< לוּקָס 21 >
ויבט וירא את העשירים משליכים את נדבותם לארון האוצר׃ | 1 |
Akati achitarira, Jesu akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chepfuma chomutemberi.
וירא גם אלמנה עניה נתנת בו שתי פרוטות׃ | 2 |
Akaonawo chirikadzi murombo ichiisa tumari tuviri tuduku twendarira.
ויאמר אמת אמר אני לכם כי האלמנה העניה הזאת נתנה יותר מכלם׃ | 3 |
Akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yaisa mari zhinji kupfuura vamwe vose.
כי כל אלה התנדבו לאלהים מהעדף שלהם והיא מחסרונה את כל רכושה נתנה׃ | 4 |
Vanhu vose ava vapa zvipo zvavo zvichibva papfuma yavo zhinji; asi uyu, nourombo hwake aisa zvose zvaanga achararama nazvo.”
ויהי באמרם על המקדש כי מהדר הוא באבנים יפות ובמתנות ויאמר׃ | 5 |
Vamwe vadzidzi vake vakanga vachitaura pamusoro pamashongedzerwo akanga akaitwa temberi namatombo akanaka uye nezvipo zvakanga zvakumikidzwa kuna Mwari. Asi Jesu akati,
את אשר אתם ראים הנה ימים באים ולא תשאר אבן על אבן אשר לא תתפרק׃ | 6 |
“Zvamuoona pano izvi, nguva ichasvika yokuti ibwe rimwe haringaregwi riri pamusoro perimwe; rimwe nerimwe rawo richakandwa pasi.”
וישאלהו לאמר רבי מתי אפוא תהיה זאת ומה הוא האות לעת היותה׃ | 7 |
Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, zvinhu izvi zvichaitika rinhiko? Uye chiratidzo chichava chipi chokuti izvozvo zvava kuzoitika?”
ויאמר ראו פן תתעו כי רבים יבאו בשמי לאמר אני הוא והעת קרובה ואתם אל תלכו אחריהם׃ | 8 |
Akapindura akati, “Chenjererai kuti murege kunyengerwa. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti ivo, ‘Ndini iye,’ uye ‘Nguva yava pedyo.’ Musavatevera.
ובשמעכם מלחמות ומהומות אל תחתו כי היו תהיה זאת לראשונה אך עוד קץ למועד׃ | 9 |
Kana mukanzwa zvehondo uye nokumukirana, musavhundutswa. Zvinhu izvozvi zvinofanira kutanga kuitika, asi kuguma hakuzosviki pakarepo.”
ויסף דבר אליהם לאמר יקום גוי על גוי וממלכה על ממלכה׃ | 10 |
Ipapo akati kwavari, “Rudzi ruchamukira rudzi, uye umambo huchamukira humwe umambo.
והיה רעש גדול כה וכה ורעב ודבר וגם מוראים ואתות גדלות מן השמים׃ | 11 |
Kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru, nzara nehosha kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye zvinhu zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvinobva kudenga.
ולפני כל אלה ישלחו בכם את ידיהם וירדפו וימסרו אתכם לבתי כנסיות ואל בתי כלאים ותובאו לפני מלכים ומשלים למען שמי׃ | 12 |
“Asi izvi zvose zvisati zvaitika, vachakubatai vagokutambudzai. Vachakuisai kumasinagoge nokumatorongo uye muchamiswa pamberi pamadzimambo navabati, uye zvose nokuda kwezita rangu.
Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari.
על כן שיתו לבבכם לבלתי דאג במה תצטדקו׃ | 14 |
Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei.
כי אנכי נתן לכם פה וחכמה אשר לא יוכלו לעמד לפניה ולדבר נגדה כל מתקוממיכם׃ | 15 |
Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa.
וגם תמסרו על ידי יולדיכם ואחיכם וקרוביכם ורעיכם וימיתו מכם׃ | 16 |
Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanunʼuna, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.
והייתם שנואים לכל אדם למען שמי׃ | 17 |
Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu.
אך לא יפל משערת ראשכם ארצה׃ | 18 |
Asi hapana bvudzi romusoro wenyu richaparara.
בתוחלתכם קנו לכם את נפשתיכם׃ | 19 |
Nokutsungirira kwenyu, muchawana upenyu.
וכאשר תראו מחנות סובבים את ירושלים ידע תדעו כי קרב חרבנה׃ | 20 |
“Pamunoona Jerusarema rakombwa nehondo, muchaziva kuti kuparadzwa kwaro kwava pedyo.
