< ג'ון 10 >
אמן אמן אני אמר לכם איש אשר לא יבוא דרך השער אל מכלא הצאן כי אם יעלה בדרך אחר גנב ופריץ הוא׃ | 1 |
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Asingapindi napamukova mudanga remakwai, asi anokwira nekumwe, ndiye mbavha negororo.
ואשר יבוא דרך השער הוא רעה הצאן׃ | 2 |
Zvino anopinda nepamukova mufudzi wemakwai.
לו יפתח שמר הסף והצאן את קלו תשמענה והוא לצאנו בשם יקרא ויוציאם׃ | 3 |
Murindi wemukova anomuzarurira, nemakwai anonzwa inzwi rake, uye anodana makwai ake nezita, nekuatungamirira kunze.
ואחרי הוציאו את צאנו הוא יעבר לפניהן והצאן הלכות אחריו כי ידעו את קולו׃ | 4 |
Uye kana abudisa makwai ake, anoatungamirira; nemakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake.
ואחרי זר לא תלכנה כי אם ינוסו מפניו כי את קול הזרים לא ידעו׃ | 5 |
Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi revaeni.
המשל הזה דבר ישוע באזניהם והמה לא ידעו מה זאת אשר אמר אליהם׃ | 6 |
Jesu wakareva dimikira iri kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhui zvaakataura kwavari.
ויוסף ישוע וידבר אליהם אמן אמן אני אמר לכם אני הוא דלת הצאן׃ | 7 |
Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai;
כל אשר באו לפני גנבים המה ופריצים והצאן לא שמעו לקולם׃ | 8 |
vese vakanditangira kuuya imbavha nemakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
אנכי הדלת איש כי יבוא בי יושע ובצאתו ובבואו ימצא מרעה׃ | 9 |
Ini ndiri mukova; kana munhu achipinda neni, achaponeswa, achapinda nekubuda, nekuwana mafuro.
הגנב לא יבוא כי אם לגנוב ולהרוג ולאבד ואני באתי לבעבור הביא להם חיים ומלא ספקם׃ | 10 |
Mbavha haiui asi kungozoba nekuuraya nekuparadza; ini ndakauya, kuti vave neupenyu, uye vave nehunopfachukira.
אנכי הוא הרעה הטוב הרעה הטוב יתן את נפשו בעד צאנו׃ | 11 |
Ini ndiri mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka anoradzikira pasi makwai upenyu hwake.
והשכיר אשר לא רעה הוא והצאן לא לו הנה בראותו כי בא הזאב יעזב את הצאן ונס והזאב יחטף ויפיץ את הצאן׃ | 12 |
Asi muricho, asati ari mufudzi, makwai asati ari ake pachake, anoona bumhi richiuya, akasiya makwai, ndokutiza; bumhi rinoabata, nekuparadzira makwai.
השכיר ינוס כי שכיר הוא ולא ידאג לצאן׃ | 13 |
Muricho anotiza nokuti muricho, uye haana hanya nemakwai.
אני הרעה הטוב וידעתי את אשר לי ונודעתי לאשר לי׃ | 14 |
Ini ndiri mufudzi wakanaka, uye ndinoziva angu, ndinozikanwa neangu.
כאשר האב ידעני ואני ידעתי את האב ואת נפשי אתן בעד הצאן׃ | 15 |
Baba sezvavanondiziva, neni ndinoziva Baba; zvino ndinoradzikira pasi makwai upenyu hwangu.
וצאן אחרות יש לי אשר אינן מן המכלה הזאת ועלי לנהל גם אתן ותשמענה קולי והיה עדר אחד ורעה אחד׃ | 16 |
Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe mufudzi umwe.
על כן אהב אתי אבי כי את נפשי אתן למען אשוב ואקחה׃ | 17 |
Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nokuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihutorezve.
ואיש לא יקחנה מאתי כי אם אני מעצמי אתננה יש בידי לתת אתה ובידי לשוב לקחתה את המצוה הזאת לקחתי מעם אבי׃ | 18 |
Hakuna angahutora kubva kwandiri, asi ini ndinohuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu.
ותהי מחלקת גם בפעם הזאת בין היהודים על הדברים האלה׃ | 19 |
Naizvozvo kukavapozve kupesana pakati peVaJudha nekuda kwemashoko awa.
ויאמרו רבים מהם שד בו ומשגע הוא למה תשמעו אליו׃ | 20 |
Vazhinji vavo vakati: Ane dhimoni uye anopenga; munomuteererei?
