< נחום 1 >

משא נינוה ספר חזון נחום האלקשי׃ 1
Chirevo pamusoro peNinevhe. Bhuku rezvakaonekwa naNahumi muErikoshi.
אל קנוא ונקם יהוה נקם יהוה ובעל חמה נקם יהוה לצריו ונוטר הוא לאיביו׃ 2
Jehovha ane godo uye ndiMwari anotsiva; Jehovha anotsiva uye azere nehasha. Jehovha anotsiva kuvavengi vake uye anochengetera vavengi vake hasha dzake.
יהוה ארך אפים וגדול כח ונקה לא ינקה יהוה בסופה ובשערה דרכו וענן אבק רגליו׃ 3
Jehovha anononoka kutsamwa uye ane simba guru; Jehovha haangasiye ane mhosva asina kurangwa. Nzira yake iri muchamupupuri nedutu, uye makore ndiwo guruva retsoka dzake.
גוער בים ויבשהו וכל הנהרות החריב אמלל בשן וכרמל ופרח לבנון אמלל׃ 4
Anotuka gungwa agoriomesa; anoita kuti nzizi dzose dziome. Bhashani neKarimeri zvasvava uye kutumbuka kweRebhanoni kwapera.
הרים רעשו ממנו והגבעות התמגגו ותשא הארץ מפניו ותבל וכל ישבי בה׃ 5
Makomo anodengenyeka pamberi pake uye zvikomo zvinonyungudika. Nyika inodedera pamberi pake, nyika uye navose vanogara mairi.
לפני זעמו מי יעמוד ומי יקום בחרון אפו חמתו נתכה כאש והצרים נתצו ממנו׃ 6
Ndiani angadzivisa hasha dzake? Ndiani angashingirire pahasha dzake dzinotyisa? Hasha dzake dzadururwa somoto; matombo apwanyika pamberi pake.
טוב יהוה למעוז ביום צרה וידע חסי בו׃ 7
Jehovha akanaka, utiziro panguva dzokutambudzika. Anochengeta avo vanovimba naye,
ובשטף עבר כלה יעשה מקומה ואיביו ירדף חשך׃ 8
asi namafashamu ane simba guru, achaparadza Ninevhe; achateverera vavengi vake kusvikira murima.
מה תחשבון אל יהוה כלה הוא עשה לא תקום פעמים צרה׃ 9
Zvose zvavakaronga pamusoro paJehovha iye achazviparadza; dambudziko haringauyi kechipiri.
כי עד סירים סבכים וכסבאם סבואים אכלו כקש יבש מלא׃ 10
Vachakorokodzwa pakati peminzwa uye vachadhakwa newaini yavo; vachaparadzwa samashanga akaoma.
ממך יצא חשב על יהוה רעה יעץ בליעל׃ 11
Kubva mauri, iwe Ninevhe, pane mumwe akabuda anoronga zvakaipa pamusoro paJehovha uye anopa zano rakaipa.
כה אמר יהוה אם שלמים וכן רבים וכן נגזו ועבר וענתך לא אענך עוד׃ 12
Zvanzi naJehovha: “Kunyange vane vabatsiri uye vakawanda, vachaurayiwa vakasazovapozve. Kunyange ndakakutambudza, iwe Judha, handichazokutambudzazve.
ועתה אשבר מטהו מעליך ומוסרתיך אנתק׃ 13
Zvino ndichavhuna joko ravo kubva pamutsipa wako uye ndichadambura ngetani dzako.”
וצוה עליך יהוה לא יזרע משמך עוד מבית אלהיך אכרית פסל ומסכה אשים קברך כי קלות׃ 14
Jehovha arayira shoko pamusoro pako, iwe Ninevhe, rokuti, “Hauchazovi nezvizvarwa zvinopiwa zita rako. Ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa, zviri mutemberi yavamwari vako. Ndichachera guva rako, nokuti iwe wakaipa kwazvo.”
הנה על ההרים רגלי מבשר משמיע שלום חגי יהודה חגיך שלמי נדריך כי לא יוסיף עוד לעבור בך בליעל כלה נכרת׃ 15
Tarira, pamakomo apo, tsoka dzouyo anouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Pemberera mitambo yako, iwe Judha, uye uzadzise mhiko dzako. Vakaipa havachakurwisazve; vachaparadzwa zvachose.

< נחום 1 >