אז ינוסו אנשי יהודה אל ההרים ואשר הם בתוכה יצאו ואשר הם בפרזות אל יבואו בה׃ | 21 |
Ipapo vaya vari muJudhea ngavatizire kumakomo, vari muguta ngavabude, uye vari muruwa ngavarege kupinda muguta.
כי ימי נקם המה למלאת כל הכתוב׃ | 22 |
Nokuti iyi ndiyo nguva yokurangwa kuti zvose zvakanyorwa zvizadziswe.
ואוי להרות ולמיניקות בימים ההם כי תהיה צרה גדולה בארץ וקצף על העם הזה׃ | 23 |
Haiwa, zvichatyisa seiko mumazuva iwayo kumadzimai ane mimba navanoyamwisa! Kuchava nenhamo huru munyika nokutsamwa pamusoro porudzi urwu.
ונפלו לפי חרב והגלו אל כל הגוים וירושלים תרמס ברגלי גוים עד כי ימלאו עתות הגוים׃ | 24 |
Vachaurayiwa nomunondo uye vachaitwa vasungwa kundudzi dzose. Jerusarema richatsikwa neveDzimwe Ndudzi kusvikira nguva dzeveDzimwe Ndudzi dzazadziswa.
והיו אתות בשמש ובירח ובכוכבים ועל הארץ מצוקה לגוים ומבוכה מהמית הים ודכיו׃ | 25 |
“Kuchava nezviratidzo pazuva, pamwedzi napanyeredzi. Panyika, ndudzi dzichatambudzika uye dzichakanganiswa nokutinhira uye namasaisai egungwa.
וימוגו בני האדם מאימה ומחרדת הבאות על כל הארץ כי כחות השמים יתמוטטו׃ | 26 |
Vanhu vachapera simba nokutya, nokutarisira zvichawira nyika, nokuti masimba okumatenga achazungunuswa.
ואז יראו את בן האדם בא בענן בגבורה ובכבוד רב׃ | 27 |
Panguva iyo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya mugore nesimba nokubwinya kukuru.
וכאשר תחל להיות זאת התעודדו ושאו ראשיכם כי קרובה גאלתכם לבוא׃ | 28 |
Panotanga kuitika zvinhu izvi, mumire mugosimudza misoro yenyu, nokuti dzikinuro yenyu yoswedera.”
וידבר אליהם משל ראו את התאנה ואת כל העצים׃ | 29 |
Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Tarirai muti womuonde nemiti yose.
כי תראו אתם מוציאים את פרחם הלא ידעתם כי קרב הקיץ׃ | 30 |
Painenge ichitungira mashizha, munogona kuona pachenyu nokuziva kuti zhizha rava pedyo.
ככה אף אתם בבא אלה לעיניכם דעו כי קרובה מלכות האלהים׃ | 31 |
Nokudarowo, pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, muzive kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.
אמן אמר אני לכם לא יעבר הדור הזה עד כי יהיה הכל׃ | 32 |
“Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu izvi zvaitika.
השמים והארץ יעברו ודברי לא יעברון׃ | 33 |
Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
רק השמרו לכם פן יכבד לבבכם בסבא ובשכרון ובדאגות המחיה ובא עליכם היום ההוא פתאם׃ | 34 |
“Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa, kudhakwa nokufunganya kwoupenyu, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva musina kuzvitarisira.
כי כמו פח יבוא על כל הישבים על פני כל הארץ׃ | 35 |
Nokuti richasvika pamusoro pavose vagere pamusoro penyika yose.
לכן שקדו בכל עת והתפללו למען תעצרו כח להמלט מכל העתידות האלה ולהתיצב לפני בן האדם׃ | 36 |
Garai makagadzirira, uye munyengetere kuti mugogona kupunyuka pazvose izvo zvava kuda kuitika, uye kuti mugogona kumira pamberi poMwanakomana woMunhu.”
ויהי מלמד יומם במקדש ובלילה יצא בהר הנקרא הר הזיתים ללון׃ | 37 |
Zuva rimwe nerimwe Jesu aidzidzisa patemberi, uye madekwana oga oga achindopedza usiku hwose ari muGomo reMiorivhi,
וכל העם השכימו לבוא אליו במקדש לשמע אותו׃ | 38 |
uye vanhu vose vaiuya patemberi mangwanani-ngwanani kuti vazomunzwa.