< חזוֹן יוֹחָנָן 1 >
חזון ישוע המשיח אשר נתן לו האלהים להראות את עבדיו את אשר היה יהיה במהרה והוא הודיע בשלחו ביד מלאכו לעבדו יוחנן׃ | 1 |
Chakazarurwa chaJesu Kristu, Mwari chaakapa kwaari, kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika, zvino azvituma nemutumwa wake wakaratidza muranda wake Johwani,
אשר העיד דבר האלהים ועדות ישוע המשיח ואת כל אשר ראה׃ | 2 |
iye wakapupura shoko raMwari uye uchapupu hwaJesu Kristu, nezvese zvaakaona.
אשרי הקורא ואשרי השמעים את דברי הנבואה ושמרים את אשר כתוב בה כי קרובה העת׃ | 3 |
Wakaropafadzwa anoverenga, nevanonzwa mashoko echiporofita ichi vachichengeta zvakanyorwa machiri; nokuti nguva yava pedo.
יוחנן אל שבע הקהלות אשר באסיא חסד לכם ושלום מאת ההוה והיה ויבוא ומן שבעת הרוחות אשר לפני כסאו׃ | 4 |
Johwani kumakereke manomwe ari muAsia: Nyasha kwamuri nerugare zvinobva kuna iye aripo uye wakange aripo neachazouya; nekuMweya minomwe iri pamberi pechigaro chake cheushe;
ומאת ישוע המשיח העד הנאמן ובכור מן המתים ועליון למלכי ארץ לו אשר אהב אתנו ובדמו גאלנו מחטאתינו׃ | 5 |
nekuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kubva kune vakafa, nemutungamiriri wemadzimambo enyika. Kuna iye wakatida, akatisuka kubva pazvivi zvedu muropa rake;
ויעש אתנו למלכים וכהנים לאלהים אביו הכבוד והעז לעולמי עולמים אמן׃ (aiōn ) | 6 |
akatiitawo madzimambo nevapristi kuna Mwari naBaba vake; kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn )
הנה הוא בא עם העננים וראתה אתו כל עין גם אלה אשר דקרהו וספדו עליו כל משפחות הארץ כן יהיה אמן׃ | 7 |
Tarira, anouya pamwe nemakore, uye ziso rese richamuona, neavo vakamubaya; nemarudzi ese enyika achachema nekuda kwake. Hongu. Ameni.
אני האלף ואני התו ראש וסוף נאם יהוה אלהים ההוה והיה ויבוא אלהי צבאות׃ | 8 |
Ini ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, anoreva Ishe, aripo, newakange aripo, neachazouya, Wemasimbaose.
אני יוחנן אחיכם וגם חבר לכם בלחץ ובמלכות ובסבלנות למען ישוע המשיח הייתי באי אשר שמו פטמוס בעבור דבר האלהים ובעבור עדות ישוע המשיח׃ | 9 |
Ini Johwani, ndiri hama yenyuwo, uye mufambidzani pakutambudzika nemuushe nekutsungirira kwaJesu Kristu, ndakange ndiri pachiwi chinonzi Patimosi, nekuda kweshoko raMwari uye nekuda kweuchapupu hwaJesu Kristu.
ואהי ברוח ביום האדון ואשמע אחרי קול גדול כקול שופר׃ | 10 |
Ndakange ndiri muMweya nezuva raIshe, zvino ndakanzwa shure kwangu inzwi guru, serehwamanda,
ויאמר אני האלף ואני התו הראשון והאחרון ואת אשר אתה ראה כתב אל ספר ושלחהו אל הקהלות אשר באסיא לאפסוס ולזמירנא ולפרגמוס ולתיאטירא ולסרדיס ולפילדפיא וללודקיא׃ | 11 |
richiti: Ndini Arifa naOmega, Wekutanga neWekupedzisira; uye kuti: Zvaunoona, nyora mubhuku, uye tumira kumakereke manomwe ari muAsia, kuEfeso, nekuSimirina, nekuPerigamo, nekuTiatira, nekuSaridhisi, nekuFiradhefia, nekuRaodhikia.
ואפן לראות את הקול המדבר אלי ויהי בפנותי וארא שבע מנרות זהב׃ | 12 |
Zvino ndikatendeuka kuona inzwi rakataura neni. Ndatendeukawo ndakaona zvigadziko zvemwenje zvegoridhe zvinomwe,
ובתוך שבע המנרות דמות בן אדם לבוש מעיל וחגור אזור זהב על לבו׃ | 13 |
nepakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe, mumwe wakaita seMwanakomana wemunhu, akapfeka nguvo yakasvikira kutsoka, uye akazvisunga kupoteredza chifuva nebhanhire regoridhe.
וראשו ושערו לבנים כצמר צחר כשלג ועיניו כלבת אש׃ | 14 |
Nemusoro wake nemavhudzi zvakachena semakushe emakwai machena, semagada echando; uye meso ake semurazvo wemoto;
ומרגלתיו כעין נחשת קלל כצרופות בכור וקולו כקול מים רבים׃ | 15 |
uye tsoka dzake dzakafanana nendarira yakakwenenzverwa, sedzinenge dzakapiswa muvira remoto; neinzwi rake seinzwi remvura zhinji.
ויהי לו ביד ימינו שבעה כוכבים ומפיו יוצאת חרב פיפיות חדה ופניו כשמש המאיר בגבורתו׃ | 16 |
Uye wakange ane muruoko rwake rwerudyi nyeredzi nomwe; zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza unocheka mativi maviri; uye chiso chake chaiva sezuva rinopenya musimba raro.
וכראתי אותו ואפל לרגליו כמת וישת עלי יד ימינו ויאמר אל תירא אני הראשון והאחרון והחי׃ | 17 |
Zvino pandakamuona, ndakawira patsoka dzake sewakafa; ndokuisa ruoko rwake rwerudyi pamusoro pangu, achiti kwandiri: Usatya; ndini wekutanga newekupedzisira;
ואהי מת והנני חי לעולמי עולמים אמן ובידי מפתחות שאול ומות׃ (aiōn , Hadēs ) | 18 |
uye mupenyu; ndakange ndakafawo, zvino tarira, ndiri mupenyu kusvikira rinhi narinhi. Ameni. Uye ndine kiyi dzegehena nedzerufu. (aiōn , Hadēs )
ועתה כתב את אשר ראית ואשר נעשה עתה ואשר עתיד להיות אחרי כן׃ | 19 |
Nyora zvawaona, nezvinhu zviripo, nezvinhu zvichazovapo shure kweizvi.
את סוד שבעת הכוכבים אשר ראית בימיני ואת שבע מנרות הזהב שבעת הכוכבים הם מלאכי שבע הקהלות ושבע המנרות אשר ראית שבע קהלות הנה׃ | 20 |
Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona paruoko rwangu rwerudyi, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvegoridhe. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvawaona ndidzo kereke nomwe.