< תהילים 49 >

למנצח לבני קרח מזמור שמעו זאת כל העמים האזינו כל ישבי חלד׃ 1
Kumutungamiri wokuimba, waVanakomana vaKora. Pisarema. Inzwai izvi, imi vanhu mose; teererai imi mose mugere panyika,
גם בני אדם גם בני איש יחד עשיר ואביון׃ 2
vapasi navapamusoro, vapfumi navarombo pamwe chete.
פי ידבר חכמות והגות לבי תבונות׃ 3
Muromo wangu uchataura nouchenjeri; kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa.
אטה למשל אזני אפתח בכנור חידתי׃ 4
Ndicharerekera nzeve yangu kuchirahwe; nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika.
למה אירא בימי רע עון עקבי יסובני׃ 5
Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya, kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza,
הבטחים על חילם וברב עשרם יתהללו׃ 6
vaya vanovimba nepfuma yavo vanozvikudza nepfuma yavo zhinji?
אח לא פדה יפדה איש לא יתן לאלהים כפרו׃ 7
Hakuna munhu angadzikinura upenyu hwomumwe kana kupa Mwari rudzikinuro rwake,
ויקר פדיון נפשם וחדל לעולם׃ 8
rudzikinuro rwoupenyu runokosha, hakuna muripo unoringana nahwo,
ויחי עוד לנצח לא יראה השחת׃ 9
kuti ararame nokusingaperi uye kuti asaona kuora.
כי יראה חכמים ימותו יחד כסיל ובער יאבדו ועזבו לאחרים חילם׃ 10
Nokuti vose vanogona kuona kuti vanhu vakachenjera vanofa; mapenzi navasina pfungwa zvimwe chetezvo vanofa, uye vanosiyira vamwe pfuma yavo.
קרבם בתימו לעולם משכנתם לדר ודר קראו בשמותם עלי אדמות׃ 11
Marinda avo achagara ari dzimba dzavo nokusingaperi, nougaro hwavo kusvikira kuzvizvarwa zvisingaperi, kunyange vakanga vakapa nyika mazita avo.
ואדם ביקר בל ילין נמשל כבהמות נדמו׃ 12
Asi munhu, kunyange ane pfuma yake, haagari; akafanana nemhuka dzinofa.
זה דרכם כסל למו ואחריהם בפיהם ירצו סלה׃ 13
Ndiwo magumo aivavo vanovimba nezvavanoita, namagumo avateveri vavo, vanotenda zvavanotaura. Sera
כצאן לשאול שתו מות ירעם וירדו בם ישרים לבקר וצירם לבלות שאול מזבל לו׃ (Sheol h7585) 14
Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva, uye rufu ruchavadya. Vakarurama vachavatonga mangwanani; chimiro chavo chichaora murinda, kure nedzimba dzavo dzoumambo. (Sheol h7585)
אך אלהים יפדה נפשי מיד שאול כי יקחני סלה׃ (Sheol h7585) 15
Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye. Sera (Sheol h7585)
אל תירא כי יעשר איש כי ירבה כבוד ביתו׃ 16
Usanyanya kutya kana munhu apfuma, kana kubwinya kweimba yake kwawedzerwa;
כי לא במותו יקח הכל לא ירד אחריו כבודו׃ 17
nokuti haana chaachatora paanofa; kubwinya kwake hakungaburukiri naye murinda.
כי נפשו בחייו יברך ויודך כי תיטיב לך׃ 18
Kunyange paairarama aizviti akaropafadzwa, uye vanhu vachirumbidza munhu paanobudirira,
תבוא עד דור אבותיו עד נצח לא יראו אור׃ 19
achabatana norudzi rwamadzibaba ake, vasingazoonizve chiedza choupenyu.
אדם ביקר ולא יבין נמשל כבהמות נדמו׃ 20
Munhu ane pfuma zhinji asinganzwisisi akaita semhuka dzinofa.

< תהילים 49 >