< מארק 12 >

ויחל לדבר אליהם במשלים לאמר איש נטע כרם ויעש גדר סביבותיו ויחצב יקב ויבן מגדל ויתנהו אל כרמים וילך למרחקים׃ 1
Zvino wakatanga kutaura kwavari nemifananidzo, achiti: Munhu wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini, akavaka shongwe, akauhaisa kuvarimi, ndokuenda parwendo.
ולמועד שלח אל הכרמים עבד לקחת מאת הכרמים מפרי הכרם׃ 2
Nenguva yakafanira, wakatumira muranda kuvarimi, kuti agamuchire kubva kuvarimi zvechibereko chemunda wemizambiringa.
ויחזיקו בו ויכהו וישלחהו ריקם׃ 3
Vakamubata vakarova, vakamuendesa asina chinhu.
ויסף לשלח אליהם עבד אחר ואתו סקלו באבנים ומחקו ראשו וישלחהו נכלם׃ 4
Akatumazve kwavari umwe muranda; uyu vakamuposhera mabwe, vakamukuvadza mumusoro, vakamuendesa anyadziswa.
ויסף וישלח אחר וגם אתו הרגו וכן עשו ברבים אחרים מהם הכו ומהם הרגו׃ 5
Zvino wakatumazve umwe; uyu vakamuurayawo; nevamwe vazhinji, vachirova vamwe, nekuuraya vamwe.
ויהי לו עוד בן יחיד אשר אהבו וישלח גם אתו אליהם באחרנה לאמר מפני בני יגורו׃ 6
Naizvozvo wakange achine mwanakomana umwe mudikanwi wake, akamutumirawo kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu.
והכרמים ההם אמרו איש אל רעהו הנה זה הוא היורש לכו ונהרגהו ולנו תהיה הירשה׃ 7
Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai ngatimuurayei, nhaka ichava yedu.
ויחזיקו בו ויהרגו אותו וישליכהו אל מחוץ לכרם׃ 8
Vakamutora vakauraya, vakaposhera kunze kwemunda wemizambiringa.
ועתה מה יעשה בעל הכרם יבוא ויאבד את הכרמים ההם ויתן את הכרם לאחרים׃ 9
Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa achaitei? Achauya akaparadza varimi, akapa munda wemizambiringa kune vamwe.
הלא קראתם את הכתוב הזה אבן מאסו הבונים היתה לראש פנה׃ 10
Ko hamuna kuverenga here rugwaro urwu rwunoti: Ibwe vavaki ravakarasa, ndiro rava musoro wekona;
מאת יהוה היתה זאת היא נפלאת בעינינו׃ 11
izvi zvakaitwa naIshe, uye zvinoshamisa pameso edu?
ויבקשו לתפשו וייראו מפני העם יען אשר הבינו כי עליהם דבר את המשל הזה ויעזבהו וילכו להם׃ 12
Zvino vakatsvaka kumubata, asi vakatya chaunga; nokuti vaiziva kuti wakange ataura mufananidzo uyu akanangana navo. Vakamusiya vakaenda.
וישלחו אליו אנשים מן הפרושים ומן ההורדוסים ללכד אתו בדברו׃ 13
Vakati vatuma kwaari vamwe veVaFarisi neveVaHerodhe, kuti vamubate pakutaura.
ויבאו ויאמרו אליו רבי ידענו כי איש אמת אתה ולא תגור מפני איש כי לא תכיר פנים כי אם באמת מורה אתה את דרך האלהים הנכון לתת מס אל הקיסר אם לא נתן׃ 14
Zvino vakati vauya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, hamuna hanya nemunhu; nokuti hamutariri chimiro chemunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi: Zviri pamutemo kupa Kesari mutero here, kana kwete?
והוא ידע את חנפתם ויאמר אליהם מה תנסוני הביאו אלי דינר ואראה׃ 15
Tipe here, kana tirege kupa? Asi iye wakaziva unyepedzeri hwavo, akati kwavari: Munondiidzirei? Ndivigirei dhenario, kuti ndione.
