< תהילים 12 >

למנצח על השמינית מזמור לדוד הושיעה יהוה כי גמר חסיד כי פסו אמונים מבני אדם׃ 1
Kumutungamiri wokuimba. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi. Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina; vakatendeka vapera pakati pavanhu.
שוא ידברו איש את רעהו שפת חלקות בלב ולב ידברו׃ 2
Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema; miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera.
יכרת יהוה כל שפתי חלקות לשון מדברת גדלות׃ 3
Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso, norurimi rumwe norumwe runozvikudza
אשר אמרו ללשננו נגביר שפתינו אתנו מי אדון לנו׃ 4
ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu; miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?”
משד עניים מאנקת אביונים עתה אקום יאמר יהוה אשית בישע יפיח לו׃ 5
“Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba nokugomera kwavarombo, ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.”
אמרות יהוה אמרות טהרות כסף צרוף בעליל לארץ מזקק שבעתים׃ 6
Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa, sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu, yakanatswa kanomwe.
אתה יהוה תשמרם תצרנו מן הדור זו לעולם׃ 7
Imi Jehovha, muchatichengeta murugare uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.
סביב רשעים יתהלכון כרם זלות לבני אדם׃ 8
Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.

< תהילים 12 >