< איכה 5 >

זכר יהוה מה היה לנו הביט וראה את חרפתנו׃ 1
Rangarirai Jehovha, zvakatiwira; tarirai, mugoona kunyadziswa kwedu.
נחלתנו נהפכה לזרים בתינו לנכרים׃ 2
Nhaka yedu yakapiwa kuvatorwa, misha yedu kumabvakure.
יתומים היינו אין אב אמתינו כאלמנות׃ 3
Tava nherera, hatina vabereki, vanamai vedu sechirikadzi.
מימינו בכסף שתינו עצינו במחיר יבאו׃ 4
Tinofanira kutenga mvura yatinonwa; huni dzedu dzinongowanikwa chete nomutengo.
על צוארנו נרדפנו יגענו לא הונח לנו׃ 5
Avo vanotidzinganisa vari pedyo pedyo; taneta uye hatina zororo.
מצרים נתנו יד אשור לשבע לחם׃ 6
Takazviisa pasi peIjipiti neAsiria, kuti tiwane chingwa chakakwana.
אבתינו חטאו אינם אנחנו עונתיהם סבלנו׃ 7
Madzibaba edu akatadza uye vakafa, uye tava kurangwa nokuda kwavo.
עבדים משלו בנו פרק אין מידם׃ 8
Varanda vanotitonga, uye hapana angatisunungura kubva pamaoko avo.
בנפשנו נביא לחמנו מפני חרב המדבר׃ 9
Tinowana chingwa chedu nokuisa upenyu hwedu munjodzi, nokuda kwomunondo murenje.
עורנו כתנור נכמרו מפני זלעפות רעב׃ 10
Ganda redu rava kupisa sechoto, nokuda kwokupisa kwenzara.
נשים בציון ענו בתלת בערי יהודה׃ 11
Vakachinya vakadzi muZioni, mhandara, mumaguta eJudha.
שרים בידם נתלו פני זקנים לא נהדרו׃ 12
Machinda akasungirirwa namaoko avo; vakuru havakudzwi.
בחורים טחון נשאו ונערים בעץ כשלו׃ 13
Majaya anoshanda paguyo; vakomana vanotatarika vakatakura mitoro yehuni.
זקנים משער שבתו בחורים מנגינתם׃ 14
Vakuru vakabva pasuo reguta; majaya akarega kuimba kwavo.
שבת משוש לבנו נהפך לאבל מחלנו׃ 15
Mufaro mumwoyo medu waguma; kutamba kwedu kwapinduka kukava kuchema.
נפלה עטרת ראשנו אוי נא לנו כי חטאנו׃ 16
Korona yawa kubva pamusoro wedu. Tine nhamo isu, nokuti takatadza!
על זה היה דוה לבנו על אלה חשכו עינינו׃ 17
Nokuda kwaizvozvi mwoyo yedu yapera simba, nokuda kwezvinhu izvi meso edu otadza kuona,
על הר ציון ששמם שועלים הלכו בו׃ 18
nokuti Gomo reZioni rava dongo, makava ofambamo.
אתה יהוה לעולם תשב כסאך לדר ודור׃ 19
Imi Jehovha, munotonga nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chiripo kuzvizvarwa zvose.
למה לנצח תשכחנו תעזבנו לארך ימים׃ 20
Sei muchigara muchitikanganwa? Sei muchitikanganwa kwenguva yakareba kudai?
השיבנו יהוה אליך ונשוב חדש ימינו כקדם׃ 21
Tidzoserei kwamuri, Jehovha, kuti tigodzoka; vandudzai mazuva edu senguva yekare,
כי אם מאס מאסתנו קצפת עלינו עד מאד׃ 22
kana musina kutiramba zvachose kana kutitsamwira zvikuru kwazvo.

< איכה 5 >