< תהילים 73 >

מזמור לאסף אך טוב לישראל אלהים לברי לבב׃ 1
Pisarema raAsafi. Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri, kuna avo vakachena pamwoyo.
ואני כמעט נטוי רגלי כאין שפכה אשרי׃ 2
Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza; ndakasara paduku kupunzika.
כי קנאתי בהוללים שלום רשעים אראה׃ 3
Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira kwavakaipa.
כי אין חרצבות למותם ובריא אולם׃ 4
Havatambudziki; miviri yavo ino utano uye vakasimba.
בעמל אנוש אינמו ועם אדם לא ינגעו׃ 5
Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu; havatambudzwi nezvinotambudza vanhu.
לכן ענקתמו גאוה יעטף שית חמס למו׃ 6
Naizvozvo kuzvikudza ndiko ruketani rwemitsipa yavo; vanozvishongedza nechisimba.
יצא מחלב עינמו עברו משכיות לבב׃ 7
Mumwoyo yavo makasindimara munobuda chitadzo; mifungo yakaipa yendangariro dzavo haina magumo.
ימיקו וידברו ברע עשק ממרום ידברו׃ 8
Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo, vanoti vachadzvinyirira vamwe.
שתו בשמים פיהם ולשונם תהלך בארץ׃ 9
Miromo yavo inoti denga nderavo, uye ndimi dzavo dzinotora nyika.
לכן ישיב עמו הלם ומי מלא ימצו למו׃ 10
Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda.
ואמרו איכה ידע אל ויש דעה בעליון׃ 11
Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?”
הנה אלה רשעים ושלוי עולם השגו חיל׃ 12
Ndizvo zvakaita vakaipa, havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo.
אך ריק זכיתי לבבי וארחץ בנקיון כפי׃ 13
Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina.
ואהי נגוע כל היום ותוכחתי לבקרים׃ 14
Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose.
אם אמרתי אספרה כמו הנה דור בניך בגדתי׃ 15
Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu.
ואחשבה לדעת זאת עמל היא בעיני׃ 16
Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo
עד אבוא אל מקדשי אל אבינה לאחריתם׃ 17
kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo.
אך בחלקות תשית למו הפלתם למשואות׃ 18
Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare.
איך היו לשמה כרגע ספו תמו מן בלהות׃ 19
Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa!
כחלום מהקיץ אדני בעיר צלמם תבזה׃ 20
Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka.
כי יתחמץ לבבי וכליותי אשתונן׃ 21
Mwoyo wangu pawakachema uye mweya wangu ukashungurudzika,
ואני בער ולא אדע בהמות הייתי עמך׃ 22
ndakanga ndava benzi uye ndisingazivi; ndakanga ndava mhuka inotyisa pamberi penyu.
ואני תמיד עמך אחזת ביד ימיני׃ 23
Kunyange zvakadaro ndinogara nemi nguva dzose; munondibata noruoko rwenyu rworudyi.
בעצתך תנחני ואחר כבוד תקחני׃ 24
Munondisesedza nezano renyu, uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu.
מי לי בשמים ועמך לא חפצתי בארץ׃ 25
Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi? Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu.
כלה שארי ולבבי צור לבבי וחלקי אלהים לעולם׃ 26
Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo, asi Mwari isimba romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.
כי הנה רחקיך יאבדו הצמתה כל זונה ממך׃ 27
Avo vari kure nemi vachaparara; munoparadza vose vasina kutendeka kwamuri.
ואני קרבת אלהים לי טוב שתי באדני יהוה מחסי לספר כל מלאכותיך׃ 28
Asi kana ndirini, zvakanaka kuva pedyo naMwari. Ndakaita Ishe Jehovha utiziro hwangu; ndichataura zvamabasa enyu ose.

< תהילים 73 >