< מתיו 3 >
בימים ההם בא יוחנן המטביל ויהי קרא במדבר יהודה לאמר׃ | 1 |
Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea,
שובו כי מלכות השמים הגיעה׃ | 2 |
achiti, “Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
הלא זה הוא אשר נבא עליו ישעיהו הנביא לאמר קול קורא במדבר פנו דרך יהוה ישרו מסלותיו׃ | 3 |
Uyu ndiye akataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi: “Inzwi rounodanidzira murenje richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’”
והוא יוחנן לבושו שער גמלים ואזור עור במתניו ומאכלו חגבים ודבש היער׃ | 4 |
Nguo dzaJohani dzakanga dzakagadzirwa nemvere dzengamera uye akanga akasunga bhanhire redehwe muchiuno chake. Zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi.
ויצאו אליו ישבי ירושלים וכל יהודה וכל ככר הירדן׃ | 5 |
Vanhu vakabuda vakaenda kwaari vachibva muJerusarema nomuJudhea yose nomudunhu rose reJorodhani.
ויטבלו על ידו בירדן מתודים את חטאתם׃ | 6 |
Vachireurura zvivi zvavo vakabhabhatidzwa naye murwizi rweJorodhani.
ויהי כראותו רבים מן הפרושים והצדוקים נגשים לטבילתו ויאמר להם ילדי הצפעונים מי השכיל אתכם להמלט מן הקצף הבא׃ | 7 |
Asi paakaona vaFarisi navaSadhusi vachiuya kwaaibhabhatidzira akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?
לכן עשו פרי הראוי לתשובה׃ | 8 |
Berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.
ואל תחשבו בלבבכם לאמר אברהם הוא אבינו כי אני אמר לכם כי מן האבנים האלה יכול האלהים להקים בנים לאברהם׃ | 9 |
Uye musafunga kuti mungati, ‘Tina Abhurahama sababa vedu.’ Ndinokuudzai kuti Mwari anogona kumutsa vamwe vana vaAbhurahama kubva pamabwe aya.
וכבר הושם הגרזן על שרש העצים והנה כל עץ אשר איננו עשה פרי טוב יגדע וישלך באש׃ | 10 |
Demo ratoiswa pamidzi yemiti uye muti wose usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.
הן אנכי טובל אתכם במים לתשובה והבא אחרי חזק הוא ממני אשר אינני כדי לשאת נעליו והוא יטבל אתכם ברוח הקדש ובאש׃ | 11 |
“Ini ndinokubhabhatidzai nemvura kuti mutendeuke. Asi shure kwangu kuchauya mumwe mukuru kwandiri, wandisina kukodzera kunyange kutakura shangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
אשר בידו המזרה וזרה את גרנו ואסף את דגנו אל אוצרו ואת המץ ישרפנו באש אשר לא תכבה׃ | 12 |
Rusero rwuri muruoko rwake, uye achanatsa buriro rake, achiunganidza gorosi mudura, uye achizopisa hundi mumoto usingadzimi.”
ויבא ישוע מן הגליל הירדנה אל יוחנן להטבל על ידו׃ | 13 |
Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhabhatidzwa naJohani.
ויוחנן חשך אותו לאמר אני צריך להטבל על ידך ואתה בא אלי׃ | 14 |
Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, “Ini ndini ndinotofanira kubhabhatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?”
ויען ישוע ויאמר אליו הניחה לי כי כן נאוה לנו למלא כל הצדקה וינח לו׃ | 15 |
Jesu akapindura akati, “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanira kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.” Ipapo Johani akabvuma hake.
ויהי כאשר נטבל ישוע וימהר לעלות מן המים והנה נפתחו לו השמים וירא את רוח אלהים יורדת כיונה ונחה עליו׃ | 16 |
Jesu angobhabhatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari.
והנה קול מן השמים אומר זה בני ידידי אשר רצתה נפשי בו׃ | 17 |
Inzwi rakabva kudenga richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.”