< תהילים 74 >

משכיל לאסף למה אלהים זנחת לנצח יעשן אפך בצאן מרעיתך׃ 1
Masikiri raAsafi. Haiwa Mwari, makatirambireiko nokusingaperi? Kutsamwa kwenyu kwapfungairireiko pamusoro pamakwai anofudzwa nemi?
זכר עדתך קנית קדם גאלת שבט נחלתך הר ציון זה שכנת בו׃ 2
Rangarirai vanhu vamakatenga kare, rudzi rwenhaka yenyu, ivo vamakadzikinura, Gomo reZioni, pamaigara.
הרימה פעמיך למשאות נצח כל הרע אויב בקדש׃ 3
Dzorai nhambwe dzenyu mutarise matongo asingaperi, kuparadza ikoku kwose kwakauya nomuvengi pamusoro penzvimbo yenyu tsvene.
שאגו צרריך בקרב מועדך שמו אותתם אתות׃ 4
Vavengi venyu vakaomba panzvimbo yamakasangana nesu; vakamisa mireza yavo sechiratidzo.
יודע כמביא למעלה בסבך עץ קרדמות׃ 5
Vakaita savanhu vanosimudza matemo kuti vateme dondo remiti.
ועת פתוחיה יחד בכשיל וכילפת יהלמון׃ 6
Vakaputsa zvose zvakavezwa namatemo avo nembezo.
שלחו באש מקדשך לארץ חללו משכן שמך׃ 7
Vakapisira pasi nzvimbo yenyu tsvene; vakamhura ugaro hweZita renyu.
אמרו בלבם נינם יחד שרפו כל מועדי אל בארץ׃ 8
Vakati mumwoyo yavo, “Tichavaputsa zvachose!” Vakapisa nzvimbo dzose dzokunamatira Mwari munyika.
אותתינו לא ראינו אין עוד נביא ולא אתנו ידע עד מה׃ 9
Hatichaoni zviratidzo zvinoshamisa; hakuna muprofita akasara, pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvicharamba zvakadaro kusvikira rini.
עד מתי אלהים יחרף צר ינאץ אויב שמך לנצח׃ 10
Haiwa Mwari, muvengi acharamba achikushorai kusvikira riniko? Ko, muvengi acharamba achimhura zita renyu nokusingaperi here?
למה תשיב ידך וימינך מקרב חוקך כלה׃ 11
Munodzoserereiko ruoko rwenyu shure, irwo ruoko rwenyu rworudyi? Rubvisei pamupendero wenguo yenyu muvaparadze!
ואלהים מלכי מקדם פעל ישועות בקרב הארץ׃ 12
Asi imi, iyemi Mwari, ndimi mambo wangu kubva nakare; imi munouyisa ruponeso panyika.
אתה פוררת בעזך ים שברת ראשי תנינים על המים׃ 13
Ndimi makaganhura gungwa napakati nesimba renyu; makaputsa misoro yechikara chomumvura.
אתה רצצת ראשי לויתן תתננו מאכל לעם לציים׃ 14
Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani, mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga.
אתה בקעת מעין ונחל אתה הובשת נהרות איתן׃ 15
Ndimi makazarura zvitubu nehova; mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera.
לך יום אף לך לילה אתה הכינות מאור ושמש׃ 16
Zuva nderenyu, uye usiku ndohwenyuwo; makasimbisa zuva nomwedzi.
אתה הצבת כל גבולות ארץ קיץ וחרף אתה יצרתם׃ 17
Ndimi makatara miganhu yose yenyika; mukaita zvose zhizha nechando.
זכר זאת אויב חרף יהוה ועם נבל נאצו שמך׃ 18
Rangarirai kuti muvengi akakushorai sei, imi Jehovha, uye kuti mapenzi akamhura sei zita renyu.
אל תתן לחית נפש תורך חית ענייך אל תשכח לנצח׃ 19
Regai kuisa upenyu hwenjiva yenyu kumhuka dzesango; regai kukanganwa nokusingaperi upenyu hwavanhu venyu vanonetswa.
הבט לברית כי מלאו מחשכי ארץ נאות חמס׃ 20
Ivai nehanya nesungano yenyu, nokuti mweya wokurwisana wazadza nzvimbo dzerima munyika.
אל ישב דך נכלם עני ואביון יהללו שמך׃ 21
Musarega vakadzvinyirirwa vachidududza shure nenyadzi; varombo navanoshayiwa ngavarumbidze zita renyu.
קומה אלהים ריבה ריבך זכר חרפתך מני נבל כל היום׃ 22
Simukai, imi Mwari, mutsigire mhaka yenyu; rangarirai kuti mapenzi anokushorai sei zuva rose.
אל תשכח קול צרריך שאון קמיך עלה תמיד׃ 23
Regai kushayira hanya ruzha rwavadzivisi venyu, bope ravavengi venyu, rinoramba richikwira.

< תהילים 74 >