< מִשְׁלֵי 23 >

כי תשב ללחום את מושל בין תבין את אשר לפניך׃ 1
Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati, nyatsocherechedza zviri pamberi pako,
ושמת שכין בלעך אם בעל נפש אתה׃ 2
uise banga pahuro kana uri munhu wamadyo.
אל תתאו למטעמותיו והוא לחם כזבים׃ 3
Usapanga zvokudya zvake zvinonaka nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera.
אל תיגע להעשיר מבינתך חדל׃ 4
Usazvionza nokuda kuwana pfuma; iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate.
התעוף עיניך בו ואיננו כי עשה יעשה לו כנפים כנשר ועיף השמים׃ 5
Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo.
אל תלחם את לחם רע עין ואל תתאו למטעמתיו׃ 6
Usadya zvokudya zvomunhu anonyima, kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka;
כי כמו שער בנפשו כן הוא אכל ושתה יאמר לך ולבו בל עמך׃ 7
nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.
פתך אכלת תקיאנה ושחת דבריך הנעימים׃ 8
Ucharutsa zvishoma izvozvo zvawadya, uye unenge watambisa mashoko ako nokumutenda.
באזני כסיל אל תדבר כי יבוז לשכל מליך׃ 9
Usataura nebenzi, nokuti richashora uchenjeri hwamashoko ako.
אל תסג גבול עולם ובשדי יתומים אל תבא׃ 10
Usabvisa dombo romuganhu wakare kana kupinda paminda yenherera,
כי גאלם חזק הוא יריב את ריבם אתך׃ 11
nokuti Mudziviriri wavo ane simba; iye achavarwira pamhaka yavo newe.
הביאה למוסר לבך ואזנך לאמרי דעת׃ 12
Isa mwoyo wako kumurayiro nenzeve dzako kumashoko ezivo.
אל תמנע מנער מוסר כי תכנו בשבט לא ימות׃ 13
Usarega kuranga mwana; ukamuranga neshamhu, haafi.
אתה בשבט תכנו ונפשו משאול תציל׃ (Sheol h7585) 14
Murange neshamhu ugoponesa mweya wake kubva parufu. (Sheol h7585)
בני אם חכם לבך ישמח לבי גם אני׃ 15
Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera, ipapo mwoyo wangu uchafara;
ותעלזנה כליותי בדבר שפתיך מישרים׃ 16
mukatikati mangu muchapembera kana miromo yako ichitaura zvakarurama.
אל יקנא לבך בחטאים כי אם ביראת יהוה כל היום׃ 17
Usarega mwoyo wako uchichiva vatadzi, asi nguva dzose shingairira kutya Jehovha.
כי אם יש אחרית ותקותך לא תכרת׃ 18
Zvirokwazvo ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparadzwi.
שמע אתה בני וחכם ואשר בדרך לבך׃ 19
Teerera, mwanakomana wangu, ugova nouchenjeri, uye uchengete mwoyo wako panzira yakarurama.
אל תהי בסבאי יין בזללי בשר למו׃ 20
Usabatana navaya vanonwa waini zhinji, kunyange vaya vanokara nyama,
כי סבא וזולל יורש וקרעים תלביש נומה׃ 21
nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo, uye hope dzichavapfekedza mamvemve.
שמע לאביך זה ילדך ואל תבוז כי זקנה אמך׃ 22
Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka, uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.
אמת קנה ואל תמכר חכמה ומוסר ובינה׃ 23
Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa; uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa.
גול יגול אבי צדיק יולד חכם וישמח בו׃ 24
Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.
ישמח אביך ואמך ותגל יולדתך׃ 25
Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo!
תנה בני לבך לי ועיניך דרכי תרצנה׃ 26
Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako uye meso ako ngaananʼanidze nzira dzangu,
כי שוחה עמקה זונה ובאר צרה נכריה׃ 27
nokuti chifeve igomba rakadzika, uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana.
אף היא כחתף תארב ובוגדים באדם תוסף׃ 28
Segororo anohwandira, anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume.
למי אוי למי אבוי למי מדונים למי שיח למי פצעים חנם למי חכללות עינים׃ 29
Ndiani ane nhamo? Ndiani akasuwa? Ndiani anokakavara? Ndiani anonyunyuta? Ndiani ane mavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?
למאחרים על היין לבאים לחקר ממסך׃ 30
Vaya vanogara pawaini, vanoenda kundoravira makate ewaini yakavhenganiswa.
אל תרא יין כי יתאדם כי יתן בכיס עינו יתהלך במישרים׃ 31
Usatarisa waini kana yatsvuka, kana ichivaima iri mumukombe, kana ichidzika zvakanaka pakunwa!
אחריתו כנחש ישך וכצפעני יפרש׃ 32
Pakupedzisira inoruma senyoka uye ine uturu semvumbi.
עיניך יראו זרות ולבך ידבר תהפכות׃ 33
Meso ako achaona zvisakamboonekwa uye pfungwa dzako dzichafunga zvakapesana.
והיית כשכב בלב ים וכשכב בראש חבל׃ 34
Uchava souya akarara pamusoro pamafungu amakungwa, kana somunhu avete pamusoro pedanda rechikepe.
הכוני בל חליתי הלמוני בל ידעתי מתי אקיץ אוסיף אבקשנו עוד׃ 35
Uchati, “Vakandirova, asi handina kukuvara! Vakandirova asi handina kuzvinzwa! Ndichamuka rinhiko kuti ndigotsvakazve waini?”

< מִשְׁלֵי 23 >