< אֶל־טִיטוֹס 2 >

ואתה דבר את הנאה ללקח הבריא׃ 1
Zvino iwe taura zvinhu zvakafanira dzidziso yakagwinya.
שיהיו הזקנים משלים ברוחם ומכבדים וצנועים ובריאים באמונה ובאהבה ובסבלנות׃ 2
Varume vakuru kuti vazvibate, vanokudzwa, vakangwara, vakagwinya parutendo, parudo, pakutsungirira;
וכן הזקנות תהי הנהגתן כאשר נאוה לקדש לא תהיינה מלשינות ולא נכבשות לסבוא יין כי אם מלמדות טוב׃ 3
saizvozvo vakadzi vakuru kuti pamafambiro vave sezvakafanira vatsvene, kwete vacheri, kwete varanda vewaini zhinji, vadzidzisi vezvinhu zvakanaka,
ומישרות את הצעירות לאהב את בעליהן ולאהב את בניהן׃ 4
kuti vadzidzise vakadzi vadiki kuchenjera, kuda varume vavo, nekuda vana vavo,
ולהיות צנועות וטהרות צופיות הליכות ביתן וטבות ונכנעות לבעליהן למען לא יחלל דבר האלהים׃ 5
vakazvibata, vakachena, vachengeti vemisha, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo pachavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.
ככה תזהיר גם את הבחורים שיהיו צנועים׃ 6
Varume vadiki saizvozvo ukurudzire kuti vave vanozvidzora;
ובכל דבר היה אתה למופת במעשים טובים בהוראה צרופה ונהדרה׃ 7
pazvinhu zvese iwe uzviratidze uri mufananidzo wamabasa akanaka, padzidziso yechokwadi, mugariro unokudzwa nekuvimbika,
ובדבר בריא ומום אין בו למען יבוש המתקומם ולא ימצא לדבר עליכם רע׃ 8
shoko rakagwinya, risingashoreki, kuti uyo wedivi rinopikisa anyare, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro penyu.
העבדים יכנעו לאדניהם ויתרצו להם בכל דבר ולא ימרו את דבריהם׃ 9
Kurudzira varanda kuzviisa pasi pavatenzi vavo pachavo, kuti vafadze pazvese, vasingakakavari,
ולא ימעלו מעל כי אם יראו כל אמונה טובה למען יפארו בכל את לקח אלהינו מושיענו׃ 10
vasinganyimi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kwese, kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvese.
כי הופיע חסד אלהים להושיע את כל בני האדם׃ 11
Nokuti nyasha dzaMwari dzinoponesa dzakaratidzwa kuvanhu vese,
וליסר אתנו אשר נתעב הרשע ותאות העולם ונחיה בעולם הזה בצניעות ובצדק ובחסידות׃ (aiōn g165) 12
dzichidzidzisa isu kuti, tirambe kusanamata Mwari uye kuchiva kwenyika, tirarame nekuchenjera uye kururama nekunamata Mwari panyika yaikozvino, (aiōn g165)
ונחכה לתקוה המאשרת ולהופעת כבוד אלהינו הגדול ומושיענו ישוע המשיח׃ 13
tichimirira tariro yakaropafadzwa nekuratidzwa kwekubwinya kwaMwari mukuru neMuponesi wedu Jesu Kristu,
אשר נתן את נפשו בעדנו לגאלנו מכל עול ולטהר לו עם סגלה הזריז במעשים טובים׃ 14
wakazvipira isu, kuti adzikunure isu pakuipa kwese, uye azvichenurire vanhu vakasanangurwa, vanoshingairira mabasa akanaka.
את אלה תדבר ותזהיר ותוכיח בכל חזקה ואיש אל יבוז לך׃ 15
Taura zvinhu izvi, uye kurudzira, uye tsiura nesimba rese. Kusava nemunhu anokuzvidza.

< אֶל־טִיטוֹס 2 >