< אֶל־הָרוֹמִיִּים 11 >
ובכן אמר אני הכי זנח האלהים את עמו חלילה כי גם אנכי בן ישראל מזרע אברהם למטה בנימן׃ | 1 |
Naizvozvo ndinoti: Mwari wakarasa vanhu vake here? Ngazvisadaro! Nokuti iniwo ndiri muIsraeri, kubva pambeu yaAbhurahama, werudzi rwaBhenjamini.
לא זנח האלהים את עמו אשר ידעו מקדם או הלא תדעו את אשר הכתוב אמר באליהו כאשר קרא אל האלהים על ישראל לאמר׃ | 2 |
Mwari haana kurasa vanhu vake vaakagara aziva. Kana hamuzivi kuti rugwaro rwunoti kudini kuna Eria here? Kuti anoreverera sei kuna Mwari achipesana neVaIsraeri, achiti:
יהוה את נביאיך הרגו ואת מזבחתיך הרסו ואותר אני לבדי ויבקשו את נפשי׃ | 3 |
Ishe, vakauraya vaporofita venyu, uye vakaputsa aritari dzenyu; zvino ini ndasara ndega, uye vanotsvaka upenyu hwangu.
אבל מה ענה אתו מענה אלהים השארתי לי שבעת אלפים איש אשר לא כרעו לבעל׃ | 4 |
Asi mhinduro yaMwari inoti kudii kwaari? Inoti: Ndakazvisiira zvuru zvinomwe zvevarume, vasina kufugamira ibvi kuna Bhaari.
וכן גם בעת הזאת נותרה שארית על פי בחירת החסד׃ | 5 |
Zvino saizvozvo nemunguva yaikozvino variko vakasara maererano nesananguro yenyasha.
ואם היתה זאת על ידי החסד לא היתה מתוך המעשים כי לולי כן החסד איננו עוד חסד ואם היתה מתוך המעשים איננו עוד חסד כי לולי כן המעשים יחדל להיות מעשה׃ | 6 |
Asi kana zviri zvenyasha, hazvichabvi pamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzisisiri nyasha. Asi kana zvichibva pamabasa, hadzisati dzichiri nyasha; kana zvisakadaro basa harisati richiri basa.
ועתה מה הוא את אשר בקש ישראל לא השיג רק הנבחרים הם השיגו והנשארים השמינו לבבם׃ | 7 |
Ko zvino? Israeri zvaakange achitsvaka, haana kuzviwana, asi vasanangurwa vakazviwana, vamwewo vakaomeswa;
ככתוב נתן להם האלהים רוח תרדמה עינים לא לראות ואזנים לא לשמע עד היום הזה׃ | 8 |
sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope huru, meso kuti varege kuona, nenzeve kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.
ודוד הוא אמר יהי שלחנם לפח ולרשת ולמוקש ולשלומים להם׃ | 9 |
NaDhavhidhi anoti: Tafura yavo ngaiitwe rudzingi nemusungo, nechigumbuso nekutsiva kwavari;
תחשכנה עיניהם מראות ומתניהם תמיד המעד׃ | 10 |
meso avo ngaasvibirwe kuti varege kuona, uye mukotamise musana wavo narinhi.
ובכן אני אמר הנכשלו למען יפלו חלילה אך בפשעם יצאה הישועה לגוים למען הקניאם׃ | 11 |
Naizvozvo ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Ngazvisadaro! Asi nekudarika kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuvamutsira godo.
ואם פשעם עשר העולם וחסרונם עשר הגוים מלאם על אחת כמה וכמה׃ | 12 |
Zvino kana kudarika kwavo kuri fuma yenyika, nekukundikana kwavo ifuma yevahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?
כי אליכם הגוים אני מדבר וכפי אשר שליח הגוים אנכי את שרותי אפאר׃ | 13 |
Nokuti ndinotaura kwamuri vahedheni; sezvo ndiri ini muapositori wevahedheni, ndinokudza ushumiri hwangu;
לו אוכל להקניא את בשרי ולהושיע מקצתם׃ | 14 |
kuti zvimwe ndingamutsira godo venyama yangu, uye ndiponese vamwe vavo.
כי אם געילתם רצוי לעולם מה אפוא תהיה אספתם הלא חיים מן המתים׃ | 15 |
Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kuchaveiko, kunze kwekuti upenyu hunobva kuvakafa?
ואם התרומה קדש כן גם העסה ואם השרש קדש כן גם הענפים׃ | 16 |
Zvino kana chibereko chekutanga chiri chitsvene, bunduwo rakadaro; uye kana mudzi uri mutsvene, nematavi akadaro.
