< यहेजकेल 31 >

1 ग्यारहवें वर्ष के तीसरे महीने के पहले दिन को यहोवा का यह वचन मेरे पास पहुँचा:
Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 “हे मनुष्य के सन्तान, मिस्र के राजा फ़िरौन और उसकी भीड़ से कह, अपनी बड़ाई में तू किसके समान है।
“Mwanakomana womunhu, uti kuna Faro mambo weIjipiti navanhu vake vose: “‘Ndianiko angaenzaniswa nemi paushe?
3 देख, अश्शूर तो लबानोन का एक देवदार था जिसकी सुन्दर-सुन्दर शाखें, घनी छाया देतीं और बड़ी ऊँची थीं, और उसकी फुनगी बादलों तक पहुँचती थी।
Rangarirai Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni, wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo; wakanga wakareba kwazvo, manhengenya awo ari pamusoro pamashizha akapfumvutira.
4 जल ने उसे बढ़ाया, उस गहरे जल के कारण वह ऊँचा हुआ, जिससे नदियाँ उसके स्थान के चारों ओर बहती थीं, और उसकी नालियाँ निकलकर मैदान के सारे वृक्षों के पास पहुँचती थीं।
Mvura zhinji yakaupa zvokudya, zvitubu zvakadzika zvakaita kuti urebe; hova dzacho dzakayerera dzichipoteredza hunde, uye dzakatumira mironga yadzo kumiti yose yesango.
5 इस कारण उसकी ऊँचाई मैदान के सब वृक्षों से अधिक हुई; उसकी टहनियाँ बहुत हुईं, और उसकी शाखाएँ लम्बी हो गई, क्योंकि जब वे निकलीं, तब उनको बहुत जल मिला।
Saka wakareba kwazvo kupfuura miti yose yesango, mativi awo akawanda uye matavi awo akareba, achitandavara nokuda kwemvura zhinji.
6 उसकी टहनियों में आकाश के सब प्रकार के पक्षी बसेरा करते थे, और उसकी शाखाओं के नीचे मैदान के सब भाँति के जीवजन्तु जन्म लेते थे; और उसकी छाया में सब बड़ी जातियाँ रहती थीं।
Shiri dzose dzedenga dzakavakira matendere adzo pamatavi awo, mhuka dzose dzesango dzakaberekera pasi pamatavi awo; ndudzi dzose huru dzakagara pamumvuri wawo.
7 वह अपनी बड़ाई और अपनी डालियों की लम्बाई के कारण सुन्दर हुआ; क्योंकि उसकी जड़ बहुत जल के निकट थी।
Wakanga uchiyevedza parunako, namatavi awo akatandavara, nokuti midzi yawo yaidzika pasi kune mvura zhinji.
8 परमेश्वर की बारी के देवदार भी उसको न छिपा सकते थे, सनोवर उसकी टहनियों के समान भी न थे, और न अर्मोन वृक्ष उसकी शाखाओं के तुल्य थे; परमेश्वर की बारी का भी कोई वृक्ष सुन्दरता में उसके बराबर न था।
Misidhari yomubindu raMwari yakanga isingagoni kuukunda, uye miti yomupaini yakanga isingaenzani namatavi awo, uye miti yemipurani hayaienzaniswa namatavi awo, hakuna muti mubindu raMwari waienzana nawo pakunaka.
9 मैंने उसे डालियों की बहुतायत से सुन्दर बनाया था, यहाँ तक कि अदन के सब वृक्ष जो परमेश्वर की बारी में थे, उससे डाह करते थे।
Ndakauita muti unoyevedza una matavi akawanda, muti waiyemurwa nemiti yose yomuEdheni mubindu raMwari.
10 १० “इस कारण परमेश्वर यहोवा ने यह कहा है, उसकी ऊँचाई जो बढ़ गई, और उसकी फुनगी जो बादलों तक पहुँची है, और अपनी ऊँचाई के कारण उसका मन जो फूल उठा है,
“‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti wakanga wakareba kwazvo, uchisimudzira manhengenya awo pamatavi akapfumvutira, uye nemhaka yokuti wakazvikudza nokuda kwokureba kwawo,
11 ११ इसलिए जातियों में जो सामर्थी है, मैं उसी के हाथ उसको कर दूँगा, और वह निश्चय उससे बुरा व्यवहार करेगा। उसकी दुष्टता के कारण मैंने उसको निकाल दिया है।
ndakauisa kumutongi wendudzi, kuti vamuitire zvakafanira kuipa kwawo. Ndakaukanda padivi,
12 १२ परदेशी, जो जातियों में भयानक लोग हैं, वे उसको काटकर छोड़ देंगे, उसकी डालियाँ पहाड़ों पर, और सब तराइयों में गिराई जाएँगी, और उसकी शाखाएँ देश के सब नालों में टूटी पड़ी रहेंगी, और जाति-जाति के सब लोग उसकी छाया को छोड़कर चले जाएँगे।
uye rudzi rwakaipisisa kundudzi dzavatorwa rwakautemera pasi ndokuusiya. Matavi awo akawira pamakomo nomumipata yose; matavi awo ose akavhunikira muhova dzose dzenyika. Ndudzi dzose dzomunyika dzakabva pasi pomumvuri wawo dzikausiya.
