< תהילים 111 >
הללו יה אודה יהוה בכל לבב בסוד ישרים ועדה׃ | 1 |
Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose, padare ravakarurama nepagungano.
גדלים מעשי יהוה דרושים לכל חפציהם׃ | 2 |
Mabasa aJehovha makuru; anorangarirwa navose vanofara maari.
הוד והדר פעלו וצדקתו עמדת לעד׃ | 3 |
Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.
זכר עשה לנפלאתיו חנון ורחום יהוה׃ | 4 |
Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe; Jehovha ane nyasha nengoni.
טרף נתן ליראיו יזכר לעולם בריתו׃ | 5 |
Anopa zvokudya kuna avo vanomutya; anorangarira sungano yake nokusingaperi.
כח מעשיו הגיד לעמו לתת להם נחלת גוים׃ | 6 |
Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.
מעשי ידיו אמת ומשפט נאמנים כל פקודיו׃ | 7 |
Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama, mitemo yake yose yakavimbika.
סמוכים לעד לעולם עשוים באמת וישר׃ | 8 |
Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri, yakaitwa mukutendeka nokururama.
פדות שלח לעמו צוה לעולם בריתו קדוש ונורא שמו׃ | 9 |
Akapa dzikinuro kuvanhu vake; akasimbisa sungano yake nokusingaperi, zita rake idzvene uye rinotyisa.
ראשית חכמה יראת יהוה שכל טוב לכל עשיהם תהלתו עמדת לעד׃ | 10 |
Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere; vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa. Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.