakanangana nokumabvazuva.
5 तब परमेश्वर के आत्मा ने मुझे उठाकर भीतरी आँगन में पहुँचाया; और यहोवा का तेज भवन में भरा था।
Ipapo mweya wakandisimudza ukandiisa muruvazhe rwomukati, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi.
6 तब मैंने एक जन का शब्द सुना, जो भवन में से मुझसे बोल रहा था, और वह पुरुष मेरे पास खड़ा था।
Murume uya achakamira pandiri, ndakanzwa mumwe achiti kwandiri ari mukati metemberi. Akati kwandiri,
7 उसने मुझसे कहा, “हे मनुष्य के सन्तान, यहोवा की यह वाणी है, यह तो मेरे सिंहासन का स्थान और मेरे पाँव रखने की जगह है, जहाँ मैं इस्राएल के बीच सदा वास किए रहूँगा। और न तो इस्राएल का घराना, और न उसके राजा अपने व्यभिचार से, या अपने ऊँचे स्थानों में अपने राजाओं के शवों के द्वारा मेरा पवित्र नाम फिर अशुद्ध ठहराएँगे।
“Mwanakomana womunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu choushe nenzvimbo yechitsiko chetsoka dzangu. Ndipo pandichagara ndiri pakati pavaIsraeri nokusingaperi. Imba yaIsraeri haichazosvibisizve zita rangu dzvene kunyange ivo kana madzimambo avo, noufeve hwavo uye zvifananidzo zvamadzimambo avo, zvisina upenyu panzvimbo dzavo dzakakwirira.
8 वे अपनी डेवढ़ी मेरी डेवढ़ी के पास, और अपने द्वार के खम्भे मेरे द्वार के खम्भों के निकट बनाते थे, और मेरे और उनके बीच केवल दीवार ही थी, और उन्होंने अपने घिनौने कामों से मेरा पवित्र नाम अशुद्ध ठहराया था; इसलिए मैंने कोप करके उन्हें नाश किया।
Pavakaisa chikumbaridzo mujinga mechikumbaridzo changu namagwatidziro pajinga pegwatidziro rangu pachingova norusvingo pakati pangu naivo, vakasvibisa zita rangu dzvene nezvinonyangadza zvavakaita. Saka ndakavaparadza mukutsamwa kwangu.
9 अब वे अपना व्यभिचार और अपने राजाओं के शव मेरे सम्मुख से दूर कर दें, तब मैं उनके बीच सदा वास किए रहूँगा।
Zvino ngavarashire ufeve hwavo kure nezvifananidzo zvavo zvisina upenyu zvamadzimambo avo, ipapo ndichagara pakati pavo nokusingaperi.
10 १० “हे मनुष्य के सन्तान, तू इस्राएल के घराने को इस भवन का नमूना दिखा कि वे अपने अधर्म के कामों से लज्जित होकर उस नमूने को मापें।
“Mwanakomana womunhu, rondedzera nezvetemberi kuvanhu veIsraeri, kuti vanyare pamusoro pezvivi zvavo. Ngavarangarire urongwa hwayo,
11 ११ यदि वे अपने सारे कामों से लज्जित हों, तो उन्हें इस भवन का आकार और स्वरूप, और इसके बाहर भीतर आने-जाने के मार्ग, और इसके सब आकार और विधियाँ, और नियम बतलाना, और उनके सामने लिख रखना; जिससे वे इसका सब आकार और इसकी सब विधियाँ स्मरण करके उनके अनुसार करें।
uye kana vachinyara pamusoro pezvavakaita zvose, uvazivise magadzirirwo etemberi, nourongwa hwayo, panobudiwa napo napanopindwa napo, mamiriro ayo ose nemitemo yayo yose uye mirayiro yayo. Unyore izvi pamberi pavo kuti vagova vakatendeka kumagadzirirwo ayo vagotevera mitemo yayo yose.
12 १२ भवन का नियम यह है कि पहाड़ की चोटी के चारों ओर का सम्पूर्ण भाग परमपवित्र है। देख भवन का नियम यही है।
“Uyu ndiwo murayiro wetemberi: Nzvimbo dzose dzakapoteredza dziri pamusoro pegomo dzichava tsvene-tsvene. Ndiwo murayiro wetemberi iwoyu.
13 १३ “ऐसे हाथ के माप से जो साधारण हाथ से चौवा भर अधिक हो, वेदी की माप यह है, अर्थात् उसका आधार एक हाथ का, और उसकी चौड़ाई एक हाथ की, और उसके चारों ओर की छोर पर की पटरी एक चौवे की। और वेदी की ऊँचाई यह है:
“Izvi ndizvo zviyero zvearitari mumakubhiti marefu, kubhiti riri kubhiti noupamhi hwechanza: Chigadziko chayo chakadzika kubhiti rimwe chete nekubhiti rimwe chete paupamhi, nomuromo uno upamhi hwechanza pamusoro. Uku ndiko kukwirira kwearitari:
14 १४ भूमि पर धरे हुए आधार से लेकर निचली कुर्सी तक दो हाथ की ऊँचाई रहे, और उसकी चौड़ाई हाथ भर की हो; और छोटी कुर्सी से लेकर बड़ी कुर्सी तक चार हाथ हों और उसकी चौड़ाई हाथ भर की हो;
Kubva pachigadziko chapasi kusvikira pamupanda wenyasi yakakwirira namakubhiti maviri uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kubva pamupanda muduku kusvikira pamupanda mukuru yakakwirira namakubhiti mana uye kubhiti rimwe chete paupamhi.
