< यशायाह 15 >

1 एक ही रात में मोआब का: आर नगर उजाड़ दिया गया, और उसी रात में मोआब के, कीर नगर को नाश कर दिया गया!
Chirevo chaJehovha maererano neMoabhu: Ari romuMoabhu rava dongo, rakaparadzwa usiku! Kiri romuMoabhu rava dongo, rakaparadzwa usiku!
2 दीबोन रोने के लिए अपने मंदिर में, हां उसकी ऊंची जगह में चढ़ गए; और मोआब के लोग नेबो और मेदेबा नगरों के लिये दुःखी होकर चिल्ला रहे हैं. वे दुःखी होकर अपने सिर और दाढ़ी मुंडवा रहे हैं.
Dhibhoni rakwira kutemberi yaro, kunzvimbo dzaro dzakakwirira kundochema; Moabhu ari kuungudza pamusoro peNebho napamusoro peMedhebha. Misoro yose yaveurwa ndebvu dzose dzabviswa.
3 और सड़कों में वे टाट ओढ़े हुए हैं; और अपने घरों की छतों और मैदानों में वे रो-रोकर, आंसू बहा रहे हैं.
Munzira dzomuguta vakapfeka masaga: pamusoro pamatenga edzimba uye nomumatare, vanoungudza vose, vakazvambarara vachichema.
4 हेशबोन तथा एलिआलेह नगर चिल्ला रहे हैं, और उनकी चिल्लाहट याहज़ नगर तक सुनाई दे रही है. इसलिये मोआब के सैनिक चिल्ला रहे हैं, और मोआब कांप उठा है.
Heshibhoni neErieri dzinodanidzira, manzwi avo anonzwika kusvikira kuJahazi. Naizvozvo varwi veMoabhu vanodanidzira, uye mwoyo yavo yaziya.
5 मेरा हृदय मोआब के लिए दुःखी है; मोआब के लोग ज़ोअर, तथा एगलथ शलिशियाह के नगर में चले गए हैं. वे लूहीत की चढ़ाई, रोते हुए चढ़ रहे हैं; होरोनयिम की सड़क पर इस नाश के कारण रो रहे हैं.
Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro peMoabhu; vatizi varo vanotiza kusvikira kuZoari, kusvikira kuEgirati-Sherishiya. Vanokwidza nenzira yokuRuhiti, vanofamba vachichema, munzira yokuHoronaimi vanochema kuparadzwa kwavo.
6 निमरीम नदी सूख गयी है, घास मुरझा गई है; हरियाली नहीं बची है.
Mvura yokuNimirimi yakapwa uye uswa hwaoma; bumhudza rapera uye hapachina chakasvibirira chakasara.
7 इस कारण जो धन उन्होंने अपने लिये बचाया था वे उसे अराबीम नाले के उस पार ले जा रहे हैं.
Saka pfuma yavakawana neyavakaunganidza vanoiyambutsira mhiri kworukova rwemikonachando.
8 मोआब के देश में सब की चिल्लाहट सुनाई दे रही है; इसके रोने की आवाज एगलयिम, तथा बेर-एलीमा नगरों तक पहुंच गयी है.
Kudanidzira kwavo kwaita maungira kuchitevedza muganhu weMoabhu; kuungudza kwavo kunosvikira kuEgiraimi, kuchema kwavo kunosvikira kuBheeri Erimi.
9 क्योंकि दीमोन के सोते खून से भरे हैं, फिर भी मैं दीमोन पर और अधिक विपत्ति डालूंगा— भागे हुए मोआबी लोग तथा उस देश के बचे हुए लोगों के विरुद्ध मैं एक सिंह भेजूंगा.
Mvura yapaDhimoni yakazara neropa, asi ndichauyisazve zvakawanda pamusoro peDhimoni, shumba pamusoro pavatizi veMoabhu uye napamusoro pavaya vakasara munyika.

< यशायाह 15 >