< מתיו 14 >

בעת ההיא שמע הורדוס שר רבע המדינה את שמע ישוע׃ 1
Panguva iyoyo mambo Herodhi akanzwa nezvaJesu
ויאמר אל נעריו זה הוא יוחנן המטביל והוא קם מן המתים על כן הגבורות פעלות בו׃ 2
uye akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; amuka kubva kuvakafa! Ndokusaka masimba ezvishamiso achishanda maari.”
כי הורדוס תפש את יוחנן ויאסרהו וישימהו בבית הסהר בגלל הורודיה אשת פילפוס אחיו׃ 3
Zvino Herodhi ainge abata Johani akamusunga achibva amuisa mutorongo nokuda kwaHerodhiasi mudzimai waFiripi, mununʼuna wake,
כי יוחנן אמר אליו לא נכון היתה לך לאשה׃ 4
sezvo Johani ainge ati kwaari, “Hautenderwi kutora mukadzi uyu.”
ויבקש המיתו אך ירא את ההמון כי לנביא חשבו אתו׃ 5
Herodhi aida kuuraya Johani asi aitya vanhu nokuti vaimuona somuprofita.
ויהי ביום הלדת הורדוס ותרקד בת הורודיה בתוכם ותיטב בעיני הורדוס׃ 6
Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mwanasikana waHerodhiasi akatamba pamberi pavo uye zvikafadza Herodhi kwazvo,
וישבע לה ויאמר מה תשאל נפשך ואתן לך׃ 7
zvokuti akamuvimbisa nemhiko kuti aizomupa chipi nechipi chaaizokumbira.
ואמה שמה את הדברים בפיה ותשאל לאמר תנה לי פה בקערה את ראש יוחנן המטביל׃ 8
Arayirwa namai vake mwanasikana akati, “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.”
ויעצב המלך אך בעבור השבועה והמסבים עמו צוה לתת לה׃ 9
Mambo akasuwiswa nazvo, asi nokuda kwemhiko yake uye navaainge agere navo pakudya, akarayira kuti upiwe kwaari,
וישלח וישא את ראש יוחנן מעליו בבית הסהר׃ 10
ndokutuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo.
ויביאו את ראשו בקערה ויתנו לנערה ותביאהו אל אמה׃ 11
Uye musoro wake wakauyiwa nawo uri mundiro ukapiwa kumusikana, iye akaenda nawo kuna mai vake.
ויגשו תלמידיו וישאו את גויתו ויקברוה וילכו ויגידו לישוע׃ 12
Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora mutumbi wake vakandouviga. Vakazoenda vakandoudza Jesu.
ויהי כשמעו את זאת ויסר משם באניה אל מקום חרבה לבדד וישמעו המון העם וילכו אחריו ברגליהם מן הערים׃ 13
Jesu paakanzwa zvakanga zvaitika, akabvapo negwa zvisingazivikanwi nevazhinji akaenda kurenje. Vachinzwa izvi, vanhu vazhinji vakamutevera netsoka vachibva kumaguta.
ויצא ישוע וירא המון עם רב ויהמו מעיו עליהם וירפא את החלשים אשר בהם׃ 14
Paakabuda mugwa, Jesu akaona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi uye akaporesa varwere vavo.
ויהי לפנות ערב ויגשו אליו תלמידיו ויאמרו המקום חרב וגם נטה היום שלחה את המון העם וילכו אל הכפרים לקנות להם אכל׃ 15
Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.”
ויאמר אליהם אינם צריכים ללכת תנו אתם להם לאכל׃ 16
Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.”
ויאמרו אליו אין לנו פה כי אם חמשת ככרות לחם ושני דגים׃ 17
Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.”
ויאמר הביאום אלי הלם׃ 18
Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.”
ויצו את העם לשבת על הדשא ויקח את חמשת ככרות הלחם ואת שני הדגים וישא עיניו השמימה ויברך ויפרס ויתן את הלחם לתלמידים והתלמידים נתנו לעם׃ 19
Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu.
ויאכלו כלם וישבעו וישאו מן הפתותים הנותרים שנים עשר סלים מלאים׃ 20
Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri.
והאכלים היו כחמשת אלפי איש מלבד הנשים והטף׃ 21
Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana.
ויאץ ישוע בתלמידיו לרדת באניה לעבר לפניה אל עבר הים עד אשר ישלח את העם׃ 22
Pakarepo Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vapinde mugwa vafanotungamira kuenda kune rimwe divi, iye ndokusara achiendesa vanhu vazhinji ava.
ואחרי שלחו את העם עלה ההרה בדד להתפלל ויהי ערב והוא לבדו שמה׃ 23
Mushure mokuendesa vanhu vazhinji ava, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Madekwana akasvika iye achingovako ari oga,
והאניה הלכה בתוך הים ותטרף מן הגלים כי הרוח לנגדה׃ 24
asi igwa rakanga rava chinhambwe chikuru kwazvo kubva kunyika asi richitambudzwa namasaisai nokuti mhepo yairwisana naro.
ויהי באשמרת הרביעית ויבא אליהם ישוע מתהלך על פני הים׃ 25
Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa.
והתלמידים בראתם אותו מתהלך על פני הים נבהלו לאמר מראה רוח הוא ויצעקו מפחד׃ 26
Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!”
וידבר ישוע פתאם אליהם חזקו כי אני הוא אל תיראו׃ 27
Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!”
ויען פטרוס ויאמר אליו אם אתה הוא אדני צוה נא כי אבא אליך על המים׃ 28
Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.”
ויאמר בוא וירד פטרוס מן האניה ויתהלך על המים לבוא אל ישוע׃ 29
Iye akati, “Uya.” Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu.
ויהי כראתו את הרוח כי חזקה היא ויירא ויחל לטבע ויצעק לאמר אדני הושיעני׃ 30
Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!”
וימהר ישוע לשלח את ידו ויחזק בו ויאמר אליו קטן האמונה למה לחק לבך׃ 31
Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, “Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?”
הם עלו אל האניה והרוח שככה׃ 32
Uye pavakapinda mugwa, mhepo yakanyarara.
ואנשי האניה נגשו וישתחוו לו לאמר באמת בן אלהים אתה׃ 33
Ipapo vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.”
ויעברו את הים ויבאו ארצה גניסר׃ 34
Kuzoti vayambukira mhiri, vakaburukira paGenesareti.
ויכירו אתו אנשי המקום ההוא וישלחו אל כל סביבותיהם ויביאו אליו את כל החולים׃ 35
Uye varume venzvimbo iyoyo vakati vamuziva, vakatumira shoko mudunhu rose rakapoteredza. Vanhu vakauya navarwere vavo vose kwaari
ויבקשו ממנו כי יגעו רק בציצת בגדו וכל הנגעים נושעו׃ 36
vakamukumbira zvikuru kuti abvumire varwere kuti vangobata mupendero wenguo yake uye vose vakamubata vakaporeswa.

< מתיו 14 >