< תהילים 68 >
למנצח לדוד מזמור שיר יקום אלהים יפוצו אויביו וינוסו משנאיו מפניו׃ | 1 |
Mutungamiri mukuru wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo. Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe; vavengi vake ngavatize pamberi pake.
כהנדף עשן תנדף כהמס דונג מפני אש יאבדו רשעים מפני אלהים׃ | 2 |
Sokupeperetswa kunoitwa utsi nemhepo, saizvozvo vapeperetsei; sokunyauka kunoita namo pamberi pomoto, vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.
וצדיקים ישמחו יעלצו לפני אלהים וישישו בשמחה׃ | 3 |
Asi vakarurama ngavafare, vafarisise pamberi paMwari; ngavafare vapembere.
שירו לאלהים זמרו שמו סלו לרכב בערבות ביה שמו ועלזו לפניו׃ | 4 |
Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, murumbidzei zvikuru iye anofamba pamusoro pamakore, zita rake ndiJehovha, uye farai pamberi pake.
אבי יתומים ודין אלמנות אלהים במעון קדשו׃ | 5 |
Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi, ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.
אלהים מושיב יחידים ביתה מוציא אסירים בכושרות אך סוררים שכנו צחיחה׃ | 6 |
Vakanga vari voga Mwari akavagarisa mumhuri, anosesedza vasungwa vachiimba; asi mhandu dzinogara panyika yatsva nezuva.
אלהים בצאתך לפני עמך בצעדך בישימון סלה׃ | 7 |
Pamakatungamirira vanhu venyu, imi Mwari, pamakafamba napakati perenje, Sera
ארץ רעשה אף שמים נטפו מפני אלהים זה סיני מפני אלהים אלהי ישראל׃ | 8 |
nyika yakazungunuka, matenga akadurura mvura, pamberi paMwari, iye weSinai, pamberi paMwari, iye Mwari waIsraeri.
גשם נדבות תניף אלהים נחלתך ונלאה אתה כוננתה׃ | 9 |
Imi Mwari, makanayisa mvura zhinji; mukaita kuti nhaka yenyu yakaneta ifefeterwe.
חיתך ישבו בה תכין בטובתך לעני אלהים׃ | 10 |
Vanhu venyu vakagaramo, uye imi Mwari, kubva pane, zvakawanda zvenyu, makariritira varombo.
אדני יתן אמר המבשרות צבא רב׃ | 11 |
Ishe akataura shoko, vanhu vakaparidza shoko vaiva vazhinji kwazvo:
מלכי צבאות ידדון ידדון ונות בית תחלק שלל׃ | 12 |
“Madzimambo navarwi vakakurumidza kutiza; mumisasa, vanhu vakagovana zvakapambwa.
אם תשכבון בין שפתים כנפי יונה נחפה בכסף ואברותיה בירקרק חרוץ׃ | 13 |
Kunyange pamunenge makavata pakati pemoto yemisasa, mapapiro enjiva yangu akafukidzwa nesirivha, minhenga yayo negoridhe rinovaima.”
בפרש שדי מלכים בה תשלג בצלמון׃ | 14 |
Wamasimba Ose paakaparadzira madzimambo munyika, zvakanga zvakaita sechando chawira pamusoro peZarimoni.
הר אלהים הר בשן הר גבננים הר בשן׃ | 15 |
Makomo eBhashani makomo oushe; makomo eBhashani akati twi.
למה תרצדון הרים גבננים ההר חמד אלהים לשבתו אף יהוה ישכן לנצח׃ | 16 |
Munotaririreiko negodo, imi makomo akati twi, pagomo rakasarudzwa naMwari kuti atongepo, pachagarwa naJehovha pachake nokusingaperi?
רכב אלהים רבתים אלפי שנאן אדני בם סיני בקדש׃ | 17 |
Ngoro dzaMwari dzinosvika makumi ezviuru nezviuru zvezviuru; Ishe akasvika panzvimbo yake tsvene achibva kuSinai.
עלית למרום שבית שבי לקחת מתנות באדם ואף סוררים לשכן יה אלהים׃ | 18 |
Pamakakwira kumusoro, makatungamirira vatapwa mumudungwe wenyu; mukagamuchira zvipo zvaibva kuvanhu, kunyange zvaibva kuna vakapanduka, kuti imi, iyemi Jehovha Mwari, mugarepo.