ויביאו ויאמר אליהם של מי הצורה הזאת והמכתב אשר עליו ויאמרו אליו של הקיסר׃ 16
Vakariuisa. Akati kwavari: Mufananidzo uyu nerunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari.
ויאמר ישוע אליהם את אשר לקיסר תנו לקיסר ואת אשר לאלהים תנו לאלהים ויתמהו עליו׃ 17
Jesu akapindura akati kwavari: Dzoserai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. Vakashamisika naye.
ויבאו אליו מן הצדוקים האמרים כי אין תחיה למתים וישאלהו לאמר׃ 18
Zvino kwakauya kwaari VaSadhusi, vanoti hakuna kumuka, vakamubvunza vachiti:
רבי כתב לנו משה כי ימות אחי איש ועזב אשה ובנים אין לו ייבם אחיו את אשתו ויקם זרע לאחיו׃ 19
Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa, akasiya mukadzi, akasasiya vana, kuti munin'ina wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake mbeu.
והנה שבעה אחים והראשון לקח אשה ובמותו לא השאיר אחריו זרע׃ 20
Zvino kwakange kune vanakomana vanomwe vemunhu umwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa akasasiya mbeu.
ויקח אתה השני וימת ולא הניח זרע וכן גם השלישי׃ 21
Wechipiri akamutora, akafa, iyewo akasasiya mbeu; newechitatu saizvozvo.
ויקחוה כל השבעה ולא השאירו אחריהם זרע ואחרי מות כלם מתה גם האשה׃ 22
Nevanomwe vakamutora, vakasasiya mbeu; shure kwevese mukadzi akafawo.
ועתה בתחית המתים כשיקומו למי מהם תהיה לאשה כי לשבעה היתה לאשה׃ 23
Naizvozvo pakumuka, kana vachimuka, achava mukadzi wani kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye kuita mukadzi.
ויאמר ישוע אליהם הלא בזאת אתם תעים באשר אינכם יודעים גם את הכתובים גם את גבורת האלהים׃ 24
Jesu akapindura akati kwavari: Hamuna kurasika here neizvozvi, nokuti hamuzivi magwaro kana simba raMwari?
כי בעת קומם מן המתים האנשים לא ישאו נשים ולא תנשאנה אך יהיו כמלאכי השמים׃ 25
Nokuti kana vachimuka kubva kuvakafa, havawanani, kana kuwaniswa, asi vakaita sevatumwa vari kumatenga.
ועל דבר המתים כי קום יקומו הלא קראתם בספר משה בסנה את אשר דבר אליו האלהים לאמר אנכי אלהי אברהם ואלהי יצחק ואלהי יעקב׃ 26
Zvino maererano nevakafa, kuti vanomutswa, hamuna kurava here mubhuku raMozisi, kuti Mwari wakataura naye sei mugwenzi reminzwa, achiti: Ndiri Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?
האלהים איננו אלהי המתים כי אם אלהי החיים לכן הרביתם לתעות׃ 27
Haasi Mwari wevakafa, asi Mwari wevapenyu; imwi naizvozvo marasika kwazvo.
ואחד מן הסופרים שמע אתם מתוכחים ויקרב אליהם וירא כי היטב השיבם וישאלהו מה היא הראשנה לכל המצות׃ 28
Zvino umwe wevanyori wakasvika, wakati anzwa vachirangana, achiziva kuti wakange avapindura zvakanaka, akamubvunza achiti: Ndeupi murairo wekutanga kune yese?
ויען ישוע וידבר אליו הראשנה לכל המצות היא שמע ישראל יהוה אלהינו יהוה אחד׃ 29
Jesu akamupindura, achiti: Wekutanga kumirairo yese ndiwoyu: Inzwa Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiIshe umwe chete!
ואהבת את יהוה אלהיך בכל לבבך ובכל נפשך ובכל מדעך ובכל מאדך זאת היא המצוה הראשנה׃ 30
Uye ida Ishe Mwari wako nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nefungwa dzako dzese, uye nesimba rako rese. Uyu murairo wekutanga.
