< חזוֹן יוֹחָנָן 15 >
וארא אות אחרת בשמים גדולה ונפלאה שבעה מלאכים הנשאים את שבע המכות האחרנות כי בהן כלה זעם אלהים׃ | 1 |
Zvino ndakaona chimwe chiratidzo kudenga chikuru uye chinoshamisa, vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe ekupedzisira, nokuti mune awa kutsamwa kwaMwari kwakapedzeredzwa.
וארא כים זכוכית בלול באש ואת המתגברים על החיה ועל צלמה ועל תוה ועל מספר שמה עמדים על ים הזכוכית וכנרות אלהים בידיהם׃ | 2 |
Ndikaona segungwa regirazi rakavhenganiswa nemoto, neavo vakakunda chikara nemufananidzo wacho nemucherechedzo wacho, nenhamba yezita racho, vamire pagungwa regirazi, vane udimbwa hwaMwari.
וישירו את שירת משה עבד אלהים ושירת השה לאמר גדולים מעשיך ונפלאים יהוה אלהים צבאות צדק ואמת דרכיך מלך הגוים׃ | 3 |
Vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari nerwiyo rweGwayana, vachiti: Makuru uye anoshamisa mabasa enyu, Ishe Mwari Wemasimbaose; dzakarurama uye ndedzechokwadi nzira dzenyu, Mambo wevatsvene.
מי לא ייראך יהוה ולא יכבד את שמך כי קדוש אתה לבדך כי כל הגוים יבאו וישתחוו לפניך כי נגלו משפטי צדקך׃ | 4 |
Ndiani angatongorega kukutyai, Ishe, nekukudza zita renyu? Nokuti ndimwi mega mutsvene; nokuti marudzi ese achauya uye achanamata pamberi penyu; nokuti zviito zvenyu zvakarurama zvakaratidzwa.
ואחרי כן ראיתי והנה נפתח היכל משכן העדות בשמים׃ | 5 |
Zvino shure kweizvozvo ndakaona, zvino tarira, yakazarurwa tembere yetabhenakeri yeuchapupu mukudenga;
ויצאו מן ההיכל שבעה המלאכים הנשאים את שבע המכות מלבשים בד טהור וצח וחגורים אזורי זהב על לבביהם׃ | 6 |
zvino kwakabuda vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe mutembere, vakapfeka mucheka wakachena unopenya, uye vakamonerwa pazvifuva nemabhanhire egoridhe.
ואחת מארבע החיות נתנה אל שבעת המלאכים שבע קערת זהב מלאות חמת האלהים החי לעולמי העולמים׃ (aiōn ) | 7 |
Uye chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzegoridhe dzizere nehasha dzaMwari, anorarama kusvikira rinhi narinhi. (aiōn )
וימלא ההיכל עשן מכבוד אלהים ועזו ולא יכל איש לבוא אל ההיכל עד אשר כלו שבע המכות אשר בידי שבעה המלאכים׃ | 8 |
Tembere ndokuzadzwa neutsi hunobva pakubwinya kwaMwari nepasimba rake; kukasava newakagona kupinda mutembere, kusvikira matambudziko manomwe evatumwa vanomwe apera.