< לוּקָס 14 >
ויהי בבאו בשבת אל בית אחד מראשי הפרושים לאכל לחם והמה ארבים לו׃ | 1 |
Zvino zvakaitika pakupinda kwake mumba meumwe wevakuru kuVaFarisi kuzodya chingwa nesabata, kuti ivo vakamucherekedza.
והנה איש אחד לפניו אשר גופו צבה ממים׃ | 2 |
Zvino tarira, kwakange kune umwe munhu pamberi pake waiva nerukandwe.
ויען ישוע ויאמר אל בעלי התורה ואל הפרושים לאמר המתר לרפא בשבת אם לא ויחרישו׃ | 3 |
Jesu ndokupindura akataura kunyanzvi dzemutemo neVaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nesabata?
ויאחז בו וירפאהו וישלחהו׃ | 4 |
Asi vakanyarara. Zvino akamubata akamuporesa ndokurega achienda.
ויען ויאמר אליהם מי מכם אשר חמרו או שורו יפול אל הבאר ולא ימהר להעלותו ביום השבת׃ | 5 |
Akavapindura achiti: Ndiani wenyu, ungati ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasaisimudza pakarepo nezuva resabata?
ולא יכלו להשיב על זאת דבר׃ | 6 |
Vakasagona kumupindurazve pamusoro pezvinhu izvi.
וישא משלו אל הקרואים בראותו איך בחרו להם להסב בראש ויאמר אליהם׃ | 7 |
Zvino wakataura mufananidzo kune vakakokwa, achiona kuti vanosarudza sei zvigaro zvepamusoro, akati kwavari:
כי יקרא אתך איש אל החתנה אל תסב בראש פן יקרא שמה איש נכבד ממך׃ | 8 |
Kana wakokwa neumwe munhu kumuchato, usagara pachigaro chepamusoro; zvimwe umwe anokudzwa kupfuura iwe wakokwa naye,
ובא הקרא אותך ואותו ואמר אליך פנה מקום לזה ואז תקום בכלמה לקחת את המקום האחרון׃ | 9 |
zvino wakakukoka iwe naiye asvike ati kwauri: Dziurira uyu; ipapo uchatanga kutora nzvimbo yepasisa nenyadzi.
אבל כי תקרא לך והסב במקום האחרון למען יבא הקרא אתך ואמר אליך אהובי עלה למעלה מזה והיה לך כבוד לפני המסבים עמך׃ | 10 |
Asi kana wakokwa, enda ugare panzvimbo yepasisa, kuti kana uyo wakakukoka achisvika, angati kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; zvino uchava nerukudzo pamberi pevagere pakudya newe.
כי כל המרומם את עצמו ישפל והמשפיל את עצמו ירומם׃ | 11 |
Nokuti ani nani anozvikwiridzira, achaninipiswa; neanozvininipisa achakwiridzirwa.
וגם אל האיש אשר קרא אותו אמר כי תעשה סעודת צהרים או סעודת ערב אל תקרא לאהביך ולאחיך ולקרוביך ולשכניך העשירים פן יקראו לך גם המה והיה לך לשלום׃ | 12 |
Ipapo akatiwo kune wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirairo, usadana shamwari dzako, kana vanakomana vamai vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vafumi, zvimwe ivowo vangazokukokazve, ugoripirwa.
אבל כי תעשה משתה קרא לעניים ולנשברים ולפסחים ולעורים׃ | 13 |
Asi kana waita mabiko, dana varombo, vanokamhina, mhetamakumbo, mapofu;
ואשריך באשר אין להם לשלם לך כי ישלם לך בתחית הצדיקים׃ | 14 |
uye ucharopafadzwa, nokuti havana zvokukuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwevakarurama.
וישמע זאת אחד מן המסבים ויאמר אליו אשרי האכל לחם במלכות האלהים׃ | 15 |
Umwe wevakange vagere naye pakudya wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo achadya chingwa paushe hwaMwari.
והוא אמר אליו איש אחד עשה סעודה גדולה ויקרא לרבים׃ | 16 |
Asi akati kwaari: Umwe munhu wakaita chirairo chikuru, akakokera vazhinji.
וישלח את עבדו לעת הסעודה לאמר אל הקרואים באו כי כבר מוכן הכל׃ | 17 |
Akatuma muranda wake nenguva yekuraira kuti ati kune vakange vakakokwa: Uyai, nokuti zvese zvagadzirwa zvino.