ברוך אדני יום יום יעמס לנו האל ישועתנו סלה׃ | 19 |
Ishe ngaarumbidzwe, Mwari Muponesi wedu, anotakura mitoro yedu zuva nezuva. Sera
האל לנו אל למושעות וליהוה אדני למות תוצאות׃ | 20 |
Mwari wedu ndiMwari anoponesa; kupunyuka parufu kunobva kuna Ishe Jehovha.
אך אלהים ימחץ ראש איביו קדקד שער מתהלך באשמיו׃ | 21 |
Zvirokwazvo Mwari achapwanya misoro yavavengi vake, panhongonya dzine vhudzi dzaavo vanorambira muzvivi zvavo.
אמר אדני מבשן אשיב אשיב ממצלות ים׃ | 22 |
Ishe anoti, “Ndichavabvisa kubva kuBhashani; ndichavabudisa kubva kwakadzika kwegungwa,
למען תמחץ רגלך בדם לשון כלביך מאיבים מנהו׃ | 23 |
kuti unyike tsoka dzako muropa ravavengi vako, ndimi dzembwa dzako dzichiwanawo mugove wadzo.”
ראו הליכותיך אלהים הליכות אלי מלכי בקדש׃ | 24 |
Mudungwe wenyu wakaonekwa, imi Mwari, mudungwe waMwari wangu naMambo achipinda munzvimbo tsvene.
קדמו שרים אחר נגנים בתוך עלמות תופפות׃ | 25 |
Mberi kuna vaimbi, vachiteverwa navaridzi vemitengeranwa; pamwe chete navarandakadzi vachiridza matambureni.
במקהלות ברכו אלהים יהוה ממקור ישראל׃ | 26 |
Rumbidzai Mwari paungano huru; rumbidzai Mwari pagungano raIsraeri.
שם בנימן צעיר רדם שרי יהודה רגמתם שרי זבלון שרי נפתלי׃ | 27 |
Tarirai, rudzi ruduku rwaBhenjamini runovatungamirira, hawo machinda mazhinji aJudha, uye hawo machinda aZebhuruni neaNafutari.
צוה אלהיך עזך עוזה אלהים זו פעלת לנו׃ | 28 |
Danai simba renyu, imi Mwari; tiratidzei simba renyu, imi Mwari, sezvamakaita kare.
מהיכלך על ירושלם לך יובילו מלכים שי׃ | 29 |
Nokuda kwetemberi yenyu paJerusarema, madzimambo achakuvigirai zvipo.
גער חית קנה עדת אבירים בעגלי עמים מתרפס ברצי כסף בזר עמים קרבות יחפצו׃ | 30 |
Tukai mhuka dziri pakati petsanga, mapoka ehando ari pakati pemhuru dzendudzi. Ngavauye nesirivha, vakazvininipisa. Paradzirai ndudzi dzinofarira kurwa.
יאתיו חשמנים מני מצרים כוש תריץ ידיו לאלהים׃ | 31 |
Nhume dzichabva kuIjipiti; Etiopia ichazviisa pasi paMwari.
ממלכות הארץ שירו לאלהים זמרו אדני סלה׃ | 32 |
Imbirai Mwari, imi ushe hwepasi, rumbidzai Ishe nenziyo, Sera
לרכב בשמי שמי קדם הן יתן בקולו קול עז׃ | 33 |
kuna iye anotasva matenga akare kumusoro, iye anobudisa inzwi rake, inzwi rine simba.
תנו עז לאלהים על ישראל גאותו ועזו בשחקים׃ | 34 |
Paridzai simba raMwari, iye ano ushe huri pamusoro peIsraeri, ane simba riri kudenga denga.
נורא אלהים ממקדשיך אל ישראל הוא נתן עז ותעצמות לעם ברוך אלהים׃ | 35 |
Munotyisa imi Mwari, muri panzvimbo yenyu tsvene; Mwari waIsraeri anopa ushe nesimba kuvanhu vake. Mwari ngaarumbidzwe!