< תהילים 61 >
למנצח על נגינת לדוד שמעה אלהים רנתי הקשיבה תפלתי׃ | 1 |
Kumutungamiri wokuimba, nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raDhavhidhi. Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari; rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu.
מקצה הארץ אליך אקרא בעטף לבי בצור ירום ממני תנחני׃ | 2 |
Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri, ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya; nditungamirirei kudombo rakakwirira kundipfuura.
כי היית מחסה לי מגדל עז מפני אויב׃ | 3 |
Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu.
אגורה באהלך עולמים אחסה בסתר כנפיך סלה׃ | 4 |
Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi, uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu. Sera
כי אתה אלהים שמעת לנדרי נתת ירשת יראי שמך׃ | 5 |
Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari; makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu.
ימים על ימי מלך תוסיף שנותיו כמו דר ודר׃ | 6 |
Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo, makore ake kumarudzi namarudzi.
ישב עולם לפני אלהים חסד ואמת מן ינצרהו׃ | 7 |
Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi; gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire.
כן אזמרה שמך לעד לשלמי נדרי יום יום׃ | 8 |
Ipapo ndichagara ndichirumbidza zita renyu nenziyo, uye ndichazadzisa mhiko dzangu zuva nezuva.