ויחלו כלם פה אחד להתנצל ויאמר אליו הראשון שדה קניתי ועלי לצאת לראתו אבקש ממך נקני׃ | 18 |
Zvino vese vakatanga umwe neumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wekutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kuenda ndinomuona; ndinokukumbira, ini undiregerere.
ואחר אמר חמשת צמדי בקר קניתי ואני הלך לבחן אותם אבקש ממך נקני׃ | 19 |
Uye umwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, ndinoenda kunodziidza; ndinokumbira, ini undiregerere.
ואחר אמר אשה לקחתי ובעבור זאת לא אוכל לבוא׃ | 20 |
Uye umwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handigoni kuuya.
ויבא העבד ויגד את הדברים האלה לאדניו ויקצף בעל הבית ויאמר לעבדו מהר צא אל רחבות העיר ואל הוצותיה והבא הנה את העניים ואת הנשברים ואת העורים ואת הפסחים׃ | 21 |
Zvino muranda uyo wakauya akapira zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nekukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzemuguta, upinze pano varombo, nevanokamhina, nemhetamakumbo, nemapofu.
ויאמר העבד אדני כאשר צוית כן נעשה ויש עוד מקום׃ | 22 |
Muranda ndokuti: Ishe, zvaitwa sezvamaraira, asi nzvimbo ichipo.
ויאמר האדון אל העבד צא אל הדרכים ואל הגדרות ופצר בהם לבוא למען ימלא ביתי׃ | 23 |
Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa nekuuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe.
כי אני אמר לכם אין אחד מן האנשים הקרואים ההם אשר יטעם סעודתי׃ | 24 |
Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuna umwe kune varume avo vakakokwa acharavira chirairo changu.
והמון עם רב הלכים אתו ויפן ויאמר אליהם׃ | 25 |
Zvino zvaunga zvikuru zvaifamba naye; akatendeuka akati kwavari:
איש כי יבוא אלי ולא ישנא את אביו ואת אמו ואת אשתו ואת בניו ואת אחיו ואת אחיתיו ואף גם את נפשו לא יוכל להיות תלמידי׃ | 26 |
Kana ani nani achiuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nemukadzi, nevana, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange neupenyu hwake, haagoni kuva mudzidzi wangu.
ואשר לא ישא את צלבו ובא אחרי לא יוכל להיות תלמידי׃ | 27 |
Zvino ani nani asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haagoni kuva mudzidzi wangu.
כי מי מכם החפץ לבנות מגדל הלא ישב בראשונה ויחשב את ההוצאות אם השג תשיג ידו להשלימו׃ | 28 |
Nokuti ndiani wenyu, anoti achida kuvaka shongwe, asingatangi agara pasi, akaverenga madhuriro, kana ane zvekupedzesa?
פן ישים את היסוד ולא יוכל לכלותו והיה כל הראים יקומו להלעיג לו לאמר׃ | 29 |
Kuti zvimwe ateya nheyo akasagona kupedza, vese vanoona vanotanga kumuseka,
כי זה האיש החל לבנות ולא יכל לכלות׃ | 30 |
vachiti: Uyu munhu akatanga kuvaka, asi akakoniwa kupedzisa.
אז מי הוא המלך הקם להתגרות מלחמה במלך אחר ולא ישב בראשונה ויתיעץ אם יוכל בעשרת אלפים לערך לקראת הבא עליו בעשרים אלף׃ | 31 |
Kana ndeupi mambo, kana achienda kuhondo akamirisana neumwe mambo, asingatangi agara pasi, akafungisisa kuti angagona here nezvuru gumi kusangana neanouya akapikisana naye nezvuru makumi maviri?
ואם לא ושלח אליו מלאכים בעודנו רחוק לבקש שלום׃ | 32 |
Asi kana zvisakadaro, iye achiri kure, anotuma nhume, akumbire zverugare.
ככה כל איש מכם אשר לא נפטר מכל רכושו לא יוכל להיות תלמידי׃ | 33 |
Saka saizvozvo, ani nani kwamuri asingasii zvese zvaanazvo, haagoni kuva mudzidzi wangu.
טוב המלח ואם המלח היה תפל במה יתקן׃ | 34 |
Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei?
לא יצלח גם לאדמה גם לדמן החוצה ישליכהו מי אשר אזנים לו לשמע ישמע׃ | 35 |
Hauchina kufanira kunyange pamunda, kana padutu remupfudze; vanourasira kunze. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.