13 १३ उस गिरे हुए वृक्ष पर आकाश के सब पक्षी बसेरा करते हैं, और उसकी शाखाओं के ऊपर मैदान के सब जीवजन्तु चढ़ने पाते हैं।
Shiri dzose dzedenga dzakamhara pamuti wakawa, uye mhuka dzose dzenyika dzakanga dziri pakati pamatavi awo.
14 १४ यह इसलिए हुआ है कि जल के पास के सब वृक्षों में से कोई अपनी ऊँचाई न बढ़ाए, न अपनी फुनगी को बादलों तक पहुँचाए, और उनमें से जितने जल पाकर दृढ़ हो गए हैं वे ऊँचे होने के कारण सिर न उठाए; क्योंकि वे भी सब के सब कब्र में गड़े हुए मनुष्यों के समान मृत्यु के वश करके अधोलोक में डाल दिए जाएँगे।
Naizvozvo hakuna mimwe miti iri pamvura zhinji ichareba kwazvo ichizvikudza, ichizvisimudzira manhengenya ayo pamusoro pamatavi akapfumvutira. Hakuna mimwe miti inowana mvura yakadai ichazombosvika paurefu hwakadai; yose ichafa, nokuti nyika iri pasi, pakati pavanhu vanofa, navaya vanoburukira kugomba.
15 १५ “परमेश्वर यहोवा यह कहता है: जिस दिन वह अधोलोक में उतर गया, उस दिन मैंने विलाप कराया और गहरे समुद्र को ढाँप दिया, और नदियों का बहुत जल रुक गया; और उसके कारण मैंने लबानोन पर उदासी छा दी, और मैदान के सब वृक्ष मूर्छित हुए। (Sheol h7585)
“‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva rawakaburutsirwa muguva ndakafukidza matsime akadzika kuti aungudze nokuda kwawo ndikamisa hova dzawo, uye mvura yawo zhinji yakadziviswa. Nemhaka yawo ndakafukidza Rebhanoni nokusuwa, uye miti yose yesango yakasvava. (Sheol h7585)
16 १६ जब मैंने उसको कब्र में गड़े हुओं के पास अधोलोक में फेंक दिया, तब उसके गिरने के शब्द से जाति-जाति थरथरा गई, और अदन के सब वृक्ष अर्थात् लबानोन के उत्तम-उत्तम वृक्षों ने, जितने उससे जल पाते हैं, उन सभी ने अधोलोक में शान्ति पाई। (Sheol h7585)
Ndakaita kuti ndudzi dzidedere padzakanzwa kuwa kwako pandakuburusira muguva navaya vanoenda mugomba nawo. Ipapo miti yose yomuEdheni, yakasarudzika uye neyakanakisa muRebhanoni, miti yose yakanga ichiwana mvura yakakwana, yakanyaradzwa panyika pasi. (Sheol h7585)
17 १७ वे भी उसके संग तलवार से मारे हुओं के पास अधोलोक में उतर गए; अर्थात् वे जो उसकी भुजा थे, और जाति-जाति के बीच उसकी छाया में रहते थे। (Sheol h7585)
Vaya vaigara mumumvuri wawo, navaya vavaibatana navo pakati pendudzi, vakanga vaburukirawo muguva nawo, vachiva pamwe navaya vakaurayiwa nomunondo. (Sheol h7585)
18 १८ “इसलिए महिमा और बड़ाई के विषय में अदन के वृक्षों में से तू किसके समान है? तू तो अदन के और वृक्षों के साथ अधोलोक में उतारा जाएगा, और खतनारहित लोगों के बीच तलवार से मारे हुओं के संग पड़ा रहेगा। फ़िरौन अपनी सारी भीड़-भाड़ समेत ऐसे ही होगा, परमेश्वर यहोवा की यही वाणी है।”
“‘Ndeipiko miti yeEdheni ingaenzaniswa newe pakubwinya noushe? Kunyange zvakadaro, newewo, uchaburutswa pamwe chete nemiti yeEdheni panyika pasi; ucharara pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo. “‘Ndiye Faro navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’”

< यहेजकेल 31 >