< חזוֹן יוֹחָנָן 9 >

והמלאך החמישי תקע בשופר וארא כוכב נפל מן השמים לארץ וינתן לו מפתח באר התהום׃ (Abyssos g12) 1
Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, zvino ndakaona nyeredzi ichibva kudenga ichiwira panyika, ndokupiwa kwaari kiyi yegomba risina chigadziko. (Abyssos g12)
ויפתח את באר התהום ויעל עשן מן הבאר כעשן כבשן גדול ויחשך השמש והרקיע מקיטר הבאר׃ (Abyssos g12) 2
Zvino yakazarura gomba risina chigadziko, utsi ndokusimuka kubva mugomba seutsi hwevira guru, nezuva nedenga zvikasvibiswa nekuda kweutsi hwegomba. (Abyssos g12)
ומן הקיטר יצא ארבה על הארץ וינתן להם שלטן כשלטן עקרבי הארץ׃ 3
Zvino muutsi mukabuda mhashu dzikauya panyika, ndokupiwa kwadziri simba, sezvinyavada zvenyika zvine simba.
ויאמר אליהם אשר לא ישחיתו את עשב הארץ ולא כל ירק ולא כל עץ כי אם את בני האדם אשר אין להם חותם אלהים במצחותם׃ 4
Kukanzi kwadziri dzirege kutadzira uswa hwenyika, kana chipi zvacho chinyoro, kana muti upi, asi vanhu chete vasina mucherechedzo waMwari pahuma dzavo.
ולא נתן להם להמיתם רק להכאיבם חמשה חדשים וכאבם ככאב איש אשר יכהו העקרב׃ 5
Zvino kwakapiwa kwadziri kuti dzisavauraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; uye kurwadzisa kwadzo kwaiita sekurwadzisa kwechinyavada kana chichiruma munhu.
ובימים ההם יבקשו בני אדם את המות ולא ימצאהו וישאלו את נפשם למות והמות יברח מהם׃ 6
Zvino pamazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; uye vachashuva kufa, asi rufu rwuchavatiza.
ויהי מראה הארבה כדמות סוסים ערוכי מלחמה ועל ראשיהם כעטרות כעין זהב ופניהם כפני אדם׃ 7
Uye zvimiro zvemhashu zvakaita semabhiza akagadzirirwa hondo; nepamisoro yadzo pane zvakaita sekorona dzakafanana negoridhe, nezviso zvadzo sezviso zvevanhu.
ושער להם כשער נשים ושניהם שני אריה׃ 8
Zvino dzakange dzine vhudzi sevhudzi revakadzi, nemeno adzo akaita seeshumba.
ושרינים להם כשריני ברזל וקול כנפיהם כקול מרכבות סוסים רבים הרצים למלחמה׃ 9
Zvino dzakange dzine zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvidzitiro zvechifuva zvedare, nekutinhira kwemapapiro adzo sekutinhira kwengoro dzemabhiza mazhinji achimhanyira kuhondo.
וזנבות להם כזנבות עקרבים ועקצים בזנבותם והשלטו לענות את בני האדם חמשה חדשים׃ 10
Zvino dzakange dzine miswe yakafanana nezvinyavada, uye pakange pane umborera pamiswe yadzo, nesimba radzo rekukuvadza vanhu mwedzi mishanu.
ומלאך התהום הוא מלך עליהם ושמו אבדון בעברית והוא אפוליון בלשון יון׃ (Abyssos g12) 11
Zvino dzakange dzina mambo pamusoro padzo, mutumwa wegomba risina chigadziko, zita rake nechiHebheru riri Abhadhoni, uye nechiGiriki ane zita Aporioni. (Abyssos g12)
הצרה האחת חלפה הלכה לה והנה באות אחריה עוד צרות שתים׃ 12
Nhamo imwe yapfuura; tarira, kuchiri kuuya nhamo mbiri shure kweizvi.
והמלאך הששי תקע בשופר ואשמע קול אחד מארבע קרנות מזבח הזהב אשר לפני אלהים׃ 13
Zvino mutumwa wechitanhatu wakaridza, zvino ndakanzwa inzwi kubva panyanga ina dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari,
ויאמר למלאך הששי אשר השופר בידו התר את ארבעה המלאכים ההם האסורים על הנהר הגדול נהר פרת׃ 14
richiti kumutumwa wechitanhatu wakange ane hwamanda: Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.
ויתרו ארבעה המלאכים אשר היו נכונים לשעה וליום ולחדש ולשנה להמית שלישית בני האדם׃ 15
Zvino vakasunungurwa vatumwa vana vakange vakagadzirirwa awa nezuva nemwedzi negore, kuti vauraye chetatu chevanhu.
ויהי מספר צבאות הפרשים שתי רבוא רבבות ואני שמעתי מספרם׃ 16
Zvino uwandu hwehondo dzevatasvi vemabhiza hwaiva makumi ezvuru maviri emakumi ezvuru; ndakanzwawo uwandu hwavo.
וכן ראיתי במראה את הסוסים ורכביהם אשר שרינותיהם כעין אש ותכלת וגפרית וראשי הסוסים כראשי אריות ותצא מפיהם אש וקיטור וגפרית׃ 17
Zvino saizvozvo ndakaona mabhiza muchiratidzo, nevakange vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvemoto, nezvehiasindo, nezvesarufa, nemisoro yemabhiza semisoro yeshumba, nemumiromo yawo makabuda moto neutsi nesarufa.
ותומת שלישית בני אדם בשלש האלה באש ובקיטור ובגפרית היצאות מפיהם׃ 18
Neizvi zvitatu kwakaurawa chetatu chevanhu, nemoto uye neutsi uye nesarufa, zvakabuda mumiromo yawo.
כי כח הסוסים בפיהם כי זנבותם דומים לנחשים ויש להם ראשים ובהם ישחיתו׃ 19
Nokuti simba rawo riri mumuromo wawo, nemumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka uye ine misoro; uye anokuvadza nayo.
ושאר בני אדם אשר לא נהרגו במגפות האלה בכל זאת לא שבו ממעשי ידיהם מהשתחות עוד לשדים ולעצבי זהב וכסף ונחשת ואבן ועץ אשר לא יראו ולא ישמעו ולא יהלכו׃ 20
Zvino vakasara vevanhu, vasina kuurawa pamatambudziko awa, havana kutendeuka pamabasa emaoko avo, kuti varege kunamata madhimoni, nezvifananidzo zvegoridhe nesirivheri nezvendarira nezvemabwe nezvematanda, zvisingagoniwo kuona, zvisinganzwiwo, uye zvisingafambi;
ולא שבו מדרכם לרצח ולכשף ולזנות ולגנב׃ 21
uye havana kutendeuka paumhondi hwavo, kana pauroyi hwavo, kana paupombwe hwavo, kana paumbavha hwavo.

< חזוֹן יוֹחָנָן 9 >