וכי נקפו מקצת הענפים ואתה זית היער הרכבת במקומם ונתחברת לשרש הזית ולדשנו׃ | 17 |
Asi kana mamwe ematavi akavhuniwa, newe uri muorivhi wekudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava mugovani pamwe nawo pamudzi nepamafuta emuorivhi,
אל תתפאר על הענפים ואם תתפאר דע שאינך נשא את השרש כי אם השרש הוא נשא אותך׃ | 18 |
usazvikudza pamusoro pematavi; asi kana uchizvikudza, hausi iwe anotakura mudzi, asi mudzi unokutakura iwe.
וכי תאמר הלא נקפו הענפים למען ארכב אנכי׃ | 19 |
Zvino uchati: Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.
כן הוא המה נקפו על אשר לא האמינו ואתה הנך קים על ידי האמונה אל תתגאה כי אם ירא׃ | 20 |
Zvakanaka; nekusatenda vakavhuniwa, iwe umire nerutendo. Usazvikudza, asi itya;
כי האלהים אם לא חס על הענפים הנולדים מן העץ אולי לא יחוס גם עליך׃ | 21 |
nokuti kana Mwari asina kurega matavi echisikirwo, zvimwe haangakuregi iwewo.
לכן ראה נא טובת אלהים וזעמו זעמו על הנפלים ועליך טובתו אם תעמד בטובתו ואם אין כי עתה גם אתה תגדע׃ | 22 |
Zvino tarira unyoro nekuomarara kwaMwari; kune vanowa, kuomarara; asi kwauri, unyoro, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvikasadaro newe ungatemwa.
וגם המה אם לא יעמדו במרים ירכבו כי יכל האלהים לשוב להרכיבם׃ | 23 |
Naivowo, kana vasingagari pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve.
כי אם אתה נגזרת מעץ אשר הוא בטבעו זית יער והרכבת שלא כטבע בזית טוב אלה היצאים ממנו על אחת כמה וכמה שירכבו בזית שלהם׃ | 24 |
Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi uri wedondo pachisikirwo, ukabatanidzwa zvinopesana nechisikirwo pamuorivhi wakasimwa, vangabatanidzwa zvikuru sei avo vari matavi echisikirwo pamuorivhi wekwavo?
כי לא אכחד מכם אחי את הסוד הזה פן תהיו חכמים בעיניכם כי טמטום הלב למקצת נהיה לישראל עד כי יכנס מלא הגוים׃ | 25 |
Nokuti handidi kuti musaziva, hama, zvechakavanzika ichi, kuti murege kuzviita vakangwara, kuti kuomeswa kwemoyo kwakawira Israeri muchidimbu kusvikira kwapinda kuzara kwavahedheni;
ובכן כל ישראל יושע ככתוב ובא לציון גואל וישיב פשע מיעקב׃ | 26 |
saizvozvowo Israeri wese achaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabva Musununguri achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho.
ואני זאת בריתי אותם בהסירי חטאתם׃ | 27 |
Uye iyi isungano yangu kwavari, pandichabvisa zvivi zvavo.
הן לפי הבשורה שנואים הם למענכם אך לפי הבחירה חביבים הם למען האבות׃ | 28 |
Maererano neevhangeri vavengi nekuda kwenyu; asi maererano nekusanangura vadikanwi nekuda kwemadzibaba;
כי לא ינחם האלהים על מתנותיו ועל קריאתו׃ | 29 |
nokuti zvipo nekudana kwaMwari hazvishanduki.
כי כאשר גם אתם מלפנים ממרים הייתם את פי אלהים ועתה הוחנתם במרים של אלה׃ | 30 |
Nokuti semwiwo kare musina kuteerera Mwari, asi zvino makanzwirwa tsitsi nekusateerera kwavo;
כן גם אלה עתה ממרים היו למען על ידי חנינתכם גם הם יחנו׃ | 31 |
saizvozvo naivava ikozvino havana kuteerera, kuti netsitsi dzenyu naivo vanzwirwe tsitsi;
כי האלהים הסגיר את כלם ביד המרי למען יחן את כלם׃ (eleēsē ) | 32 |
nokuti Mwari wakavapfigira vese mukusateera, kuti ave netsitsi kwavari vese. (eleēsē )
מה עמק עשר חכמת אלהים ועשר דעתו משפטיו מי יחקר ודרכיו מי ימצא׃ | 33 |
Haiwa kudzika kwefuma, zvese yeuchenjeri neruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunzverwi zvakadini, nenzira dzake hadzirondwi!
כי מי תכן את רוח יהוה ואיש עצתו יודיענו׃ | 34 |
Nokuti ndiani wakaziva fungwa yaIshe? Kana ndiani wakange ari murairidzi wake?
או מי הקדימו וישלם לו׃ | 35 |
Kana ndiani wakatanga kupa kwaari, uye zvichadzorerwa kwaari?
הלא הכל ממנו והכל בו והכל אליו אשר לו הכבוד לעולמים אמן׃ (aiōn ) | 36 |
Nokuti zvese zvinobva kwaari, nemaari, zvinoenda kwaari; kubwinya ngakuve kwaari kusvika narinhi. Ameni. (aiōn )