והשנית הדמה לה היא ואהבת לרעך כמוך ואין מצוה גדולה מאלה׃ 31
Newechipiri wakadai ndeuyu: Ida umwe wako sezvaunozvida. Hakuna umwe murairo mukuru kune iyi.
ויאמר אליו הסופר אמנם רבי יפה דברת כי אלהים אחד הוא ואין עוד מלבדו׃ 32
Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka, Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo kuti kuna Mwari umwe chete, uye hakuna umwe kunze kwake;
ולאהבה אתו בכל לבב ובכל מדע ובכל נפש ובכל מאד ולאהבה את הרע כנפשו גדולה היא מכל עלות וזבחים׃ 33
nekumuda nemoyo wese, uye nefungwa dzese, uye nemweya wese, uye nesimba rese, nekuda wekwako sezvaunozvida, zvinopfuura zvipiriso zvese zvinopiswa nezvibairo.
וירא ישוע כי ענה בדעת ויאמר אליו לא רחוק אתה ממלכות האלהים ואיש לא ערב עוד את לבו לשאל אותו שאלה׃ 34
Zvino Jesu wakati achimuona kuti wapindura nenjere, akati kwaari: Hausi kure neushe hwaMwari. Kukasazova nemunhu wakatsunga kumubvunza.
ויען ישוע בלמדו במקדש ויאמר איך יאמרו הסופרים כי המשיח הוא בן דוד׃ 35
Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura akati: Vanyori vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?
והוא דוד אמר ברוח הקדש נאם יהוה לאדני שב לימיני עד אשית איביך הדם לרגליך׃ 36
Nokuti Dhavhidhi amene wakati neMweya Mutsvene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
הנה דוד בעצמו קרא לו אדון ואיך הוא בנו ויאהב רב העם לשמע אתו׃ 37
Naizvozvo Dhavhidhi amene anomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake papi? Chaunga chikuru chikamunzwa nemufaro.
ויאמר אליהם בלמד אתם השמרו מן הסופרים האהבים להתהלך עטופי טלית ואת שאלות שלומם בשוקים׃ 38
Zvino wakati kwavari padzidziso yake: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nekwaziso pamisika,
ואת מושבי הראש בבתי כנסיות ואת מסבות הראש בסעודות׃ 39
nezvigaro zvemberi mumasinagoge, nezvinzvimbo zvakakwirira pazvirairo;
הבלעים את בתי האלמנות ומאריכים בתפלה למראה עינים המה משפט על יתר יקחו׃ 40
vanodya dzimba dzechirikadzi, uye nekunyepedzera vachiita minyengetero mirefu; ivava vachagamuchira kuraswa kukuru kwazvo.
וישוע ישב ממול ארון האוצר והוא ראה את העם משליכים מעות לארון האוצר ועשירים רבים נתנו הרבה׃ 41
Jesu akagara pasi akatarisana nechivigiro chezvipo, akatarira kuti chaunga chinokanda sei mari muchivigiro; zvino vafumi vazhinji vakange vachikanda zvizhinji.
ותבא אלמנה עניה ותשלך שתי פרוטות אשר הן רבע אסר׃ 42
Zvino kwakasvika imwe chirikadzi murombo, ikakanda tumari twemhangura tuviri, ndiro kobiri.
ויקרא אל תלמידיו ויאמר אליהם אמן אמר אני לכם כי האלמנה העניה הזאת נתנה יותר מכל הנתנים אל ארון האוצר׃ 43
Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda zvizhinji kupfuura vese vakanda muchivigiro chezvipo;
כי כלם נתנו מן העדף שלהם והיא ממחסרה נתנה כל אשר לה את כל רכושה׃ 44
nokuti vese vakanda pamuraudziro wavo; asi iye paurombo hwake wakanda zvese zvaanazvo, zvese zveupenyu hwake.

< מארק 12 >