ואחרים אמרו לא כאלה ידבר איש אחוז שד היוכל שד לפקח עיני עורים׃ | 21 |
Vamwe vakati: Mashoko awa haasi eane dhimoni; ko dhimoni ringagona kusvinudza meso emapofu here?
ויהי חג חנכת הבית בירושלים וסתיו היה׃ | 22 |
Zvino paiva nemutambo wekuvandudza paJerusarema, chaiva chando;
ויתהלך ישוע במקדש באולם של שלמה׃ | 23 |
Jesu ndokufamba-famba mutembere muberere raSoromoni.
ויסבו אתו היהודים ויאמרו אליו עד אנה תתלה את נפשנו את המשיח אתה הגידה לנו ברור׃ | 24 |
Zvino VaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Kusvikira rinhi uchigara wakaremberedza mweya wedu? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.
ויען אתם ישוע הן אמרתי אליכם ולא האמנתם בי המעשים אשר אני עשה בשם אבי הם יעידו עלי׃ | 25 |
Jesu akavapindura akati: Ndakakuudzai, asi hamuna kutenda; mabasa andinoita ini muzita raBaba vangu ndiwo anopupura nezvangu;
אבל אתם לא תאמינו יען לא מצאני אתם כאשר אמרתי לכם׃ | 26 |
asi imwi hamutendi; nokuti hamusi vemakwai angu, sezvandakareva kwamuri.
צאני תשמענה את קולי ואני ידעתין ואחרי תלכנה׃ | 27 |
Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera;
ואני אתן להן חיי עולמים ולא תאבדנה לנצח ואיש לא יחטף אתהן מידי׃ (aiōn , aiōnios ) | 28 |
uye ini ndinoapa upenyu husingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna umwe achaabvuta muruoko rwangu. (aiōn , aiōnios )
האב אשר נתנן לי גדול הוא על כל ואיש לא יחטף אתהן מיד האב׃ | 29 |
Baba vangu vakandipa iwo vakuru kune vese; uye hakuna anogona kuabvuta muruoko rwaBaba vangu.
אז ירימו היהודים כפעם בפעם אבנים לסקלו׃ | 31 |
Naizvozvo VaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.
ויען אתם ישוע מעשים טובים רבים הראיתי אתכם מאת אבי על אי זה מן המעשים ההם תסקלני׃ | 32 |
Jesu akavapindura akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kuna Baba vangu; nderipi remabasa awa ramunonditakira?
ויענו היהודים אתו לאמר על מעשה טוב לא נסקל אתך כי אם על גדפך את אלהים ועל כי אדם אתה ותעש את עצמך לאלהים׃ | 33 |
VaJudha vakamupindura vachiti: Hatikutakiri basa rakanaka, asi kunyomba; uye nokuti iwe uri munhu unozviita Mwari.
ויען אתם ישוע הלא כתוב בתורתכם אני אמרתי אלהים אתם׃ | 34 |
Jesu akavapindura akati: Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ini ndakati: Muri vamwari?
הן קרא שם אלהים לאלה אשר היה דבר האלהים אליהם והכתוב לא יופר׃ | 35 |
Kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye rugwaro harwugoni kuputswa;
ואיך תאמרו על אשר קדשו האב ושלחו לעולם מגדף אתה יען אמרתי בן אלהים אני׃ | 36 |
imwi munoti kune uyo Baba vakamuita mutsvene vakamutuma panyika: Unonyomba, nokuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari?
אם לא אעשה את מעשי אבי אל תאמינו לי׃ | 37 |
Kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, musanditenda.
ואם עשיתי ולא תאמינו לי האמינו נא למעשי למען תדעו ותאמינו כי בי האב ואני בו׃ | 38 |
Asi kana ndichiaita, kunyange musingatendi ini, tendai mabasa; kuti muzive nekutenda kuti Baba vari mandiri, neni mavari.
אז ישובו ויבקשו לתפשו וימלט מידם׃ | 39 |
Zvino vakatsvakazve kumubata; asi wakabuda paruoko rwavo.
וילך וישב אל עבר הירדן אל המקום אשר הטביל שם יוחנן בתחלה וישב שם׃ | 40 |
Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani kunzvimbo Johwani kwaaibhabhatidza pakutanga; ndokugarapo.
ויבאו אליו רבים ויאמרו הנה יוחנן לא עשה אות אבל כל אשר דבר יוחנן על האיש הזה אמת היה׃ | 41 |
Zvino vazhinji vakauya kwaari vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi chese Johwani chaakareva pamusoro peuyu chaiva chokwadi.
ויאמינו בו רבים במקום ההוא׃ | 42 |
Vazhinji ndokutenda kwaari ipapo.