< תהילים 29 >
מזמור לדוד הבו ליהוה בני אלים הבו ליהוה כבוד ועז׃ | 1 |
Pisarema raDhavhidhi. Ipai kuna Jehovha, imi mune simba ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba.
הבו ליהוה כבוד שמו השתחוו ליהוה בהדרת קדש׃ | 2 |
Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
קול יהוה על המים אל הכבוד הרעים יהוה על מים רבים׃ | 3 |
Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji. Mwari wokubwinya anotinhira, Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji.
קול יהוה בכח קול יהוה בהדר׃ | 4 |
Inzwi raJehovha rine simba; inzwi raJehovha rinokudzwa.
קול יהוה שבר ארזים וישבר יהוה את ארזי הלבנון׃ | 5 |
Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari, Jehovha anovhuna-vhuna misidhari yeRebhanoni.
וירקידם כמו עגל לבנון ושרין כמו בן ראמים׃ | 6 |
Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru, neSirioni senzombe yenyati.
Inzwi raJehovha rinorova nokuvaima kwemheni.
קול יהוה יחיל מדבר יחיל יהוה מדבר קדש׃ | 8 |
Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga; Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi.
קול יהוה יחולל אילות ויחשף יערות ובהיכלו כלו אמר כבוד׃ | 9 |
Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e. Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!”
יהוה למבול ישב וישב יהוה מלך לעולם׃ | 10 |
Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura; Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi.
יהוה עז לעמו יתן יהוה יברך את עמו בשלום׃ | 11 |
Jehovha anopa simba kuvanhu vake; Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.