< निर्गमन 27 >
1 १ “फिर वेदी को बबूल की लकड़ी की, पाँच हाथ लम्बी और पाँच हाथ चौड़ी बनवाना; वेदी चौकोर हो, और उसकी ऊँचाई तीन हाथ की हो।
“Uvake aritari yamatanda omuunga, makubhiti matatu pakukwirira kwayo; inofanira kuva namativi mana akaenzana, kureba kwayo makubhiti mashanu uye upamhi hwayo makubhiti mashanu.
2 २ और उसके चारों कोनों पर चार सींग बनवाना; वे उस समेत एक ही टुकड़े के हों, और उसे पीतल से मढ़वाना।
Uite runyanga pamakona ayo mana, kuti nyanga nearitari zvive chinhu chimwe, uye ufukidze aritari nendarira.
3 ३ और उसकी राख उठाने के पात्र, और फावड़ियां, और कटोरे, और काँटे, और अँगीठियाँ बनवाना; उसका कुल सामान पीतल का बनवाना।
Uite midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo dzokubvisisa madota, uye foshoro dzayo, mbiya dzokusasa nadzo, zvibayiso zvenyama nemakango apamoto.
4 ४ और उसके पीतल की जाली की एक झंझरी बनवाना; और उसके चारों सिरों में पीतल के चार कड़े लगवाना।
Uyiitire chiparo, sefa yendarira, uye ugoita mhete yendarira pakona imwe neimwe yesefa.
5 ५ और उस झंझरी को वेदी के चारों ओर की कँगनी के नीचे ऐसे लगवाना कि वह वेदी की ऊँचाई के मध्य तक पहुँचे।
Uchiise pasi pechitsiko chearitari kuitira kuti chive pakati nepakati pearitari.
6 ६ और वेदी के लिये बबूल की लकड़ी के डंडे बनवाना, और उन्हें पीतल से मढ़वाना।
Uitire aritari matanda omuunga uye ugoafukidza nendarira.
7 ७ और डंडे कड़ों में डाले जाएँ, कि जब जब वेदी उठाई जाए तब वे उसकी दोनों ओर पर रहें।
Matanda aya anofanira kupinzwa mukati memhete kuti agova kumativi maviri earitari painenge yotakurwa.
8 ८ वेदी को तख्तों से खोखली बनवाना; जैसी वह इस पर्वत पर तुझे दिखाई गई है वैसी ही बनाई जाए।
Uite aritari namapuranga, isina chinhu mukati mayo. Inofanira kugadzirwa sokuratidzwa kwawakaitwa pagomo.
9 ९ “फिर निवास के आँगन को बनवाना। उसकी दक्षिण ओर के लिये तो बटी हुई सूक्ष्म सनी के कपड़े के सब पर्दों को मिलाए कि उसकी लम्बाई सौ हाथ की हो; एक ओर पर तो इतना ही हो।
“Uitire tabhenakeri ruvazhe. Rutivi rwezasi runofanira kureba makubhiti zana uye runofanira kuva nezvidzitiro zvakarembedzwa zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka,
10 १० और उनके बीस खम्भे बनें, और इनके लिये पीतल की बीस कुर्सियाँ बनें, और खम्भों के कुण्डे और उनकी पट्टियाँ चाँदी की हों।
namatanda makumi maviri uye zvigadziko zvendarira makumi maviri uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda.
11 ११ और उसी भाँति आँगन की उत्तर ओर की लम्बाई में भी सौ हाथ लम्बे पर्दे हों, और उनके भी बीस खम्भे और इनके लिये भी पीतल के बीस खाने हों; और उन खम्भों के कुण्डे और पट्टियाँ चाँदी की हों।
Rutivi rwokumusoro rucharebawo makubhiti zana uye runofanira kuva nezvidzitiro zvakarembedzwa, namatanda makumi maviri, nezvigadziko zvendarira makumi maviri, uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda.