15 १५ और ऊपरी भाग चार हाथ ऊँचा हो; और वेदी पर जलाने के स्थान के चार सींग ऊपर की ओर निकले हों।
Choto chearitari chakakwirira namakubhiti mana, uye nyanga ina dzakatarisa kumusoro kubva pachoto.
16 १६ वेदी पर जलाने का स्थान चौकोर अर्थात् बारह हाथ लम्बा और बारह हाथ चौड़ा हो।
Choto chearitari chine mativi akaenzana, makubhiti gumi namaviri paurefu uye makubhiti gumi namaviri paupamhi.
17 १७ निचली कुर्सी चौदह हाथ लम्बी और चौदह हाथ चौड़ी, और उसके चारों ओर की पटरी आधे हाथ की हो, और उसका आधार चारों ओर हाथ भर का हो। उसकी सीढ़ी उसके पूर्व ओर हो।”
Mupanda wokumusoro naiwowo una mativi akaenzana, wakareba makubhiti gumi namana uye makubhiti gumi namana paupamhi, nomuromo une hafu yekubhiti nechigadziko chekubhiti rimwe chete pakutenderera kwaro. Zvitsiko zvearitari zvakatarisa kumabvazuva.”
18 १८ फिर उसने मुझसे कहा, “हे मनुष्य के सन्तान, परमेश्वर यहोवा यह कहता है, जिस दिन होमबलि चढ़ाने और लहू छिड़कने के लिये वेदी बनाई जाए, उस दिन की विधियाँ ये ठहरें।
Ipapo iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha: Iyi ndiyo ichava mitemo yokubayira zvibayiro zvinopiswa nokusasa ropa pamusoro pearitari painenge yavakwa:
19 १९ “अर्थात् लेवीय याजक लोग, जो सादोक की सन्तान हैं, और मेरी सेवा टहल करने को मेरे समीप रहते हैं, उन्हें तू पापबलि के लिये एक बछड़ा देना, परमेश्वर यहोवा की यही वाणी है।
Unofanira kupa hando duku sechipiriso chechivi kuvaprista, vanova ndivo vaRevhi, vemhuri yaZadhoki, vanoswedera kuti vashumire pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
20 २० तब तू उसके लहू में से कुछ लेकर वेदी के चारों सींगों और कुर्सी के चारों कोनों और चारों ओर की पटरी पर लगाना; इस प्रकार से उसके लिये प्रायश्चित करने के द्वारा उसको पवित्र करना।
Unofanira kutora rimwe reropa ugoriisa panyanga ina dzearitari uye napamakona mana pamupanda wapamusoro napamuromo wose, nokudaro unatse aritari ugoiyananisira.
21 २१ तब पापबलि के बछड़े को लेकर, भवन के पवित्रस्थान के बाहर ठहराए हुए स्थान में जला देना।
Unofanira kutora hando yechipiriso chechivi ugopisa panzvimbo yakatsaurwa yetemberi iri kunze kwenzvimbo tsvene.
22 २२ दूसरे दिन एक निर्दोष बकरा पापबलि करके चढ़ाना; और जैसे बछड़े के द्वारा वेदी पवित्र की जाए, वैसे ही वह इस बकरे के द्वारा भी पवित्र की जाएगी।
“Pazuva rechipiri unofanira kubayira nhongo isina chainopomerwa chive chibayiro chechivi, uye aritari inofanira kunatswa sokunatswa kwayakaitwa nehando.
23 २३ जब तू उसे पवित्र कर चुके, तब एक निर्दोष बछड़ा और एक निर्दोष मेढ़ा चढ़ाना।
Kana mapedza kuinatsa, unofanira kubayira hando duku uye negondobwe rinobva pamakwai, zvose zvisina chazvinopomerwa.
24 २४ तू उन्हें यहोवा के सामने ले आना, और याजक लोग उन पर नमक डालकर उन्हें यहोवा को होमबलि करके चढ़ाएँ।
Unofanira kuzvibayira pamberi paJehovha, uye vaprista vanofanira kusasa munyu pamusoro pazvo vagozvibayira sezvibayiro zvinopisirwa Jehovha.
25 २५ सात दिन तक तू प्रतिदिन पापबलि के लिये एक बकरा तैयार करना, और निर्दोष बछड़ा और भेड़ों में से निर्दोष मेढ़ा भी तैयार किया जाए।
“Kwamazuva manomwe munofanira kuuya nenhongo zuva rimwe nerimwe chive chibayiro chechivi; uye unofanirawo kuuya nehando negondobwe rinotorwa kumakwai, parege kuva nezvazvinopomerwa zvose.
26 २६ सात दिन तक याजक लोग वेदी के लिये प्रायश्चित करके उसे शुद्ध करते रहें; इसी भाँति उसका संस्कार हो।
Vanofanira kuyananisira aritari nokuinatsa kwamazuva manomwe vagoinatsa; naizvozvo vagoikumikidza.
27 २७ जब वे दिन समाप्त हों, तब आठवें दिन के बाद से याजक लोग तुम्हारे होमबलि और मेलबलि वेदी पर चढ़ाया करें; तब मैं तुम से प्रसन्न होऊँगा, परमेश्वर यहोवा की यही वाणी है।”
Shure kwamazuva iwayo, kubva pazuva rorusere, vaprista vanofanira kuuya nezvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana paaritari. Ipapo ndichakugamuchirai, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

< यहेजकेल 43 >