< תהילים 96 >

שירו ליהוה שיר חדש שירו ליהוה כל הארץ׃ 1
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; imbirai Jehovha, nyika yose.
שירו ליהוה ברכו שמו בשרו מיום ליום ישועתו׃ 2
Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.
ספרו בגוים כבודו בכל העמים נפלאותיו׃ 3
Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi, namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi.
כי גדול יהוה ומהלל מאד נורא הוא על כל אלהים׃ 4
Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa, iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
כי כל אלהי העמים אלילים ויהוה שמים עשה׃ 5
Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akaita matenga.
הוד והדר לפניו עז ותפארת במקדשו׃ 6
Kubwinya noumambo zviri pamberi pake; simba nokubwinya zviri munzvimbo yake tsvene.
הבו ליהוה משפחות עמים הבו ליהוה כבוד ועז׃ 7
Remekedzai Jehovha, imi ndudzi dzose, ipai rukudzo nesimba kuna Jehovha.
הבו ליהוה כבוד שמו שאו מנחה ובאו לחצרותיו׃ 8
Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; uyai nechipiriso mugopinda pavanze dzake.
השתחוו ליהוה בהדרת קדש חילו מפניו כל הארץ׃ 9
Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake; dederai pamberi pake, imi nyika dzose.
אמרו בגוים יהוה מלך אף תכון תבל בל תמוט ידין עמים במישרים׃ 10
Muti pakati pendudzi, “Jehovha ndiye anobata ushe.” Nyika yakanyatsosimbiswa, haingazungunuswi; uye achatonga marudzi nokururama.
ישמחו השמים ותגל הארץ ירעם הים ומלאו׃ 11
Kudenga denga ngakufare, nyika ngaifarisise; gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri;
יעלז שדי וכל אשר בו אז ירננו כל עצי יער׃ 12
masango ngaafare, nezvose zviri maari. Ipapo miti yose yesango ichaimba nomufaro;
לפני יהוה כי בא כי בא לשפט הארץ ישפט תבל בצדק ועמים באמונתו׃ 13
ichaimba pamberi paJehovha, nokuti anouya, anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika nokururama, uye vanhu nechokwadi chake.

< תהילים 96 >