12 १२ फिर आँगन की चौड़ाई में पश्चिम की ओर पचास हाथ के पर्दे हों, उनके खम्भे दस और खाने भी दस हों।
“Kumucheto kworuvazhe, nechokumavirira, kunofanira kuva noupamhi hwamakubhiti makumi mashanu uye zvidzitiro zvakarembedzwa, namatanda gumi uye zvigadziko gumi.
13 १३ पूरब की ओर पर आँगन की चौड़ाई पचास हाथ की हो।
Kumucheto nechokumabvazuva kwakatarisana nokunobuda nezuva, upamhi hworuvazhe hunofanira kuva makubhiti makumi mashanu.
14 १४ और आँगन के द्वार की एक ओर पन्द्रह हाथ के पर्दे हों, और उनके खम्भे तीन और खाने तीन हों।
Zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvinofanira kuva kuno rumwe rutivi rwomukova, namatanda matatu nezvigadziko zvitatu,
15 १५ और दूसरी ओर भी पन्द्रह हाथ के पर्दे हों, उनके भी खम्भे तीन और खाने तीन हों।
uye zvimwe zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu ngazvivewo kuno rumwe rutivi, namatanda matatu nezvigadziko zvitatuwo.
16 १६ आँगन के द्वार के लिये एक परदा बनवाना, जो नीले, बैंगनी और लाल रंग के कपड़े और बटी हुई सूक्ष्म सनी के कपड़े का कामदार बना हुआ बीस हाथ का हो, उसके खम्भे चार और खाने भी चार हों।
“Pamukova wokupinda muruvazhe, uise chidzitiro chakareba makubhiti makumi maviri, chewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romusoni anogona, namatanda mana uyewo zvigadziko zvina.
17 १७ आँगन के चारों ओर के सब खम्भे चाँदी की पट्टियों से जुड़े हुए हों, उनके कुण्डे चाँदी के और खाने पीतल के हों।
Matanda ose akapoteredza ruvazhe anofanira kuva nezvisungiso zvesirivha nezvikorekedzo, uye zvigadziko zvendarira.
18 १८ आँगन की लम्बाई सौ हाथ की, और उसकी चौड़ाई बराबर पचास हाथ की और उसकी कनात की ऊँचाई पाँच हाथ की हो, उसकी कनात बटी हुई सूक्ष्म सनी के कपड़े की बने, और खम्भों के खाने पीतल के हों।
Ruvazhe ruchareba makubhiti zana uye makubhiti makumi mashanu paupamhi, nezvidzitiro zvemicheka yakarukwa zvakaisvonaka yakareba makubhiti mashanu, uye nezvigadziko zvendarira.
19 १९ निवास के भाँति-भाँति के बर्तन और सब सामान और उसके सब खूँटे और आँगन के भी सब खूँटे पीतल ही के हों।
Mimwe midziyo inoshandiswa paushumiri hwetabhenakeri, ringava basa ripi zvaro, kusanganisira mbambo dzose dzetende neiya yomuruvazhe, inofanira kuva yendarira.
20 २० “फिर तू इस्राएलियों को आज्ञा देना, कि मेरे पास दीवट के लिये कूट के निकाला हुआ जैतून का निर्मल तेल ले आना, जिससे दीपक नित्य जलता रहे।
“Urayire vaIsraeri kuti vakuvigire mafuta omuorivhi akachena, akasvinwa omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichipfuta.
21 २१ मिलापवाले तम्बू में, उस बीचवाले पर्दे से बाहर जो साक्षीपत्र के आगे होगा, हारून और उसके पुत्र दीवट साँझ से भोर तक यहोवा के सामने सजा कर रखें। यह विधि इस्राएलियों की पीढ़ियों के लिये सदैव बनी रहेगी।
MuTende Rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi peChipupuriro, Aroni navanakomana vake vanofanira kurega mwenje ichiramba ichipfuta pamberi paJehovha, kubva madekwana kusvikira mangwanani. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi pakati pavaIsraeri nokuzvizvarwa zvinotevera.